< Mapisarema 40 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu. 2 Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo. 3 Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachaona, uye vachatya uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha. 4 Akaropafadzwa munhu akaita Jehovha ruvimbo rwake, asingatariri kuna vanozvikudza, kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema. 5 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, zvizhinji zvishamiso zvamakaita. Zvinhu zvamakatitongera hakuna angazvirondedzera kwamuri; dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo, zvaizowandisa kuzvizivisa. 6 Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo, asi nzeve dzangu makadziboora; zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvireva. 7 Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu, ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu. 8 Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu; murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.” 9 Ndinoparidza kururama paungano huru; handidziviri miromo yangu, sokuziva kwenyu, imi Jehovha. 10 Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu; ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu. Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu paungano huru. 11 Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha; rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose. 12 Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza; zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona. Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu, uye mwoyo wangu waneta mukati mangu. 13 Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei; haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira. 14 Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanoda kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vanyadziswe. 15 Avo vose vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavavhundutswe nokuda kwenyadzi dzavo. 16 Asi vose vanokutsvakai ngavafare uye vafarisise mamuri; avo vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe!” 17 Asi ndiri murombo nomushayiwi; dai Ishe vandifungawo. Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu; haiwa Mwari wangu, musanonoka henyu.

< Mapisarema 40 >