< Mapisarema 34 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake. Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. 2 Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare. 3 Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete. 4 Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose. 5 Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi. 6 Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose. 7 Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura. 8 Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari. 9 Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa. 10 Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka. 11 Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha. 12 Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda, 13 dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema. 14 Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere. 15 Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo; 16 chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika. 17 Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose. 18 Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya. 19 Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose; 20 anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika. 21 Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva. 22 Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.

< Mapisarema 34 >