< Mapisarema 149 >

1 Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene. 2 Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo. 3 Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira. 4 Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso. 5 Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo. 6 Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo, 7 kuti vatsive pamusoro pendudzi, uye varange marudzi avanhu, 8 vasunge madzimambo avo nengetani, namakurukota avo nezvisungo zvamatare, 9 kuti vaite zvavakatongwa nazvo, zvakanyorwa pamusoro pavo. Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose. Rumbidzai Jehovha.

< Mapisarema 149 >