< Mapisarema 137 >

1 Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema, patakarangarira Zioni. 2 Pamikonachando apo ndipo patakaturika mbira dzedu, 3 nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo, vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati, “Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!” 4 Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha tiri munyika yokumwe? 5 Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema, ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo. 6 Rurimi rwangu ngarunamatire kumusoro kwomuromo wangu, kana ndikasakurangarira iwe, kana ndisingafungi Jerusarema, iwo mufaro wangu wapamusoro-soro. 7 Haiwa Jehovha, rangarirai henyu zvakaitwa navaEdhomu, pazuva rakawa Jerusarema. Vakati, “Rikoromorei! Rikoromorei kusvikira panheyo dzaro!” 8 Haiwa Mwanasikana weBhabhironi, watongerwa kuparadzwa, achafara munhu uyo achatsiva kwauri zvawakaita kwatiri, 9 iye achatora pwere dzako agodzirovera pamatombo.

< Mapisarema 137 >