< Mapisarema 130 >

1 Rwiyo rworwendo. Ndinodanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika; 2 haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni. 3 Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvomunhu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira? 4 Asi kwamuri kune kukanganwira; naizvozvo imi munotyiwa. 5 Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira, uye tariro yangu iri mushoko rake. 6 Mweya wangu unorindira Ishe kupfuura varindi vanomirira rungwanani. 7 Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha, nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi uye kwaari kune dzikinuro izere. 8 Iye pachake achadzikinura Israeri kubva pazvivi zvavo zvose.

< Mapisarema 130 >