< Mapisarema 127 >

1 Rwiyo rworwendo rwaSoromoni. Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshandira pasina. Kana Jehovha asingachengeti guta, varindi vanomira vakarinda pasina. 2 Hazvina maturo kumuka mangwanani nokunonoka kuvata, uchitambudzikira zvokudya, nokuti anopa hope kuna vaanoda. 3 Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha, vana mubayiro unobva kwaari. 4 Semiseve mumaoko emhare ndizvo zvakaita vanakomana voujaya. 5 Akaropafadzwa murume ane goba rizere navo. Havanganyadziswi pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.

< Mapisarema 127 >