< Mapisarema 124 >

1 Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Israeri ngaati dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu, 2 dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu patakarwiswa navanhu, 3 apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu; 4 mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura, 5 mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure. 6 Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo. 7 Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi; rugombe rwadamburwa uye tapunyuka. 8 Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Muiti wedenga nenyika.

< Mapisarema 124 >