< Mapisarema 123 >

1 Rwiyo rworwendo. Ndinosimudzira meso angu kwamuri, kunemi mune chigaro choushe kudenga. 2 Sokutarira kunoita meso evaranda kuna vatenzi vavo, sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake, saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, kusvikira atinzwira ngoni. 3 Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni, nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda. 4 Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna vanozvikudza, nokuzvidzwa kuzhinji kunobva kuna vanozvikudza.

< Mapisarema 123 >