< Mapisarema 12 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi. Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina; vakatendeka vapera pakati pavanhu. 2 Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema; miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera. 3 Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso, norurimi rumwe norumwe runozvikudza 4 ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu; miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?” 5 “Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba nokugomera kwavarombo, ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.” 6 Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa, sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu, yakanatswa kanomwe. 7 Imi Jehovha, muchatichengeta murugare uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi. 8 Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.

< Mapisarema 12 >