< Numeri 29 >

1 “‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye murege kubata basa ramazuva ose. Izuva rokuti muridze hwamanda.
七月にいたりその月の朔日に汝ら聖會を開くべし何の職業をも爲べからず是は汝らが喇叭を吹べき日なり
2 Munofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa chehando imwe chete duku, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara, zvive zvinonhuhwira zvinofadza pamberi paJehovha.
汝ら燔祭をささげてヱホバに馨しき香をたてまつるべし即ち少き牡牛一匹牡羊一匹當歳の羔羊の全き者七匹を献ぐべし
3 Mugadzire pamwe chete nehando duku chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa pamwe chete namafuta, negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
その素祭には麥粉に油を混和たるを用ふべし即ぢ牡牛一匹に十分の三牡羊一匹に十分の二をもちひ
4 pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
また羔羊には七匹とも羔羊一匹に十分の一を用ふべし
5 Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire.
また牡山羊一匹を罪祭に献げて汝らのために贖罪をなすべし
6 Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuhwira zvinofadza.
是は月々の朔日の燔祭とその素祭および日々の燔祭とその素祭と灌祭の外なる者なり是らの物の例にしたがひて之をヱホバにたてまつりて馨しき香の火祭となすべし
7 “‘Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene. Munofanira kuzviramba uye murege kubata basa.
またその七月の十日に汝ら聖會を開きかつ汝らの身をなやますべし何の職業をも爲べからず
8 Mupe chibayiro chinopiswa chehando duku yegore rimwe chete kuna Jehovha sezvinonhuhwira zvinofadza: hando imwe chete negondobwe rimwe chete uye namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvisina kuremara.
汝らヱホバに燔祭を献げて馨しき香をたてまつるべし即ち少き牡牛一匹牡羊一匹當歳の羔羊七匹是みな全き者なるべし
9 Mugadzire pamwe chete nehando, chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
その素祭には麥粉に油を混和たるを用ふべし即ち牡牛一匹に十分の三牡羊一匹に十分の二を用ひ
10 uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
また羔羊には七匹とも羔羊一匹に十分の一を用ふべし
11 Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.
また牡山羊一匹を罪祭に献ぐべし是等は贖罪の罪祭と常燔祭とその素祭と灌祭の外なる者なり
12 “‘Pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose. Muite mutambo wokupemberera Jehovha kwamazuva manomwe.
七月の十五日に汝ら聖會を開くべし何の職業をも爲べからず汝ら七日の間ヱホバに向て節筵を守るべし
13 Muuye nechibayiro chinopiswa kuti chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando duku gumi nenhatu, makondobwe maviri namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, ose asina kuremara.
汝ら燔祭を献げてヱホバに馨しき香の火祭をたてまつるべし即ち少き牡牛十三牡羊二匹當歳の羔羊十四是みな全き者なるべし
14 Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondobwe maviri, zvikamu zviviri mugumi,
その素祭には麥粉に油を混和たるを用ふべし即ちその十三の牡牛には各箇十分の三その二匹の牡羊には各箇十分の二を用ひ
15 uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi.
その十四の羔羊には各箇十分の一を用ふべし
16 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa.
また牡山羊一匹を罪祭に献ぐべし是等は常燔祭およびその素祭と灌祭の外なり
17 “‘Pazuva rechipiri mugadzire hando duku gumi nembiri, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe, zvose zvisina kuremara.
第二日には少き牡牛十二牡羊二匹當歳の羔羊の全き者十四を献ぐべし
18 Mugadzire nehando, namakondobwe uye namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
その牡牛と牡羊と羔羊のために用ふる素祭と灌祭はその數に循ひて例のごとくすべし
19 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.
また牡山羊一匹を罪祭に献ぐべし是らは常燔祭およびその素祭と灌祭の外なり
20 “‘Pazuva rechitatu, mugadzire hando gumi neimwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
第三日には少き牡牛十一牡羊二匹當歳の羔羊の全き者十四を献ぐべし
21 Mugadzire pamwe chete nehando, makondobwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
その牡牛と牡羊と羔羊のために用ふる素祭と灌祭はその數に循ひて例のごとくすべし
22 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
また牡山羊一匹を罪祭に献ぐべし是らは常燔祭およびその素祭と灌祭の外なり
23 “‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondobwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
第四日には少き牡牛十匹牡羊二匹當歳の羔羊の全き者十四を献ぐべし
24 Pamwe chete nehando, namakondobwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
その牡牛と牡羊と羔羊のために用ふる素祭と灌祭はその數に循ひて例のごとくすべし
25 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa.
また牡山羊一匹を罪祭に献ぐべし是等は常燔祭およびその素祭と灌祭の外なり
26 “‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
第五日には少き牡牛九匹牡羊二匹當歳の羔羊の全き者十四を献ぐべし
27 Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
その牡牛と牡羊と羔羊のために用ふる素祭と灌祭はその數にしたがひて例のごとくすべし
28 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
また牡山羊一匹を罪祭に献ぐべし是らは常燔祭およびその素祭と灌祭の外なり
29 “‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondobwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara.
第六日には少き牡牛八匹牡羊二匹當歳の羔羊の全き者十四を献ぐべし
30 Pamwe chete nehando, namakondobwe uye namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
その牡牛と牡羊と羔羊のために用ふる素祭と灌祭はその數にしたがひて例のごとくすべし
31 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
また牡山羊一匹を罪祭に献ぐべし是等は常燔祭およびその素祭と灌祭の外なり
32 “‘Pazuva rechinomwe, mugadzire hando nomwe, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
第七日には少き牡牛七匹牡羊二匹當歳の羔羊の全き者十四を献ぐべし
33 Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
その牡牛と牡羊と羔羊のために用ふる素祭と灌祭はその數にしたがひて例のごとくすべし
34 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye chipiriso chokunwa.
また牡山羊一匹を罪祭に献ぐべし是等は常燔祭およびその素祭と灌祭の外なり
35 “‘Pazuva rorusere, unganai uye murege kuita basa ramazuva ose.
第八日にはまた汝ら會をひらくべし何の職業をも爲べからず
36 Mupe chibayiro chinopiswa nomoto chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando imwe chete, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
燔祭を献げてヱホバに馨しき香の火祭をたてまつるべし即ち牡牛一匹牡羊一匹當歳の羔羊の全き者七匹を献ぐべし
37 Mugadzire hando, gondobwe namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, maererano nouwandu hwakarayirwa.
その牡牛と牡羊と羔羊のために用ふる素祭と灌祭はその數にしたがひて例のごとくすべし
38 Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
また牡山羊一匹を罪祭に献ぐべし是らは常燔祭およびその素祭と灌祭の外なり
39 “‘Kupamhidzira pamusoro pezvamakapika uye zvipo zvokupa nokuzvisarudzira, mugadzirire Jehovha izvi pamitambo yenyu yakatarwa: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvokunwa uye nezvipiriso zvokuwadzana.’”
汝らその節期にはヱホバに斯なすべし是らは皆汝らが願還のために献げまたは自意の禮物として献ぐる所の燔祭素祭灌祭および酬恩祭の外なり
40 Mozisi akataurira vaIsraeri zvose zvaakarayirwa naJehovha.
モーセはヱホバのモーセに命じたまへる事をことごとくイスラエルの子孫に告たり

< Numeri 29 >