< Numeri 15 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
Et l'Éternel parla à Moïse en ces termes:
2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare,
Parle aux enfants d'Israël et leur dis: Quand vous serez arrivés dans le pays où vous serez fixés et que je vous donnerai,
3 uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuhwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kana zvipiriso zvemitambo,
et quand vous offrirez à l'Éternel en sacrifice igné un holocauste ou une victime pour l'acquit d'un vœu ou d'un don spontané ou dans vos solennités, pour faire fumer du gros et du menu bétail en parfum agréable à l'Éternel,
4 ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini yamafuta.
celui qui présentera son oblation à l'Éternel, présentera comme offrande un dixième de fleur de farine trempée d'un quart de hin d'huile;
5 Pagwayana rimwe nerimwe rechipiriso chinopiswa kana rechibayiro, munofanira kugadzira chikamu chimwe chete muzvina chehini yewaini chive chipiriso chokunwa.
quant au vin pour la libation, vous en ajouterez à l'holocauste ou à la victime un quart de hin pour chaque agneau.
6 “‘Munofanira kugadzira negondobwe chipiriso chezviyo chezvikamu zviviri mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yamafuta,
Ou bien au bélier tu ajouteras comme offrande deux dixièmes de fleur de farine trempée d'un tiers de hin d'huile;
7 uye nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. Muchipe sechinonhuhwira chinofadza kuna Jehovha.
et pour la libation tu offriras un tiers de hin de fin en parfum agréable à l'Éternel.
8 “‘Pamunogadzirira Jehovha nzombe duku sechipiriso chinopiswa kana sechibayiro, chemhiko yakasarudzika kana chipiriso chokuwadzana,
Et quand tu sacrifieras un jeune taureau comme holocauste ou comme victime, pour l'acquit d'un vœu ou en sacrifice pacifique à l'Éternel,
9 munofanira kuuya nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu kubva mugumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nehafu yehini yamafuta pamwe chete nehando.
on présentera en sus du jeune taureau comme offrande trois dixièmes de fleur de farine trempée d'un demi-hin d'huile,
10 Uyezve muuye nehafu yehini yewaini sechipiriso chokunwa. Chichava chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira chinofadza Jehovha.
et pour la libation tu présenteras un demi-hin de vin en sacrifice igné d'un parfum agréable à l'Éternel.
11 Hando imwe neimwe kana gondobwe, gwayana rimwe nerimwe kana mbudzana, zvinofanira kugadzirwa nenzira iyoyi.
C'est ce qui se pratiquera pour chaque bœuf, ou chaque bélier, ou agneau, ou chevreau;
12 Munofanira kuita izvi pane chimwe nechimwe chazvo, sokuwanda kwezvamunenge magadzira.
ainsi vous procéderez, en raison du nombre des victimes sacrifiées par vous, pour chacune, en raison de leur nombre.
13 “‘Munhu wose anoberekwa munyika yenyu, anofanira kuita zvinhu izvi nenzira iyi paanenge achiuya nechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
Tout indigène le fera de cette manière pour offrir un sacrifice igné d'un parfum agréable à l'Éternel.
14 Kuzvizvarwa zvinotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi.
De même l'étranger séjournant chez vous, ou se rencontrant parmi vous, dans vos âges futurs, qui voudra faire un sacrifice igné d'un parfum agréable à l'Éternel, pratiquera tout ce que vous pratiquez.
15 Ungano inofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa agere pakati penyu; uyu murayiro usingaperi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Muchafanana pamberi paJehovha imi nomutorwa.
Quand il y aura Assemblée, il y aura une seule règle pour vous et pour l'étranger domicilié, règle perpétuelle pour vos âges futurs; l'étranger sera sur le même pied que vous devant l'Éternel.
16 Mirayiro mimwe cheteyo ichashanda kwamuri mose, imi nomutorwa agere pakati penyu.’”
Il n'y aura qu'une seule loi, et un seul rite pour vous et pour l'étranger séjournant chez vous.
17 Jehovha akati kuna Mozisi,
Et l'Éternel parla à Moïse en ces termes:
18 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mopinda munyika yandinokuendesai
Parle aux enfants d'Israël et leur dis: Quand vous serez arrivés au pays où je vous conduis,
19 uye mukadya zvokudya zvenyika iyo, munofanira kupa chikamu kuna Jehovha sechipiriso.
et que vous mangerez des denrées du pays, vous prélèverez un don pour l'Éternel.
20 Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro.
Comme prémices de votre mouture vous présenterez par élévation une galette; vous la présenterez comme le don prélevé sur l'aire.
21 Kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga.
Sur les prémices de votre mouture vous prélèverez un don pour l'Éternel dans tous vos âges.
22 “‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha,
Et si vous manquez et n'exécutez pas tous ces ordres que l'Éternel a donnés à Moïse,
23 zvipi zvazvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, kubva nezuva razvakapiwa naJehovha uye zvichienda mberi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera,
tout ce que l'Éternel vous a prescrit par l'organe de Moïse depuis le jour où Il vous donna des commandements et dès lors pour vos âges futurs,
24 uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, nenhongo yembudzi kuti ive chipiriso chechivi.
et si le fait a lieu à l'insu de l'Assemblée, par erreur, toute l'Assemblée offrira un jeune taureau en holocauste, en parfum agréable à l'Éternel, avec son offrande et sa libation selon le rite, et un bouc en sacrifice expiatoire.
25 Muprista anofanira kuyananisira ungano yose yavaIsraeri, uye vachakanganwirwa, nokuti zvakanga zvisina kuitwa nobwoni, uye, nokuda kwokukanganisa kwavo, vakavigira Jehovha chipiriso chinopiswa uye nechipiriso chechivi.
Et le Prêtre fera la propitiation pour toute l'Assemblée des enfants d'Israël, et il leur sera pardonné; car c'était une erreur; mais eux-mêmes ils présenteront leur oblation en sacrifice igné à l'Éternel, et leur victime expiatoire devant l'Éternel pour leur erreur,
26 Ungano yose yavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo vachakanganwirwa, nokuti vanhu vose vakatadza vasingazivi.
et ainsi il sera pardonné à toute l'Assemblée des enfants d'Israël, et à l'étranger séjournant parmi eux, car la chose est arrivée à l'Assemblée par une erreur.
27 “‘Asi kana munhu mumwe chete akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nembudzana hadzi yegore rimwe chete kuti chive chipiriso chechivi.
Et si une personne seule pèche par erreur, elle offrira une chèvre d'un an comme victime expiatoire.
28 Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa.
Et le Prêtre fera la propitiation pour la personne qui a manqué en péchant par erreur, devant l'Éternel, la propitiation se faisant pour elle, et il lui sera pardonné.
29 Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa.
Pour l'indigène Israélite et pour l'étranger séjournant parmi vous, vous aurez une seule loi pour celui qui manque par erreur.
30 “‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
Mais la personne qui aura agi haut la main, parmi les indigènes ou les étrangers, aura outragé l'Éternel, cette personne sera éliminée du milieu de son peuple,
31 Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’”
car elle aura méprisé Sa parole et enfreint Ses commandements; cette personne sera éliminée: une iniquité pèse sur elle.
32 VaIsraeri vachiri murenje, mumwe murume akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata.
Les enfants d'Israël, étant dans le désert, surprirent un homme qui ramassait du bois le jour du Sabbat.
33 Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose,
Et ceux qui l'avaient surpris ramassant du bois, l'amenèrent à Moïse et Aaron et à toute l'Assemblée.
34 uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvaifanira kuitwa kwaari.
Et on le mit en prison, parce que ce qu'il y avait à lui faire n'était pas précisé.
35 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Murume uyo anofanira kufa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwomusasa.”
Alors l'Éternel dit à Moïse: Que cet homme soit mis à mort; toute l'Assemblée le lapidera hors du camp.
36 Saka ungano yakamubudisa kunze kwomusasa vakamutaka namabwe kusvikira afa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
Alors toute l'Assemblée le mena hors du camp, et le lapida, et il mourut, ainsi que l'Éternel l'avait ordonné à Moïse.
37 Jehovha akati kuna Mozisi,
Et l'Éternel parla à Moïse en ces termes:
38 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira kuzvizvarwa zvichatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe.
Parle aux enfants d'Israël et leur dis de se faire des houppes aux angles de leurs manteaux dans tous leurs âges, et d'ajouter à la houppe de l'angle un cordon d'azur.
39 Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu.
Et portez-les comme des houppes dont la vue vous rappelle tous les commandements de l'Éternel, afin que vous les pratiquiez, et ne soyez pas entraînés par votre cœur et par vos yeux dont vous suivez les désirs adultères,
40 Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu.
afin que vous vous rappeliez et que vous exécutiez tous mes ordres et que vous soyez Saints pour votre Dieu.
41 Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”
Je suis l'Éternel, votre Dieu, qui vous ai tirés du pays d'Egypte pour être votre Dieu: je suis l'Éternel, votre Dieu.

< Numeri 15 >