< Nehemia 12 >

1 Zvino ava ndivo vaprista navaRevhi vakadzokera naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri naJeshua: Seraya, Jeremia, naEzira,
シャルテルの子ゼルバベルおよびエシュアと一緒に上ってきた祭司とレビびとは次のとおりである。すなわちセラヤ、エレミヤ、エズラ、
2 Amaria, Maruki, Hatushi,
アマリヤ、マルク、ハットシ、
3 Shekania, Rehumi, Meremoti,
シカニヤ、レホム、メレモテ、
4 Idho, Ginetoni, Abhija,
イド、ギンネトイ、アビヤ、
5 Mijamini Moadhia, Bhiriga,
ミヤミン、マアデヤ、ビルガ、
6 Shemia, Joirabhi, naJedhaya.
シマヤ、ヨヤリブ、エダヤ、
7 Saru, Amoki, Hirikia naJedhaya. Ava ndivo vaiva vatungamiri vavaprista pamwe chete nehama dzavo pamazuva aJeshua.
サライ、アモク、ヒルキヤ、エダヤで、これらの者はエシュアの時代に祭司およびその兄弟らのかしらであった。
8 VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhinui, Kadhimieri, Sherebhia, Judha, uyewo naMatania pamwe chete nehama dzake, aiva mukuru wenziyo dzokuvonga.
レビびとではエシュア、ビンヌイ、カデミエル、セレビヤ、ユダ、マッタニヤで、マッタニヤはその兄弟らと共に感謝のことをつかさどった。
9 Bhakibhukia naUni, nehama dzavo, vakamira vakatarisana navo mushumiro.
また彼らの兄弟であるバグブキヤおよびウンノは彼らの向かいに立って勤めをした。
10 Jeshua aiva baba vaJoyakimu, Joyakimu aiva baba vaEriashibhi, Eriashibhi ari baba vaJoyadha,
エシュアの子はヨアキム、ヨアキムの子はエリアシブ、エリアシブの子はヨイアダ、
11 Joyadha baba vaJonatani, uye Jonatani baba vaJadhua.
ヨイアダの子はヨナタン、ヨナタンの子はヤドアである。
12 Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaprista, pamazuva aJoyakimu: wokwaSeraya, aiva Meraya; wokwaJeremia, aiva Hanania;
ヨアキムの時代に祭司で氏族の長であった者はセラヤの氏族ではメラヤ、エレミヤの氏族ではハナニヤ、
13 wokwaEzira, aiva Meshurami; wokwaAmaria, aiva Jehohanani;
エズラの氏族ではメシュラム、アマリヤの氏族ではヨハナン、
14 wokwaMaruki, aiva Jonatani; wokwaShekania, aiva Josefa;
マルキの氏族ではヨナタン、シバニヤの氏族ではヨセフ、
15 wokwaHarimu, aiva Adhina; wokwaMeremoti, aiva Herikai;
ハリムの氏族ではアデナ、メラヨテの氏族ではヘルカイ、
16 wokwaIdho, aiva Zekaria; wokwaGinetoni aiva Meshurami;
イドの氏族ではゼカリヤ、ギンネトンの氏族ではメシュラム、
17 wokwaAbhija, aiva Zikiri; wokwaMiniamini, newokwaMoadhia, aiva Piritai;
アビヤの氏族ではジクリ、ミニヤミンの氏族、モアデヤの氏族ではピルタイ、
18 wokwaBhiriga aiva Shamia; wokwaShemaya aiva Jehonatani;
ビルガの氏族ではシャンマ、シマヤの氏族ではヨナタン、
19 wokwaJoyaribhi aiva Matenai; wokwaJedhaya, aiva Uzi;
ヨヤリブの氏族ではマッテナイ、エダヤの氏族ではウジ、
20 wokwaSaru, aiva Karai; wokwaAmoki, aiva Ebheri;
サライの氏族ではカライ、アモクの氏族ではエベル、
21 wokwaHirikia, aiva Hashabhia; wokwaJedhaya, aiva Netaneri.
ヒルキヤの氏族ではハシャビヤ、エダヤの氏族ではネタンエルである。
22 Vakuru vedzimba dzavaRevhi mumazuva aEriashibhi, Joyadha, Johanani naJadhua, pamwe chete neavo vaiva vevaprista, vakanyorwa mazita avo pamazuva okutonga kwaDhariasi muPezhia.
レビびとについては、エリアシブ、ヨイアダ、ヨハナンおよびヤドアの時代に、その氏族の長たちが登録された。また祭司たちもペルシャ王ダリヨスの治世まで登録された。
23 Vakuru vedzimba pakati pezvizvarwa zvaRevhi kusvikira panguva yaJohanani mwanakomana waEriashibhi vakanyorwa mumabhuku enhoroondo.
レビの子孫で氏族の長たる者は、エリアシブの子ヨハナンの世まで歴代志の書にしるされている。
24 Zvino vatungamiri vavaRevhi vaiva Hashabhia, Sherebhia naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo avo vaimira vakatarisana vachipa rumbidzo nokuvonga, uye vachiita madzoro sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.
レビびとのかしらはハシャビヤ、セレビヤおよびカデミエルの子エシュアであって、その兄弟たち相向かい合い、組と組と対応して神の人ダビデの命令に従い、さんびと感謝をささげた。
25 Matania Bhakibhukia, Dhadhia, Meshurami, Taramani, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova namatura.
マツタニヤ、バクブキヤ、オバデヤ、メシュラム、タルモンおよびアックブは門を守る者で門の内の倉を監督した。
26 Vakashumira pamazuva aJehoyakimi mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, nomumazuva aNehemia mubati naEzira muprista nomunyori.
これらはヨザダクの子エシュアの子ヨアキムの時代、また総督ネヘミヤおよび学者である祭司エズラの時代にいた人々である。
27 Zvino pakukumikidzwa kworusvingo rweJerusarema, vaRevhi vakatsvakwa kwavaigara vakauyiswa kuJerusarema kuzopemberera kukumikidzwa uku nomufaro, nenziyo dzokuvonga, uye nokuimba, vachiridza makandira, mitengeranwa nembira.
さてエルサレムの城壁の落成式に当って、レビびとを、そのすべての所から招いてエルサレムにこさせ、感謝と、歌と、シンバルと、立琴と、琴とをもって喜んで落成式を行おうとした。
28 Vaimbi vakaunganidzwa pamwe chete kubva kumatunhu akapoteredza Jerusarema, nokumisha yavaNetofati;
そこで、歌うたう人々はエルサレムの周囲の地方、ネトパびとの村々から集まってきた。
29 nokuBheti Girigari uye kubva munzvimbo yeGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha vakapoteredza Jerusarema.
またベテギルガルおよびゲバとアズマウテの地方からも集まってきた。この歌うたう者たちはエルサレムの周囲に自分の村々を建てていたからである。
30 Zvino vaprista navaRevhi vakati vazvinatsa, vakanatsawo vanhu, mikova norusvingo.
そして祭司とレビびとたちは身を清め、また民およびもろもろの門と城壁とを清めた。
31 Ipapo ndakakwidza vatungamiri vavaJudha pamusoro porusvingo. Ndakarayirawo mapoka makuru maviri avaimbi kuti vavonge vachifamba mumudungwe. Rimwe boka rakafamba pamusoro porusvingo kurudyi, rakananga kuMukova weNdove.
そこでわたしはユダのつかさたちを城壁の上にのぼらせ、また感謝する者の二つの大きな組を作って、行進させた。その一つは城壁の上を右に糞の門をさして進んだ。
32 Hoshaya nehafu yavatungamiri vaJudha vakavatevera,
そのあとに従って進んだ者はホシャヤ、およびユダのつかさたちの半ば、
33 pamwe chete naAzaria, Ezira, Mesharami,
ならびにアザリヤ、エズラ、メシュラム、
34 Judha, Bhenjamini, Shemaya, naJeremia,
ユダ、ベニヤミン、シマヤ、エレミヤであった。
35 pamwe chete navamwe vaprista vaiva nehwamanda, uyewo naZekaria mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi,
また数人の祭司がラッパをもって従った。すなわちヨナタンの子ゼカリヤ。ヨナタンはシマヤの子、シマヤはマッタニヤの子、マッタニヤはミカヤの子、ミカヤはザックルの子、ザックルはアサフの子である。
36 nehama dzake vanaShemaya, Azareri, Mirarai, Girarai, Maai, Nataneri, Judha naHanani nemidziyo yokuimbisa yakarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Ezira munyori akavatungamirira ari pamberi.
またゼカリヤの兄弟たちシマヤ、アザリエル、ミラライ、ギラライ、マアイ、ネタンエル、ユダ、ハナニなどであって、神の人ダビデの楽器を持って従った。そして学者エズラは彼らの先に進んだ。
37 Vakafamba napaSuo reTsime vakarurama kumatanho eGuta raDhavhidhi napamukwidza wokurusvingo uye vakapfuura napamusoro peimba yaDhavhidhi vakananga kuSuo reMvura kumabvazuva.
彼らは泉の門を経て、まっすぐに進み、城壁の上り口で、ダビデの町の階段から上り、ダビデの家の上を過ぎて東の方、水の門に至った。
38 Rimwe boka ravaivonga rakaenda kuruboshwe. Ini ndakavatevera pamwe chete nehafu yavanhu ndiri pamusoro porusvingo, ndikapfuura napashongwe yechoto kusvikira kurusvingo rwakapamhama,
他の一組の感謝する者は左に進んだ。わたしは民の半ばと共に彼らのあとに従った。そして城壁の上を行き、炉の望楼の上を過ぎて、城壁の広い所に至り、
39 napamusoro peSuo raEfuremu, Suo reKare, Suo reHove, Shongwe yaHananeri napaShongwe yeZana, kusvikira paSuo raMakwai. Vakamira paSuo raVarindi.
エフライムの門の上を通り、古い門を過ぎ、魚の門およびハナネルの望楼とハンメアの望楼を過ぎて、羊の門に至り、近衛の門に立ち止まった。
40 Naizvozvo mapoka maviri avavongi akamira muimba yaMwari, neni ndikaita saizvozvo, pamwe chete nehafu yavabati,
こうして二組の感謝する者は神の宮にはいって立った。わたしもそこに立ち、つかさたちの半ばもわたしと共に立った。
41 navapristawo, vanaEriakimi, Maaseya, Miniamini, Mikaya, Erioenai, Zekaria naHanania, nehwamanda dzavo,
また祭司エリアキム、マアセヤ、ミニヤミン、ミカヤ、エリオエナイ、ゼカリヤ、ハナニヤらはラッパを持ち、
42 uyewo Maaseya, Shemaya, Ereazari, Uzi Jehonani, Marikiya, Eramu naEzeri. Vaimbi vakaimba vachitungamirirwa naJezirahia.
マアセヤ、シマヤ、エレアザル、ウジ、ヨハナン、マルキヤ、エラムおよびエゼルも共にいた。そして歌うたう者たちは声高く歌った。エズラヒヤはその監督であった。
43 Pazuva iro vakabayira zvibayiro zvikuru, vachifara nokuti Mwari akanga avapa mufaro mukuru. Vakadzi navana vakafarawo. Maungira omufaro waiva muJerusarema akanzwika kure kwazvo.
こうして彼らはその日、大いなる犠牲をささげて喜んだ。神が彼らを大いに喜び楽しませられたからである。女子供までも喜んだ。それでエルサレムの喜びの声は遠くまで聞えた。
44 Panguva iyoyo varume vakagadzwa kuva vatariri vamatura okuvigira zvaiunganidzwa, uye zvibereko zvokutanga nezvegumi. Vaifanira kuuya nezvaibva muminda yakapoteredza maguta kumatura okuvigira migove yakatarirwa vaprista navaRevhi nomurayiro, nokuti Judha yakafadzwa navaprista navaRevhi vaishumira.
その日、倉のもろもろのへやをつかさどる人々を選び、ささげ物、初物、十分の一など律法の定めるところの祭司およびレビびとの分を町々の田畑にしたがって取り集めて、へやに入れることをつかさどらせた。これは祭司およびレビびとの仕えるのを、ユダびとが喜んだからである。
45 Vakaita shumiro yaMwari wavo neshumiro yokunatswa, pamwe chete navaimbi navachengeti vamasuo, sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni.
彼らはダビデおよびその子ソロモンの命令に従って、神の勤めおよび清め事の勤めをした。歌うたう者および門を守る者もそのように行った。
46 Nokuti kare kare, mumazuva aDhavhidhi naAsafi, kwaiva navatungamiri vavaimbi nezvenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari.
昔ダビデおよびアサフの日には、歌うたう者のかしらがひとりいて、神にさんびと感謝をささげる事があった。
47 Saka mumazuva aZerubhabheri naNehemia, vaIsraeri vose vaipa migove yezuva nezuva kuvaimbi navachengeti vamasuo. Vakatsaurawo mugove wavamwe vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurawo mugove wezvizvarwa zvaAroni.
またゼルバベルの日およびネヘミヤの日には、イスラエルびとはみな歌うたう者と門を守る者に日々の分を与え、またレビびとに物を聖別して与え、レビびとはまたこれを聖別してアロンの子孫に与えた。

< Nehemia 12 >