< Nehemia 11 >

1 Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo.
Tada se nastaniše knezovi narodni u Jeruzalemu. Ostali je narod bacao ždrijeb da od svakih deset ljudi izađe jedan koji će stanovati u svetom gradu Jeruzalemu, dok će ostalih devet ostati u drugim gradovima.
2 Vanhu vakarumbidza varume vose vakanga vazvipira kugara muJerusarema.
I narod je blagoslovio sve ljude koji su dragovoljno htjeli živjeti u Jeruzalemu.
3 Ava ndivo vakuru vamatunhu vakandogara muJerusarema (zvino vamwe vavaIsraeri, vaprista, vaRevhi, vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vakagara mumaguta aJudha, mumwe nomumwe panzvimbo yake mumaguta akasiyana-siyana,
A evo glavara pokrajinskih koji su se nastanili u Jeruzalemu i po gradovima Judeje. Izrael, svećenici, leviti, netinci i sinovi Salomonovih slugu nastanili su se u svojim gradovima, svaki na svome posjedu.
4 kwozoti vamwe vanhu vaiva vokwaJudha nokwaBhenjamini vakagara muJerusarema): Vaibva kuzvizvarwa zvaJudha vaiti: Ataya mwanakomana waUzia, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri, chizvarwa chaPerezi;
U Jeruzalemu se nastaniše sinovi Judini i sinovi Benjaminovi. Od sinova Judinih: Ataja, sin Uzije, sina Zaharijina, sina Amarjina, sina Šefatjina, sina Mahalalelova, od sinova Faresovih;
5 naMaaseya mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKori-Hoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekaria, chizvarwa chaShera.
Maaseja, sin Baruha, sina Kol-Hozea, sina Hazaje, sina Adaje, sina Jojariba, sina Zaharije, sina Šelina.
6 Zvizvarwa zvaPerezi avo vaigara muJerusarema vaiva mazana mana namakumi matanhatu navasere vaiva varume voumhare.
Svega je bilo Faresovih sinova u Jeruzalemu četiri stotine šezdeset i osam ljudi sposobnih za boj.
7 Vaibva kuzvizvarwa zvaBhenjamini vaiti: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya,
Evo Benjaminovih sinova: Salu, sin Mešulama, sina Joedova, sina Pedajina, sina Kolajina, sina Maasejina, sina Itielova, sina Ješajina,
8 nevaimutevera vaiti Gabhai naSarai, vaiva varume vanosvika mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere.
i braća njegova: sposobnih za boj devet stotina dvadeset i osam.
9 Joere mwanakomana waZikiri akanga ari mukuru wavo, uye Judha mwanakomana waHasenua, aiva pamusoro peDunhu reChipiri reguta.
Joel, sin Zikrijev, bio je njihov zapovjednik, i Juda, sin Hasenuin, drugi upravitelj grada.
10 Vaibva kuvaprista ndeava: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhi naJakini;
Od svećenika: Jedaja, Jojarib, Jakin,
11 Seraya mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mutariri weimba yaMwari,
Seraja, sin Hilkije, sina Mešulama, sina Sadoka, sina Merajota, sina Ahituba, predstojnik Doma Božjega, i
12 nehama dzavo, avo vakaenderera mberi nebasa retemberi, vaiva varume vana mazana masere namakumi maviri navaviri; naAdhaya mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waPeraria, mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikiya,
njihova braća koja su vršila službu u Domu: osam stotina dvadeset i dvojica; i Adaja, sin Jerohama, sina Pelalije, sina Amsija, sina Zaharije, sina Pašhura, sina Malkijina,
13 nehama dzake vaiva vakuru vedzimba, varume mazana maviri namakumi mana navaviri; naAmashisai mwanakomana waImeri,
i njegova braća, glavari obitelji: dvjesta četrdeset i dvojica; i Amasaj, sin Azarela, sina Ahzaja, sina Mešilemota, sina Imerova,
14 nehama dzake, vaiva varume voumhare, zana namakumi maviri navasere. Mutariri wavo mukuru aiva Zadhidhieri mwanakomana waHagedhorimi.
i njihove braće, sposobnih za boj: stotinu dvadeset i osam. Zapovjednik nad njima bio je Zabdiel, sin Hagedolimov.
15 Vaibva kuvaRevhi ndeava: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni;
Od levita: Šemaja, sin Hašuba, sina Azrikama, sina Hašabje, sina Bunijeva;
16 Shabhetai naJozabhadhi, vari vaviri vaiva vakuru vavaRevhi, vari vatariri vamabasa okunze kweimba yaMwari;
i Šabtaj i Jozabad, od glavara levitskih, za nadzor vanjskih poslova Doma Božjega;
17 Matania mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, mukuru aitungamirira pakuvonga nokunyengetera; Bhakubhukia, aiva wechipiri paukuru pakati pehama dzake; naAbhudha mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni.
i Matanija, sin Miheja, sina Zabdijeva, sina Asafova, koji je ravnao psalmima, počinjao zahvale i molitve; i Bakbukja, drugi među svojom braćom; i Abda, sin Šamue, sina Galala, sina Jedutunova.
18 VaRevhi vaiva muguta dzvene vaisvika mazana maviri namakumi masere navana.
Svega je levita bilo u Svetom gradu: dvjesta osamdeset i četiri.
19 Vachengeti vamasuo: Akubhi, naTarimoni nehama dzavo, ndivo vaichengeta masuo, varume vaisvika zana namakumi manomwe navaviri.
A vratari: Akub, Talmon i njihova braća koja su čuvala stražu na vratima: stotinu sedamdeset i dva.
20 Vamwe vaIsraeri vose, navaprista navaRevhi, vaiva mumaguta ose eJudha, mumwe nomumwe panhaka yake.
A ostali Izraelci, svećenici i leviti, nastaniše se u svim gradovima Judeje, svaki na svojoj baštini i po naseljima u njihovim poljima.
21 Vashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi, uye Ziha naGishipa ndivo vaiva vatungamiri vavo.
Netinci su stanovali u Ofelu; Siha i Gišpa bijahu na čelu netinaca.
22 Mutariri mukuru wavaRevhi muJerusarema aiva Uzi mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika. Uzi aiva mumwe wezvizvarwa zvaAsafi, vaiva vaimbi vari vabati veshumiro yeimba yaMwari.
Predstojnik je levitima u Jeruzalemu bio Uzi, sin Banija, sina Hašabje, sina Matanije, sina Mihejina. On je bio od sinova Asafovih, koji su bili pjevači za službu Doma Božjega.
23 Vaimbi vaiva pasi pomutemo wamambo, waivataurira zvokuita zuva nezuva.
Jer je za njih bila kraljeva zapovijed i uredba za svakodnevnu službu.
24 Petahia mwanakomana waMeshezabheri, mumwe wezvizvarwa zvaZera mwanakomana waJudha, aiva mubati waMambo panyaya dzose dzavanhu.
Petahja, sin Mešezabelov, od sinova Zeraha, sina Judina, bio je kraljev povjerenik za sve poslove s narodom.
25 Kana iri misha neminda yavo, vanhu vokwaJudha vakagara muKiriati Abha namaruwa akaripoteredza, muDhibhoni namaruwa aro, muJekabhizeri nemisha yaro,
Od sinova Judinih nastanili su se u Kirjat Haarbi i njezinim zaseocima, u Dibonu i njegovim zaseocima, u Jekabseelu i njegovim naseljima,
26 muJeshua, muMoradha, nomuBheti Pereti,
u Jesui, u Moladi, u Bet Peletu,
27 nomuHazari Shuari, nomuBheerishebha namaruwa aro,
u Hasar Šualu, u Beer Šebi i u njenim zaseocima,
28 nomuZikiragi, nomuMekona namaruwa aro,
u Siklagu, u Mekoni i njenim zaseocima,
29 muEni Rimoni, nomuZora, nomuJarimuti,
u En Rimonu, u Sori, u Jarmutu,
30 Zanoa, neAdhurami nemisha yawo, muRakishi neminda yaro, nomuAzeka namaruwa aro. Naizvozvo vakanga vagere munzvimbo yose kuBheerishebha kusvikira kuMupata weHinomi.
Zanoahu, Adulamu i njihovim naseljima; u Lakišu i njegovim poljima, u Azeki i njenim zaseocima: tako su se naselili od Beer Šebe sve do Hinomske doline.
31 Zvizvarwa zvaBhenjamini zvaibva kuGebha zvakagara muMikimashi, neAija neBheteri namaruwa acho,
Benjaminovi sinovi življahu u Gebi, Mikmasu, Aju i Betelu i u njihovim zaseocima,
32 muAnatoti, neNobhi neAnania,
u Anatotu, Nobu, Ananiji,
33 muHazori, neRama neGitaimi,
Hasoru, Rami, Gitajimu,
34 muHadhidhi, Zebhoimi neNebharati,
Hadidu, Seboimu, u Nebalatu,
35 muRodhi neOno, nomuMupata weMhizha.
Lodu, Ononu i u Dolini rukotvoraca.
36 Mamwe mapoka avaRevhi vokwaJudha akandogara muBhenjamini.
Skupine levita nalazile su se u Judi i Benjaminu.

< Nehemia 11 >