< Mako 15 >

1 Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakaita sarudzo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato.
И абие наутрие совет сотвориша архиерее со старцы и книжники, и весь сонм, связавше Иисуса ведоша и предаша (Его) Пилату.
2 Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.”
И вопроси Его Пилат: Ты ли еси Царь Иудейский? Он же отвещав рече ему: ты глаголеши.
3 Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo.
И глаголаху на Него архиерее много.
4 Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.”
Пилат же паки вопроси Его, глаголя: не отвещаваеши ли ничтоже? Виждь, колика на Тя свидетелствуют.
5 Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo.
Иисус же ктому ничтоже отвеща, яко дивитися Пилату.
6 Zvino yakanga iri tsika yapaMutambo kuti asunungure musungwa anenge akumbirwa navanhu.
На (всяк) же праздник отпущаше им единаго связня, егоже прошаху.
7 Murume ainzi Bharabhasi akanga ari mutorongo pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope vakauraya munhu.
Бе же нарицаемый Варавва со сковники своими связан, иже в кове убийство сотвориша.
8 Vanhu vazhinji vakauya vakakumbira Pirato kuti avaitire zvaaisiita.
И возопив народ нача просити, якоже всегда творяше им.
9 Pirato akabvunza akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?”
Пилат же отвеща им, глаголя: хощете ли, пущу вам Царя Иудейска?
10 achiziva kuti zvaingova zvegodo ravaprista vakuru kuti vakaisa Jesu mumaoko ake.
Ведяше бо, яко зависти ради предаша Его архиерее.
11 Asi vaprista vakuru vakamutsa mwoyo yavazhinji kuti vaite kuti Pirato asunungure Bharabhasi pachinzvimbo chaJesu.
Архиерее же помануша народу, да паче Варавву пустит им.
12 Pirato akabvunza akati, “Ndichaiteiko, zvino, nouyo wamunoti mambo wavaJudha?”
Пилат же отвещав паки рече им: что убо хощете сотворю, Егоже глаголете Царя Иудейска?
13 Vakadanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!”
Они же паки возопиша (глаголюще): пропни Его.
14 Pirato akavabvunza akati, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yeiko?” Asi vakanyanya kudanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!”
Пилат же глаголаше им: что бо зло сотвори? Они же излиха вопияху: пропни Его.
15 Achida kufadza vanhu, Pirato akasunungura Bharabhasi. Akaita kuti Jesu arohwe, uye akamuendesa kuti andorovererwa.
Пилат же хотя народу хотение сотворити, пусти им Варавву: и предаде Иисуса, бив, да пропнут Его.
16 Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda, Piritoriamu, uye vakaunganidza pamwe chete boka rose ravarwi.
Воини же ведоша Его внутрь двора, еже есть претор: и созваша всю спиру,
17 Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira korona yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake.
и облекоша Его в препряду, и возложиша на Него сплетше тернов венец,
18 Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!”
и начаша целовати Его (и глаголати): радуйся, Царю Иудейский.
19 Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata.
И бияху Его по главе тростию, и плюваху на Него, и прегибающе колена покланяхуся Ему.
20 Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
И егда поругашася Ему, совлекоша с Него препряду и облекоша Его в ризы Своя: и изведоша Его, да пропнут Его.
21 Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.
И задеша мимоходящу некоему Симону Киринею, грядущу с села, отцу Александрову и Руфову, да возмет крест Его.
22 Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorogota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya).
И приведоша Его на Голгофу место, еже есть сказаемо Лобное место.
23 Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa.
И даяху Ему пити есмирнисмено вино: Он же не прият.
24 Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei.
И распеншии Его разделиша ризы Его, метающе жребий о них, кто что возмет.
25 Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera.
Бе же час третий, и распяша Его.
26 Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: mambo wavajudha.
И бе написание вины Его написано: Царь Иудейск.
27 Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe.
И с Ним распяша два разбойника, единаго о десную и единаго о шуюю Его.
28 Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.”
И сбыстся Писание, еже глаголет: и со беззаконными вменися.
29 Vaya vakanga vachipfuura vaimutuka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Saka! Iwe uri kuzoputsa temberi nokuivaka mumazuva matatu,
И мимоходящии хуляху Его, покивающе главами своими и глаголюще: уа, разоряяй церковь и треми денми созидаяй,
30 chiburuka pamuchinjikwa uzviponese!”
спасися Сам и сниди со креста.
31 Nenzira imwe cheteyo vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakamuseka pakati pavo, vakati, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa!
Такожде и архиерее ругающеся, друг ко другу с книжники глаголаху: ины спасе, Себе ли не может спасти?
32 Kristu uyu, Mambo wavaIsraeri uyu, ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa, kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamutukawo.
Христос, Царь Израилев, да снидет ныне со креста, да видим и веру имем Ему. И распятая с Ним поношаста Ему.
33 Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.
Бывшу же часу шестому, тма бысть по всей земли до часа девятаго.
34 Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
И в час девятый возопи Иисус гласом велиим, глаголя: Елои, Елои, лама савахфани? Еже есть сказаемо: Боже Мой, Боже Мой, почто Мя оставил еси?
35 Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.”
И нецыи от предстоящих слышавше, глаголаху: се, Илию гласит.
36 Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akachiisa parutanda, akachipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Zvino musiyei akadaro. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuburutsa.”
Тек же един, и наполнив губу оцта, и возложь на трость, напаяше Его, глаголя: оставите, да видим, аще приидет Илиа сняти Его.
37 Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.
Иисус же пущь глас велий, издше.
38 Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi.
И завеса церковная раздрася на двое, свыше до низу.
39 Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye aona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo murume uyu anga ari Mwanakomana waMwari!”
Видев же сотник стояй прямо Ему, яко тако возопив издше, рече: воистинну Человек Сей Сын бе Божий.
40 Vamwe vakadzi vakanga vachitarira vari kure. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho, mununʼuna waJosesi, naSarome.
Бяху же и жены издалеча зрящя, в нихже бе Мариа Магдалина, и Мариа Иакова малаго и Иосии мати, и Саломиа,
41 Vakadzi ava vomuGarirea ndivo vaimutevera uye vachimushandira. Vakadzi vazhinji vakanga vauya naye kuJerusarema vakanga varipowo.
яже, и егда бе в Галилеи, хождаху по Нем и служаху Ему: и ины многия, яже взыдоша с Ним во Иерусалим.
42 Rakanga riri Zuva roKugadzirira (ndiro rinotangira Sabata.) Saka kwovira,
И уже позде бывшу, понеже бе пяток, еже есть к субботе,
43 Josefa weArimatea, nhengo yeDare Guru yaiva nomukurumbira, uyo akanga akamirirawo umambo hwaMwari, akatsunga kuenda kuna Pirato kundokumbira mutumbi waJesu.
прииде Иосиф, иже от Аримафеа, благообразен советник, иже и той бе чая Царствия Божия, дерзнув вниде к Пилату, и проси телесе Иисусова.
44 Pirato akashamiswa kunzwa kuti akanga atofa. Akatuma mukuru wezana, akamubvunza kana Jesu akanga afa.
Пилат же дивися, аще уже умре: и призвав сотника, вопроси его: аще уже умре?
45 Akati anzwa kubva kumukuru wezana kuti zvakanga zviri izvo, akapa mutumbi kuna Josefa.
И уведев от сотника, даде тело Иосифови.
46 Saka akauya nemimwe micheka, akaburutsa mutumbi, akauputira nomucheka, akauisa muguva rakanga rakacherwa paruware. Ipapo akakungurutsira ibwe pamuromo weguva.
И купив плащаницу и снемь Его, обвит плащаницею: и положи Его во гроб, иже бе изсечен от камене: и привали камень над двери гроба.
47 Maria Magadharena naMaria mai vaJosesi vakaona paakavigwa.
Мариа же Магдалина и Мариа Иосиева зрясте, где Его полагаху.

< Mako 15 >