< Ruka 7 >

1 Jesu akati apedza kutaura zvose izvi vanhu vachizvinzwa, akapinda muKapenaume.
After he had finished speaking in the hearing of the people, he entered into Kepharnakhum.
2 Imomo maiva nomuranda womukuru wezana, aidiwa chose natenzi wake, akanga achirwara uye ava kuda kufa.
A certain centurion's servant, who was dear to him, was sick and at the point of death.
3 Mukuru wezana akanzwa nezvaJesu uye akatuma vamwe vakuru vavaJudha kwaari, achimukumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake.
When he heard about Yeshua, he sent to him Jewish elders, asking him to come and save his servant.
4 Vakati vasvika kuna Jesu, vakamukumbira zvikuru vachiti, “Murume uyu akafanira kuti mumuitire izvi,
When they came to Yeshua, they pleaded with him earnestly, saying, "He is worthy for you to do this for him,
5 nokuti anoda rudzi rwedu uye ndiye akavaka sinagoge redu.”
for he loves our nation, and he built our synagogue for us."
6 Naizvozvo Jesu akaenda navo. Akanga asiri kure nomusha pakatumwa shamwari nomukuru wezana kuti dzinoti kwaari, “Ishe, musazvinetsa zvenyu, nokuti handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu.
Yeshua went with them. When he was now not far from the house, the centurion sent friends, saying to him, "Lord, do not trouble yourself, for I am not worthy for you to come under my roof.
7 Ndokusaka ndisina kumbofunga kuti ini ndive nekodzero yokuuya kwamuri. Asi, taurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora.
Therefore I did not even think myself worthy to come to you; but say the word, and my servant will be healed.
8 Nokuti ini pachangu, ndiri munhu ari pasi pavamwe, uye ndine varwi vari pasi pangu. Ndinoti kuno uyu, ‘Enda,’ uye anoenda, kuno mumwe, ‘Uya’ uye anouya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ uye anochiita.”
For I also am a man placed under authority, having under myself soldiers. I tell this one, 'Go.' and he goes; and to another, 'Come.' and he comes; and to my servant, 'Do this,' and he does it."
9 Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa kwazvo naye, akatendeukira kuvanhu vazhinji vaimutevera akati, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai kunyange muIsraeri.”
When Yeshua heard these things, he was amazed at him, and turned and said to the crowd who followed him, "I tell you, I have not found such great faith, no, not in Israyel."
10 Ipapo varume vaya vakanga vatumwa vakadzokera kumba vakawana muranda uya apora.
And when those who had been sent returned to the house, they found the servant in good health.
11 Pasina kupera nguva refu, Jesu akaenda kuguta rainzi Naini, vadzidzi vake navanhu vazhinji kwazvo vakaendawo naye.
It happened soon afterwards, that he went to a city called Nayin; and many of his disciples, along with a large crowd, went with him.
12 Kuzoti ave kuswedera pasuo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo.
And when he drew near to the gate of the city, then look, a man who was dead was carried out, the only son of his mother, and she was a widow; and a large crowd from the city was with her.
13 Ishe akati achivaona, mwoyo wake wakavanzwira tsitsi, akati kwavari, “Musachema.”
When the Lord saw her, he had compassion on her, and said to her, "Do not cry."
14 Ipapo akaswedera pedyo akabata hwanyanza, uye vaya vakanga vakamutakura vakamira. Akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!”
He came near and touched the coffin, and the bearers stood still. He said, "Young man, I tell you, arise."
15 Munhu uya akanga afa akamuka akagara akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna mai vake.
He who was dead sat up, and began to speak. And he gave him to his mother.
16 Vose vakazadzwa nokutya vakarumbidza Mwari. Vakati, “Muprofita mukuru amuka pakati pedu. Mwari auya kuzobatsira vanhu vake.”
Fear took hold of all, and they glorified God, saying, "A great prophet has arisen among us." and, "God has visited his people."
17 Shoko iri pamusoro paJesu rakapararira muJudhea yose nenyika dzose dzakapoteredza.
This report went out concerning him in the whole of Yehuda, and in all the surrounding region.
18 Vadzidzi vaJohani vakamuudza pamusoro pezvinhu izvi zvose. Akadana vaviri vavo,
The disciples of Yukhanan told him about all these things.
19 akavatuma kuna She kuti vandobvunza kuti, “Ndimi here iye aifanira kuuya kana kuti tomirira mumwewo?”
Yukhanan, calling to himself two of his disciples, sent them to the Lord, saying, "Are you the one who is to come, or should we look for another?"
20 Varume ava vakati vasvika kuna Jesu, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatituma kwamuri kuti tizobvunza kuti, ‘Ndimi here mainzi muchauya, kana kuti timirire mumwewo?’”
When the men had come to him, they said, "Yukhanan the Baptist has sent us to you, saying, 'Are you the one who is to come, or should we look for another?'"
21 Panguva iyoyo Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere, matenda nemweya yakaipa uye akasvinudza vazhinji vakanga vari mapofu.
In that hour he cured many of diseases and plagues and evil spirits; and to many who were blind he gave sight.
22 Saka akapindura nhume achiti, “Dzokerai munoudza Johani zvamaona nezvamanzwa zvokuti: Mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vaya vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa uye vhangeri riri kuparidzwa kuvarombo.
Yeshua answered them, "Go and tell Yukhanan the things which you have seen and heard: that the blind receive their sight, the lame walk, the lepers are cleansed, the deaf hear, the dead are raised up, and the poor have good news preached to them.
23 Akaropafadzwa munhu asingagumbuswi nokuda kwangu.”
Blessed is he who is not offended by me."
24 Shure kwokubva kwenhume dzaJohani, Jesu akatanga kutaura kuvanhu vazhinji pamusoro paJohani achiti, “Makabuda mukaenda kurenje kundooneiko? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?
When Yukhanan's messengers had departed, he began to tell the crowds about Yukhanan, "What did you go out into the wilderness to see? A reed shaken by the wind?
25 Kana zvisizvo, makabuda kundooneiko? Munhu akanga akafuka nguo dzakanaka here? Kwete, vaya vanopfeka nguo dzomutengo mukuru uye vanogara zvakanaka ndivo vari mumizinda.
But what did you go out to see? A man clothed in soft clothing? Look, those who are gorgeously dressed, and live delicately, are in kings' courts.
26 Asi makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinokuudzai, uyewo anokunda muprofita.
But what did you go out to see? A prophet? Yes, I tell you, and much more than a prophet.
27 Ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi: “‘Ndichatuma nhume yangu pamberi pako, uyo achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’
This is he of whom it is written, 'Look, I send my messenger ahead of you, who will prepare your way before you.'
28 Ndinokuudzai kuti, pakati paavo vose vakaberekwa navakadzi hakuna mukuru kuna Johani; asi muduku muumambo hwaMwari mukuru kwaari.”
"I tell you, among those who are born of women there is none greater than Yukhanan, yet he who is least in the Kingdom of God is greater than he."
29 Vanhu vose, kunyange navateresi, vakati vanzwa mashoko aJesu, vakabvuma kuti nzira yaMwari yakarurama, nokuti vakanga vabhabhatidzwa naJohani.
When all the people and the tax collectors heard this, they declared God to be just, having been baptized with Yukhanan's baptism.
30 Asi vaFarisi nenyanzvi dzomurayiro vakaramba kuda kwaMwari pamusoro pavo, nokuti vakanga vasina kubhabhatidzwa naJohani.
But the Pharisees and the Law scholars rejected the counsel of God, not being baptized by him themselves.
31 “Zvino, ndingafananidza rudzi rwakadai neiko? Vakafanana neiko?
"To what then will I liken the people of this generation? What are they like?
32 Vakaita savana vagere pamusika vachidanidzira kuno mumwe nomumwe wavo vachiti: “‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’
They are like children who sit in the marketplace, and call one to another, saying, 'We played the flute for you, and you did not dance. We mourned, and you did not weep.'
33 Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa uye asinganwi waini, imi mukati, ‘Ane dhimoni.’
For Yukhanan the Baptist came neither eating bread nor drinking wine, and you say, 'He has a demon.'
34 Mwanakomana woMunhu akauya achidya uye achinwa, imi mukati, ‘Houno munhu wamadyo uye chidhakwa, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’
The Son of Man has come eating and drinking, and you say, 'Look, a gluttonous man, and a drunkard; a friend of tax collectors and sinners.'
35 Asi uchenjeri hunoratidzwa navana vahwo vose.”
Wisdom is justified by all her children."
36 Zvino mumwe wavaFarisi akakoka Jesu kuti azodya naye, saka akaenda kumba kwomuFarisi uyu akandogara kuti adye.
One of the Pharisees invited him to eat with him. He entered into the Pharisee's house, and sat at the table.
37 Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuhwira chearabhasta,
And look, a woman in the city who was a sinner, when she knew that he was reclining in the Pharisee's house, she brought an alabaster jar of ointment.
38 akamira shure kwake akatanga kuchema, uye akanyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake. Ipapo akadzipukuta nebvudzi romusoro wake, akadzitsvoda uye akadzizodza mafuta anonhuhwira.
Standing behind at his feet weeping, she began to wet his feet with her tears, and she wiped them with the hair of her head, kissed his feet, and anointed them with the ointment.
39 Zvino muFarisi uya akanga amukoka akati achiona izvi, akati mumwoyo make, “Dai munhu uyu anga ari muprofita, angadai aziva kuti mukadzi uyu amubata akaita sei, kuti mutadzi.”
Now when the Pharisee who had invited him saw it, he said to himself, "This man, if he were a prophet, would have perceived who and what kind of woman this is who touches him, that she is a sinner."
40 Jesu akamupindura akati, “Simoni, ndine chinhu chandinoda kukutaurira.” Iye akati, “Ndiudzei henyu mudzidzisi.”
Yeshua answered him, "Shimon, I have something to tell you." He said, "Teacher, say on."
41 “Vamwe varume vaviri vakanga vane chikwereti kumunhu mumwe chete. Mumwe akanga ane chikwereti chamadhenari mazana mashanu, uye mumwe madhenari makumi mashanu.
"A certain lender had two debtors. The one owed five hundred denarii, and the other fifty.
42 Hakuna akanga ane mari yokuripa chikwereti pavari vose vari vaviri, saka nyakukweretesa akadzima zvikwereti zvavo vose. Zvino ndoupiko pauviri hwavo achanyanya kumuda?”
When they could not pay, he forgave them both. Which of them therefore will love him most?"
43 Simoni akapindura akati, “Ndinofunga kuti ndouya akadzimirwa chikwereti chikuru.” Jesu akati, “Wataura zvakanaka.”
Shimon answered, "He, I suppose, to whom he forgave the most." He said to him, "You have judged correctly."
44 Ipapo akatendeukira kumukadzi ndokuti kuna Simoni, “Unoona here mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako; hauna kundipa kana mvura yokugeza tsoka dzangu, asi uyu anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake uye akadzipukuta nebvudzi romusoro wake.
Turning to the woman, he said to Shimon, "Do you see this woman? I entered into your house, and you gave me no water for my feet, but she has wet my feet with her tears, and wiped them with her hair.
45 Iwe hauna kunditsvoda, asi mukadzi uyu, kubvira panguva yandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu.
You gave me no kiss, but she, since the time I came in, has not ceased to kiss my feet.
46 Iwe hauna kuzodza musoro wangu namafuta, asi iye adira zvinonhuhwira patsoka dzangu.
You did not anoint my head with oil, but she has anointed my feet with ointment.
47 Naizvozvo, ndinokuudza kuti zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti iye ada zvikuru. Asi uya akaregererwa zvishoma, anodawo zvishoma.”
Therefore I tell you, her sins, which are many, are forgiven, for she loved much. But the one who is forgiven little, loves little."
48 Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvivi zvako zvaregererwa.”
He said to her, "Your sins are forgiven."
49 Vamwe vakanga vakokwa vakatanga kutaura pakati pavo vachiti, “Ndianiko uyu anoti kunyange nezvivi anokanganwira?”
And those who were reclining with him began to say to themselves, "Who is this who even forgives sins?"
50 Jesu akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuponesa; chienda norugare.”
He said to the woman, "Your faith has saved you. Go in peace."

< Ruka 7 >