< Ruka 6 >

1 Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho.
Or il arriva, au sabbat second-premier, qu’il passait par des blés; et ses disciples arrachaient des épis et les mangeaient, les froissant entre leurs mains.
2 Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?”
Et quelques-uns des pharisiens leur dirent: Pourquoi faites-vous ce qu’il n’est pas permis de faire au jour de sabbat?
3 Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake?
Et Jésus, répondant, leur dit: N’avez-vous pas même lu ce que fit David quand il eut faim, lui et ceux qui étaient avec lui;
4 Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.”
comment il entra dans la maison de Dieu, et prit les pains de proposition, et en mangea, et en donna aussi à ceux qui étaient avec lui, quoiqu’il ne soit pas permis d’en manger, sinon aux sacrificateurs seuls?
5 Ipapo akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”
Et il leur dit: Le fils de l’homme est seigneur aussi du sabbat.
6 Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara.
Et il arriva aussi, un autre sabbat, qu’il entra dans la synagogue et qu’il enseignait. Et il y avait là un homme, et sa main droite était sèche.
7 VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata.
Et les scribes et les pharisiens observaient s’il guérirait en un jour de sabbat, afin de trouver de quoi l’accuser.
8 Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo.
Et lui connut leurs pensées et dit à l’homme qui avait la main sèche: Lève-toi, et tiens-toi là devant tous. Et s’étant levé, il se tint là.
9 Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?”
Jésus donc leur dit: Je vous demanderai s’il est permis, le jour de sabbat, de faire du bien ou de faire du mal, de sauver la vie ou de la perdre?
10 Akatarisa kwavari vose, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukatwasanuka.
Et les ayant tous regardés à l’entour, il lui dit: Étends ta main. Et il fit ainsi; et sa main fut rendue [saine] comme l’autre.
11 Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu.
Et ils en furent hors d’eux-mêmes, et s’entretenaient ensemble de ce qu’ils pourraient faire à Jésus.
12 Nerimwe ramazuva iwayo, Jesu akabuda akaenda kugomo kuti andonyengetera, uye akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari.
Or il arriva, en ces jours-là, qu’il s’en alla sur une montagne pour prier. Et il passa toute la nuit à prier Dieu.
13 Fume mangwana, akadana vadzidzi vake akasarudza gumi navaviri pakati pavo, avo vaakatumidza kuti vapostori:
Et quand le jour fut venu, il appela ses disciples. Et en ayant choisi douze d’entre eux, lesquels il nomma aussi apôtres:
14 Simoni (uyo waakatumidza kuti Petro), mununʼuna wake Andirea, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeo,
Simon, qu’il nomma aussi Pierre, et André son frère; Jacques et Jean; Philippe et Barthélemy;
15 Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Simoni ainzi muZeroti,
Matthieu et Thomas; Jacques le [fils] d’Alphée, et Simon qui était appelé Zélote;
16 Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki.
Jude [frère] de Jacques, et Judas Iscariote, qui aussi devint traître;
17 Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye navanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni,
– et étant descendu avec eux, il s’arrêta dans un lieu uni, ainsi que la foule de ses disciples et une grande multitude de peuple de toute la Judée et de Jérusalem, et de la contrée maritime de Tyr et de Sidon,
18 vakanga vauya kuzomunzwa uyewo kuti vazoporeswa pazvirwere zvavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa,
qui étaient venus pour l’entendre et pour être guéris de leurs maladies; ceux aussi qui étaient tourmentés par des esprits immondes furent guéris;
19 uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari richivaporesa vose.
et toute la foule cherchait à le toucher, car il sortait de lui de la puissance, et elle les guérissait tous.
20 Akatarira kuvadzidzi vake, akati: “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.
Et lui, élevant les yeux vers ses disciples, dit: Bienheureux, vous pauvres, car à vous est le royaume de Dieu;
21 Makaropafadzwa imi vane nzara zvino, nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka.
bienheureux, vous qui maintenant avez faim, car vous serez rassasiés; bienheureux, vous qui pleurez maintenant, car vous rirez.
22 Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai, vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu vachiti rakaipa, nokuda kwoMwanakomana woMunhu.
Vous êtes bienheureux quand les hommes vous haïront, et quand ils vous retrancheront [de leur société], et qu’ils vous insulteront et rejetteront votre nom comme mauvais, à cause du fils de l’homme.
23 “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.
Réjouissez-vous en ce jour-là et tressaillez de joie, car voici, votre récompense est grande dans le ciel, car leurs pères en ont fait de même aux prophètes.
24 “Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.
Mais malheur à vous, riches, car vous avez votre consolation;
25 Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imi vanoseka zvino, nokuti muchaungudza uye muchachema.
malheur à vous qui êtes rassasiés, car vous aurez faim; malheur à vous qui riez maintenant, car vous mènerez deuil et vous pleurerez.
26 Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.
Malheur [à vous] quand tous les hommes diront du bien de vous, car leurs pères en ont fait de même aux faux prophètes.
27 “Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai,
Mais à vous qui écoutez, je vous dis: Aimez vos ennemis; faites du bien à ceux qui vous haïssent;
28 ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.
bénissez ceux qui vous maudissent; priez pour ceux qui vous font du tort.
29 Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati.
À celui qui te frappe sur une joue, présente aussi l’autre; et si quelqu’un t’ôte ton manteau, ne l’empêche pas [de prendre] aussi ta tunique.
30 Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.
Donne à tout homme qui te demande, et à celui qui t’ôte ce qui t’appartient, ne le redemande pas.
31 Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.
Et comme vous voulez que les hommes vous fassent, vous aussi faites-leur de même.
32 “Kana uchida vaya vanokuda, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange navatadzi vanoda avo vanovada.
Et si vous aimez ceux qui vous aiment, quel gré vous en saura-t-on? car les pécheurs aussi aiment ceux qui les aiment.
33 Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo.
Et si vous faites du bien à ceux qui vous font du bien, quel gré vous en saura-t-on? car les pécheurs aussi en font autant.
34 Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana.
Et si vous prêtez à ceux de qui vous espérez recevoir, quel gré vous en saura-t-on? car les pécheurs aussi prêtent aux pécheurs, afin qu’ils reçoivent la pareille.
35 Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana veWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.
Mais aimez vos ennemis, et faites du bien, et prêtez sans en rien espérer; et votre récompense sera grande, et vous serez les fils du Très-haut; car il est bon envers les ingrats et les méchants.
36 Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.
Soyez donc miséricordieux, comme aussi votre Père est miséricordieux;
37 “Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo.
et ne jugez pas, et vous ne serez point jugés; ne condamnez pas, et vous ne serez point condamnés; acquittez, et vous serez acquittés;
38 Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”
donnez, et il vous sera donné: on vous donnera dans le sein bonne mesure, pressée et secouée, et qui débordera; car de la même mesure dont vous mesurerez, il vous sera mesuré en retour.
39 Akavaudzawo mufananidzo uyu: “Bofu ringatungamirira bofu here? Havangawiri mugomba vose vari vaviri here?
Et il leur disait aussi une parabole: Un aveugle peut-il conduire un aveugle? ne tomberont-ils pas tous deux dans la fosse?
40 Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wose anenge adzidziswa zvakakwana ndiye achaita somudzidzisi wake.
Le disciple n’est pas au-dessus de son maître, mais tout homme accompli sera comme son maître.
41 “Seiko uchitarisa rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi usingatariri danda riri muziso rako pachako?
Et pourquoi regardes-tu le fétu qui est dans l’œil de ton frère, et tu ne t’aperçois pas de la poutre qui est dans ton propre œil?
42 Ungareva seiko kuhama yako uchiti, ‘Hama, rega ndikubvise rubanzu rwuri muziso rako, asi, iwe pachako uchitadza kuona danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kuti ubvise rubanzu muziso rehama yako.
Ou comment peux-tu dire à ton frère: Frère, permets, j’ôterai le fétu qui est dans ton œil, toi qui ne vois pas la poutre qui est dans ton œil? Hypocrite, ôte premièrement la poutre de ton œil, et alors tu verras clair pour ôter le fétu qui est dans l’œil de ton frère.
43 “Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.
Car il n’y a pas de bon arbre qui produise de mauvais fruit, ni d’arbre mauvais qui produise de bon fruit;
44 Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato.
car chaque arbre se connaît à son propre fruit, car on ne récolte pas des figues sur des épines, ni ne cueille du raisin sur un buisson.
45 Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.
L’homme bon, du bon trésor de son cœur produit ce qui est bon, et l’homme mauvais, du mauvais produit ce qui est mauvais: car de l’abondance du cœur sa bouche parle.
46 “Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva?
Et pourquoi m’appelez-vous: Seigneur, Seigneur, et ne faites-vous pas ce que je dis?
47 Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita.
Je vous montrerai à qui est semblable tout homme qui vient à moi, et qui entend mes paroles et les met en pratique:
48 Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka.
il est semblable à un homme qui bâtit une maison, qui a foui et creusé profondément, et a mis un fondement sur le roc: mais une inondation étant survenue, le fleuve s’est jeté avec violence contre cette maison, et il n’a pu l’ébranler, car elle avait été fondée sur le roc.
49 Asi munhu anonzwa mashoko angu akasaaita, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu asina kuchera hwaro. Mafungu paakangorova imba iyo, yakakoromoka uye kuparara kwayo kwakava kukuru.”
Mais celui qui a entendu et n’a pas mis en pratique, est semblable à un homme qui a bâti une maison sur la terre, sans fondement; et le fleuve s’est jeté avec violence contre elle, et aussitôt elle est tombée; et la ruine de cette maison a été grande.

< Ruka 6 >