< Ruka 4 >

1 Jesu, azere noMweya Mutsvene, akadzoka kubva paJorodhani akatungamirirwa noMweya mugwenga,
Jesus, full of the Holy Spirit, returned from the Jordan, and was led by the Spirit into the wilderness
2 umo maakaedzwa naSatani kwamazuva makumi mana. Haana chaakadya pamazuva iwayo, uye pakupera kwamazuva iwayo akanzwa nzara.
for forty days, being tempted by the devil. He ate nothing in those days. When they were completed, he was hungry.
3 Satani akati kwaari, “Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa.”
The devil said to him, "If you are the Son of God, command this stone to become bread."
4 Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’”
Jesus answered him, saying, "It is written, 'Humankind cannot live by bread alone.'"
5 Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza munguva diki diki umambo hwose hwenyika.
And leading him up to a high mountain, the devil showed him all the kingdoms of the world in a moment of time.
6 Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda.
The devil said to him, "I will give you all this authority, and their glory, for it has been delivered to me; and I give it to whomever I want.
7 Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.”
If you therefore will worship before me, it will all be yours."
8 Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’”
Jesus answered and said to him, "It is written, 'You are to worship the Lord your God, and serve him only.'"
9 Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano.
He led him to Jerusalem, and set him on the pinnacle of the temple, and said to him, "If you are the Son of God, cast yourself down from here,
10 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako kuti vakuchengete kwazvo;
for it is written, 'He will put his angels in charge of you, to guard you;'
11 vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’”
and, 'On their hands they will bear you up, lest perhaps you dash your foot against a stone.'"
12 Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’”
And Jesus, answering, said to him, "It is said, 'Do not test the Lord, your God.'"
13 Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva.
When the devil had completed every temptation, he departed from him until another time.
14 Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika.
Jesus returned in the power of the Spirit into Galilee, and news about him spread through all the surrounding area.
15 Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza.
He taught in their synagogues, being praised by all.
16 Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge.
He came to Nazareth, where he had been brought up. He entered, as was his custom, into the synagogue on the Sabbath day, and stood up to read.
17 Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti:
The scroll of the prophet Isaiah was handed to him, and unrolling the scroll, he found the place where it was written,
18 “Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa,
"The Spirit of the Lord is upon me, because he has anointed me to preach good news to the poor. He has sent me to heal the brokenhearted, to proclaim liberty to the captives, recovering of sight to the blind, to deliver those who are crushed,
19 kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.”
and to proclaim the acceptable year of the Lord."
20 Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati nde-e kwaari,
He closed the scroll, gave it back to the attendant, and sat down. The eyes of all in the synagogue were fastened on him.
21 uye akatanga nokuti kwavari, “Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.”
He began to tell them, "Today, this Scripture has been fulfilled in your hearing."
22 Vose vakataura zvakanaka pamusoro pake uye vakashamiswa namashoko akanaka akanga achibuda mumuromo make. Vakati, “Ko, uyu haazi mwanakomana waJosefa here?”
All testified about him, and wondered at the gracious words which proceeded out of his mouth, and they said, "Is not this Joseph's son?"
23 Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchataura tsumo iyi kwandiri muchiti: ‘Murapi, chizvirapa! Itawo muguta rako rino zvatakanzwa kuti wakaita muKapenaume.’”
He said to them, "Doubtless you will tell me this parable, 'Physician, heal yourself. Whatever we have heard done at Capernaum, do also here in your hometown.'"
24 Akaenderera mberi achiti, “Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna muprofita anogamuchirwa muguta rake.
He said, "Truly I tell you, no prophet is acceptable in his hometown.
25 Ndinokuudzai chokwadi kuti kwakanga kune chirikadzi zhinji muIsraeri panguva yaEria, panguva yakadzivirwa denga kwamakore matatu nehafu uye nzara huru ikavapo munyika yose.
But truly I tell you, there were many widows in Israel in the days of Elijah, when the sky was shut up three years and six months, when a great famine came over all the land.
26 Asi Eria haana kutumwa kuno mumwe wavo, asi kuchirikadzi yeZerafati munyika yeSidhoni.
Elijah was sent to none of them, except to Zarephath, in the land of Sidon, to a woman who was a widow.
27 Uye kwaiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yaEria muprofita, asi hapana mumwe chete pakati pavo akanatswa kunze kwaNaamani muSiria.”
There were many lepers in Israel in the time of Elisha the prophet, yet not one of them was cleansed, except Naaman, the Syrian."
28 Vanhu vose vakanga vari musinagoge vakatsamwa kwazvo pavakanzwa izvi.
They were all filled with wrath in the synagogue, as they heard these things.
29 Vakasimuka, vakamubudisa muguta, vakamutora vakaenda naye kumucheto cheto kwechikomo chakanga chakavakirwa guta ravo, kuti vamusundidzire kumawere.
They rose up, threw him out of the city, and led him to the brow of the hill that their city was built on, that they might throw him off the cliff.
30 Asi akafamba napakati pemhomho yavanhu akaenda zvake.
But he, passing through the midst of them, went his way.
31 Ipapo akaburuka zasi kuKapenaume, guta riri muGarirea, akatanga kudzidzisa vanhu nomusi weSabata.
He came down to Capernaum, a city of Galilee. He was teaching them on the Sabbath day,
32 Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti shoko rake raiva nesimba.
and they were astonished at his teaching, for his word was with authority.
33 Musinagoge makanga muno murume akanga akabatwa nedhimoni, mweya wakaipa, uye akadanidzira nenzwi guru achiti,
In the synagogue there was a man who had a spirit of an unclean demon, and he shouted with a loud voice,
34 “A! Munodeiko kwatiri imi Jesu weNazareta? Ko, mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinoziva kuti muri ani, muri Mutsvene waMwari!”
saying, "Ah. What have we to do with you, Jesus, Nazarene? Have you come to destroy us? I know you who you are — the Holy One of God."
35 Jesu akaurayira achiti, “Nyarara! Buda maari!” Ipapo dhimoni rakaputsira murume uyu pasi pamberi pavo vose rikabuda risina kumukuvadza.
Jesus rebuked him, saying, "Be silent, and come out of him." When the demon had thrown him down in their midst, he came out of him, having done him no harm.
36 Vanhu vose vakashamiswa vakataurirana vachiti, “Kudzidzisa uku ndokupi? Anorayira mweya yakaipa nechikuriri uye nesimba, ichibva yabuda!”
Amazement came on all, and they spoke together, one with another, saying, "What is this word? For with authority and power he commands the unclean spirits, and they come out."
37 Mukurumbira wake wakapararira munzvimbo dzose dzakapoteredza.
News about him went out into every place of the surrounding region.
38 Jesu akabva pasinagoge akaenda kumba kwaSimoni. Zvino mai vomukadzi waSimoni vairwara nefivha, uye vakakumbira Jesu kuti avabatsire.
He rose up from the synagogue, and entered into Simon's house. Now Simon's mother-in-law was suffering from a high fever, and they appealed to him about her.
39 Saka akakotamira kwavari akarayira fivha, ikabva pavari. Vakasimuka pakarepo vakatanga kuvashandira.
He stood over her, and rebuked the fever; and it left her. Immediately she rose up and served them.
40 Zuva rakati rodoka, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vana marudzi akasiyana-siyana ezvirwere, akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo akavaporesa.
When the sun was setting, all those who had any sick with various diseases brought them to him; and he laid his hands on every one of them, and healed them.
41 Pamusoro paizvozvo, madhimoni akabuda muvanhu vazhinji, achidanidzira achiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!” Asi iye akaatsiura akasaatendera kuti ataure, nokuti iwo aiziva kuti ndiye Kristu.
Demons also came out from many, crying out, and saying, "You are the Son of God." But he rebuked them and did not allow them to speak, because they knew that he was the Christ.
42 Mangwanani-ngwanani, Jesu akaenda kunzvimbo yakanyarara ari oga. Vanhu vakanga vachimutsvaka uye vakati vamuwana paakanga ari, vakaedza kumudzivisa kuti asabva kwavari.
When it was day, he departed and went into an uninhabited place, and the crowds looked for him, and came to him, and held on to him, so that he would not go away from them.
43 Asi iye akati, “Ndinofanira kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari kuna mamwewo maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”
But he said to them, "I must proclaim the good news of the Kingdom of God to the other cities also. For this reason I have been sent."
44 Uye akaramba achiparidza mumasinagoge eJudhea.
And he was preaching in the synagogues of Galilee.

< Ruka 4 >