< Ruka 3 >

1 Mugore regumi nemashanu rokutonga kwaTibheriasi Kesari, Pondio Pirato paakanga ari mubati weJudhea, Herodhi ari mubati weGarirea, mununʼuna wake Firipi ari mubati weIturea neTirakoniti, uye Risania ari mubati weAbhurini,
ܒܫܢܬ ܚܡܫܥܤܪܐ ܕܝܢ ܕܡܠܟܘܬܗ ܕܛܝܒܪܝܘܤ ܩܤܪ ܒܗܓܡܢܘܬܐ ܕܦܢܛܝܘܤ ܦܝܠܛܘܤ ܒܝܗܘܕ ܟܕ ܪܫܐ ܪܒܝܥܝܐ ܗܪܘܕܤ ܒܓܠܝܠܐ ܘܦܝܠܝܦܘܤ ܐܚܘܗܝ ܪܫܐ ܪܒܝܥܝܐ ܒܐܝܛܘܪܝܐ ܘܒܐܬܪܐ ܕܛܪܟܘܢܐ ܘܠܘܤܢܝܐ ܪܫܐ ܪܒܝܥܝܐ ܕܐܒܝܠܝܢܐ
2 panguva youprista hwaAnasi naKefasi, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZekaria mugwenga.
ܒܪܒܘܬ ܟܗܢܘܬܐ ܕܚܢܢ ܘܕܩܝܦܐ ܗܘܬ ܡܠܬܐ ܕܐܠܗܐ ܥܠ ܝܘܚܢܢ ܒܪ ܙܟܪܝܐ ܒܚܘܪܒܐ
3 Akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi.
ܘܐܬܐ ܒܟܠܗ ܐܬܪܐ ܕܚܕܪܝ ܝܘܪܕܢܢ ܟܕ ܡܟܪܙ ܡܥܡܘܕܝܬܐ ܕܬܝܒܘܬܐ ܠܫܘܒܩܢܐ ܕܚܛܗܐ
4 Sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muprofita zvichinzi: “Inzwi rounodana murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
ܐܝܟܢܐ ܕܟܬܝܒ ܒܟܬܒܐ ܕܡܠܐ ܕܐܫܥܝܐ ܢܒܝܐ ܕܐܡܪ ܩܠܐ ܕܩܪܐ ܒܚܘܪܒܐ ܛܝܒܘ ܐܘܪܚܗ ܕܡܪܝܐ ܘܬܪܘܨܘ ܒܦܩܥܬܐ ܫܒܝܠܐ ܠܐܠܗܢ
5 Mipata yose ichafushirwa, makomo ose nezvikomo zvichaderedzwa. Migwagwa yakakombama ichatwasanudzwa, pasakaenzana pachaenzaniswa.
ܟܠܗܘܢ ܢܚܠܐ ܢܬܡܠܘܢ ܘܟܠܗܘܢ ܛܘܪܐ ܘܪܡܬܐ ܢܬܡܟܟܘܢ ܘܢܗܘܐ ܥܪܡܐ ܠܫܦܝܐ ܘܐܬܪܐ ܥܤܩܐ ܠܦܩܥܬܐ
6 Uye marudzi ose avanhu achaona ruponeso rwaMwari.’”
ܘܢܚܙܐ ܟܠ ܒܤܪ ܚܝܐ ܕܐܠܗܐ
7 Johani akati kuvanhu vazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka! Ndianiko akuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?
ܘܐܡܪ ܗܘܐ ܠܟܢܫܐ ܐܝܠܝܢ ܕܐܬܝܢ ܗܘܘ ܠܘܬܗ ܠܡܥܡܕ ܝܠܕܐ ܕܐܟܕܢܐ ܡܢܘ ܚܘܝܟܘܢ ܠܡܥܪܩ ܡܢ ܪܘܓܙܐ ܕܥܬܝܕ
8 Chiberekai zvibereko zvinoenderana nokutendeuka. Uye musatanga kuti mumwoyo menyu, ‘Abhurahama ndiye baba vedu.’ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kumutsira Abhurahama vana pamabwe aya.
ܥܒܕܘ ܗܟܝܠ ܦܐܪܐ ܕܫܘܝܢ ܠܬܝܒܘܬܐ ܘܠܐ ܬܫܪܘܢ ܠܡܐܡܪ ܒܢܦܫܟܘܢ ܕܐܒܐ ܐܝܬ ܠܢ ܐܒܪܗܡ ܐܡܪ ܐܢܐ ܠܟܘܢ ܓܝܪ ܕܡܢ ܗܠܝܢ ܟܐܦܐ ܡܫܟܚ ܐܠܗܐ ܠܡܩܡܘ ܒܢܝܐ ܠܐܒܪܗܡ
9 Demo ratoiswa pamidzi yemiti, uye muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.”
ܗܐ ܕܝܢ ܢܪܓܐ ܤܝܡ ܥܠ ܥܩܪܐ ܕܐܝܠܢܐ ܟܠ ܐܝܠܢܐ ܗܟܝܠ ܕܦܐܪܐ ܛܒܐ ܠܐ ܥܒܕ ܡܬܦܤܩ ܘܒܢܘܪܐ ܢܦܠ
10 Vanhu vazhinji vakati, “Zvino toita seiko?”
ܘܡܫܐܠܝܢ ܗܘܘ ܠܗ ܟܢܫܐ ܘܐܡܪܝܢ ܡܢܐ ܗܟܝܠ ܢܥܒܕ
11 Johani akapindura akati, “Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye ane zvokudya ngaaitewo saizvozvo.”
ܥܢܐ ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ ܡܢ ܕܐܝܬ ܠܗ ܬܪܬܝܢ ܟܘܬܝܢܝܢ ܢܬܠ ܠܡܢ ܕܠܝܬ ܠܗ ܘܡܢ ܕܐܝܬ ܠܗ ܤܝܒܪܬܐ ܗܟܢܐ ܢܥܒܕ
12 Vateresi vakauyawo kuzobhabhatidzwa. Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, toita seiko?”
ܘܐܬܘ ܐܦ ܡܟܤܐ ܠܡܥܡܕ ܘܐܡܪܝܢ ܠܗ ܡܠܦܢܐ ܡܢܐ ܢܥܒܕ
13 Akati kwavari, “Musatora mari inopfuura mwero wamunofanira kutora.”
ܗܘ ܕܝܢ ܐܡܪ ܠܗܘܢ ܠܐ ܬܬܒܥܘܢ ܡܕܡ ܝܬܝܪ ܥܠ ܡܐ ܕܦܩܝܕ ܠܟܘܢ ܠܡܬܒܥ
14 Ipapo vamwe varwi vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko?” Iye akati, “Musatorera vanhu mari nechisimba uye musapomera vanhu nhema, mugutsikane nomubayiro wenyu.”
ܘܡܫܐܠܝܢ ܗܘܘ ܠܗ ܦܠܚܝ ܐܤܛܪܛܝܐ ܘܐܡܪܝܢ ܡܢܐ ܢܥܒܕ ܐܦ ܚܢܢ ܐܡܪ ܠܗܘܢ ܠܐ ܒܐܢܫ ܬܬܛܓܪܘܢ ܘܠܐܢܫ ܠܐ ܬܥܫܩܘܢ ܘܢܤܦܩܢ ܠܟܘܢ ܐܦܤܘܢܝܬܟܘܢ
15 Vanhu vakanga vakamirira vakatarisira, uye vose vakanga vachikahadzika mumwoyo mavo kuti zvimwe Johani akanga ari iye Kristu.
ܟܕ ܕܝܢ ܡܤܒܪ ܗܘܐ ܥܡܐ ܥܠ ܝܘܚܢܢ ܘܟܠܗܘܢ ܡܬܚܫܒܝܢ ܗܘܘ ܒܠܒܗܘܢ ܕܕܠܡܐ ܗܘܝܘ ܡܫܝܚܐ
16 Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura zvokuti ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
ܥܢܐ ܝܘܚܢܢ ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ ܐܢܐ ܗܐ ܡܥܡܕ ܐܢܐ ܠܟܘܢ ܒܡܝܐ ܐܬܐ ܕܝܢ ܗܘ ܕܚܝܠܬܢ ܡܢܝ ܗܘ ܕܠܐ ܫܘܐ ܐܢܐ ܕܐܫܪܐ ܥܪܩܐ ܕܡܤܢܘܗܝ ܗܘ ܢܥܡܕܟܘܢ ܒܪܘܚܐ ܕܩܘܕܫܐ ܘܒܢܘܪܐ
17 Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.”
ܗܘ ܕܐܚܝܕ ܪܦܫܐ ܒܐܝܕܗ ܘܡܕܟܐ ܐܕܪܘܗܝ ܘܚܛܐ ܟܢܫ ܠܐܘܨܪܘܗܝ ܘܬܒܢܐ ܢܘܩܕ ܒܢܘܪܐ ܕܠܐ ܕܥܟܐ
18 Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari.
ܐܦ ܐܚܪܢܝܬܐ ܕܝܢ ܤܓܝܐܬܐ ܡܠܦ ܗܘܐ ܘܡܤܒܪ ܠܥܡܐ
19 Asi Johani akati atsiura Herodhi mutongi nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi womununʼuna wake, uye nezvimwe zvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita,
ܗܪܘܕܤ ܕܝܢ ܛܛܪܪܟܐ ܡܛܠ ܕܡܬܟܤܤ ܗܘܐ ܡܢ ܝܘܚܢܢ ܥܠ ܗܪܘܕܝܐ ܐܢܬܬ ܦܝܠܝܦܘܤ ܐܚܘܗܝ ܘܥܠ ܟܠܗܝܢ ܒܝܫܬܐ ܕܥܒܕ ܗܘܐ
20 Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo.
ܐܘܤܦ ܐܦ ܗܕܐ ܥܠ ܟܠܗܝܢ ܘܚܒܫܗ ܠܝܘܚܢܢ ܒܝܬ ܐܤܝܪܐ
21 Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka,
ܗܘܐ ܕܝܢ ܟܕ ܥܡܕ ܟܠܗ ܥܡܐ ܘܐܦ ܝܫܘܥ ܥܡܕ ܘܟܕ ܡܨܠܐ ܐܬܦܬܚܘ ܫܡܝܐ
22 Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.”
ܘܢܚܬܬ ܪܘܚܐ ܕܩܘܕܫܐ ܥܠܘܗܝ ܒܕܡܘܬ ܓܘܫܡܐ ܕܝܘܢܐ ܘܩܠܐ ܗܘܐ ܡܢ ܫܡܝܐ ܕܐܡܪ ܐܢܬ ܗܘ ܒܪܝ ܚܒܝܒܐ ܕܒܟ ܐܨܛܒܝܬ
23 Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Sokuonekwa kwazvo, akanga ari mwanakomana, mwanakomana waHeri,
ܗܘ ܕܝܢ ܝܫܘܥ ܐܝܬܘܗܝ ܗܘܐ ܐܝܟ ܒܪ ܫܢܝܢ ܬܠܬܝܢ ܘܡܤܬܒܪ ܗܘܐ ܒܪ ܝܘܤܦ ܒܪ ܗܠܝ
24 mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMereki, mwanakomana waJani, mwanakomana waJosefa,
ܒܪ ܡܛܬܬ ܒܪ ܠܘܝ ܒܪ ܡܠܟܝ ܒܪ ܝܐܢܝ ܒܪ ܝܘܤܦ
25 mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNahumi, mwanakomana waEsiri, mwanakomana waNagai,
ܒܪ ܡܬܬܐ ܒܪ ܥܡܘܨ ܒܪ ܢܚܘܡ ܒܪ ܚܤܠܝ ܒܪ ܢܓܝ
26 mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeini, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha,
ܒܪ ܡܐܬ ܒܪ ܡܛܬ ܒܪ ܫܡܥܝ ܒܪ ܝܘܤܦ ܒܪ ܝܗܘܕܐ
27 mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, mwanakomana waNeri,
ܒܪ ܝܘܚܢܢ ܒܪ ܪܤܐ ܒܪ ܙܘܪܒܒܠ ܒܪ ܫܠܬܐܝܠ ܒܪ ܢܪܝ
28 mwanakomana waMereki, mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu, mwanakomana waErimadhami, mwanakomana waEri,
ܒܪ ܡܠܟܝ ܒܪ ܐܕܝ ܒܪ ܩܘܤܡ ܒܪ ܐܠܡܘܕܕ ܒܪ ܥܝܪ
29 mwanakomana waJoshua, mwanakomana waEriezeri, mwanakomana waJerimi, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi,
ܒܪ ܝܘܤܐ ܒܪ ܐܠܝܥܙܪ ܒܪ ܝܘܪܡ ܒܪ ܡܬܝܬܐ ܒܪ ܠܘܝ
30 mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonami, mwanakomana waEriakimi,
ܒܪ ܫܡܥܘܢ ܒܪ ܝܗܘܕܐ ܒܪ ܝܘܤܦ ܒܪ ܝܘܢܡ ܒܪ ܐܠܝܩܝܡ
31 mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatani, mwanakomana waDhavhidhi,
ܒܪ ܡܠܝܐ ܒܪ ܡܐܢܝ ܒܪ ܡܛܬܐ ܒܪ ܢܬܢ ܒܪ ܕܘܝܕ
32 mwanakomana waJese, mwanakomana waObhedhi, mwanakomana waBhoazi, mwanakomana waSarimoni, mwanakomana waNahashoni,
ܒܪ ܐܝܫܝ ܒܪ ܥܘܒܝܕ ܒܪ ܒܥܙ ܒܪ ܤܠܡܘܢ ܒܪ ܢܚܫܘܢ
33 mwanakomana waAminadhabhi, mwanakomana waRami, mwanakomana waHezironi, mwanakomana waPerezi, mwanakomana waJudha,
ܒܪ ܥܡܝܢܕܒ ܒܪ ܐܪܡ ܒܪ ܚܨܪܘܢ ܒܪ ܦܪܨ ܒܪ ܝܗܘܕܐ
34 mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahama, mwanakomana waTera, mwanakomana waNahori,
ܒܪ ܝܥܩܘܒ ܒܪ ܐܝܤܚܩ ܒܪ ܐܒܪܗܡ ܒܪ ܬܪܚ ܒܪ ܢܚܘܪ
35 mwanakomana waSerugi, mwanakomana waReu, mwanakomana waPeregi, mwanakomana waEbha, mwanakomana waShera,
ܒܪ ܤܪܘܓ ܒܪ ܐܪܥܘ ܒܪ ܦܠܓ ܒܪ ܥܒܪ ܒܪ ܫܠܚ
36 mwanakomana waKainani, mwanakomana waArifasadhi, mwanakomana waShamu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki,
ܒܪ ܩܝܢܢ ܒܪ ܐܪܦܟܫܪ ܒܪ ܫܝܡ ܒܪ ܢܘܚ ܒܪ ܠܡܟ
37 mwanakomana waMetusera, mwanakomana waEnoki, mwanakomana waJaredhi, mwanakomana waMaharareri, mwanakomana waKenani,
ܒܪ ܡܬܘܫܠܚ ܒܪ ܚܢܘܟ ܒܪ ܝܪܕ ܒܪ ܡܗܠܠܐܝܠ ܒܪ ܩܝܢܢ
38 mwanakomana waEnoshi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari.
ܒܪ ܐܢܘܫ ܒܪ ܫܝܬ ܒܪ ܐܕܡ ܕܡܢ ܐܠܗܐ

< Ruka 3 >