< Ruka 2 >

1 Mumazuva iwayo Kesari Ogasitasi akapa chirevo chokuti vagari vose venyika dzose dzaitongwa neRoma vaverengwe.
About that time an edict was issued by the Emperor Augustus that a census should be taken of the whole Empire.
2 Uku ndiko kwaiva kuverengwa kwokutanga kwakaitwa panguva yaKuriniasi paakanga ari mubati weSiria.
(This was the first census taken while Quirinius was Governor of Syria).
3 Uye mumwe nomumwe akaenda kuguta rake kuti andonyoresa.
And everyone went to his own town to be registered.
4 Saka Josefawo akakwidza achibva kuguta reNazareta muGarirea achienda kuJudhea, kuBheterehema guta raDhavhidhi nokuti akanga ari weimba yaDhavhidhi neworudzi rwake.
Among others Joseph went up from the town of Nazareth in Galilee to Bethlehem, the town of David, in Judea – because he belonged to the family and house of David –
5 Akaenda ikoko kundonyoresa naMaria, waakanga atsidzira kuzowanana naye uye akanga ava napamuviri.
to be registered with Mary, his engaged wife, who was about to become a mother.
6 Vachiri ikoko, nguva yokuzvarwa kwomwana yakasvika,
While they were there her time came,
7 akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo.
and she gave birth to her first child, a son. And because there was no room for them in the inn, she swathed him around and laid him in a manger.
8 Uye kwakanga kuna vafudzi vakanga vachigara kumafuro aiva pedyo naikoko, vachichengeta makwai avo usiku.
In that same countryside were shepherds out in the open fields, watching their flocks that night,
9 Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomberedza, uye vakatya kwazvo.
when an angel of the Lord suddenly stood by them, and the glory of the Lord shone around them; and they were seized with fear.
10 Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose.
“Have no fear,” the angel said. “For I bring you good news of a great joy in store for all the nation.
11 Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe.
This day there has been born to you, in the town of David, a Savior, who is Christ and Lord.
12 Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.”
And this will be the sign for you. You will find the infant swathed, and lying in a manger.”
13 Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti:
Then suddenly there appeared with the angel a multitude of the heavenly Host, praising God, and singing –
14 “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro, uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.”
“glory to God on high, and on earth peace among those in whom he finds pleasure.”
15 Vatumwa vakati vabva kwavari uye vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehema tindoona chinhu chaitika ichi, chataudzwa nezvacho naShe.”
Now, when the angels had left them and gone back to heaven, the shepherds said to one another, “Let us go at once to Bethlehem, and see this thing that has happened, of which the Lord has told us.”
16 Saka vakakurumidza kusimuka vakaenda vakandowana Maria naJosefa, nomwana, akanga avete muchidyiro chezvipfuwo.
So they went quickly, and found Mary and Joseph, and the infant lying in a manger;
17 Vakati vamuona, vakaparadzira shoko maererano nezvakanga zvataurwa pamusoro pomwana uyu,
and, when they saw it, they told of all that had been said to them about this child.
18 uye vose vakazvinzwa vakashamiswa nezvavakataurirwa navafudzi.
All who heard the shepherds were astonished at their story,
19 Asi Maria akachengeta zvinhu zvose izvi akazvifungisisa mumwoyo make.
while Mary treasured in her heart all that they said, and thought about it often.
20 Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa uye zvavakaona, zvakanga zvakangoita sezvavakanga vataurirwa.
And the shepherds went back, giving glory and praise to God for all that they had heard and seen. It had all happened as they had been told.
21 Pazuva rorusere, nguva yokudzingiswa kwake yasvika, akatumidzwa zita rokuti Jesu, zita raakanga apiwa nomutumwa asati aumbwa mudumbu.
Eight days after the birth of the child, when it was time to circumcise him, he received the name Jesus – the name given him by the angel before his conception.
22 Nguva yokuzvinatsa kwavo maererano noMurayiro waMozisi yakati yakwana, Josefa naMaria vakaenda naye kuJerusarema kundomukumikidza kuna She
When the period of purification of mother and child, required by the Law of Moses, came to an end, his parents took the child up to Jerusalem to present him to the Lord,
23 sezvazvakanyorwa muMurayiro waShe, kuti “Mwanakomana wose wedangwe anofanira kutsaurirwa Ishe,”
in compliance with the Law of the Lord that every firstborn male will be dedicated to the Lord,
24 uye kuti vabayire chibayiro maererano nezvinorehwa muMurayiro waShe zvichinzi: “njiva mbiri kana hangaiwa duku mbiri.”
and also to offer the sacrifice required by the Law of the Lord – a pair of turtle-doves or two young pigeons.
25 Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake.
There was at that time in Jerusalem a man named Simeon, a righteous and devout man, who lived in constant expectation of Israel’s consulation, and under the guidance of the Holy Spirit.
26 Zvakanga zvaratidzwa naMweya Mutsvene kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe.
It had been revealed to him by the Holy Spirit that he should not die until he had seen the Lord’s Christ.
27 Akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro,
Moved by the Spirit, Simeon came into the Temple Courts, and, when the parents brought in the child Jesus, to do for him what was customary under the Law,
28 Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti:
Simeon himself took the child in his arms, and blessed God, and said:
29 “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa, zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare.
“Now, Lord, you will let your servant go, according to your word, in peace,
30 Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
for my eyes have seen the salvation
31 rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose,
which you have prepared in the sight of all nations –
32 chiedza chinovhenekera veDzimwe Ndudzi uye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.”
a light to bring light to the Gentiles, and to be the glory of your people Israel.”
33 Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake.
While the child’s father and mother were wondering at what was said about him,
34 Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa,
Simeon gave them his blessing, and said to Mary, the child’s mother, “This child is appointed to be the cause of the fall and rise of many in Israel, and to be a sign much spoken against –
35 kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.”
Yes, the sword will pierce your own heart – and so the thoughts in many minds will be disclosed.”
36 Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake,
There was also a prophet named Hannah, a daughter of Phanuel and of the tribe of Asher. She was far advanced in years, having lived with her husband for seven years after marriage,
37 ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera.
and then a widow, until she had reached the age of eighty-four. She never left the Temple Courts, but, fasting and praying, worshiped God night and day.
38 Akasvika pavari panguva iyoyo, akavonga Mwari uye akataura pamusoro pomwana kuna vose vakanga vakamirira kudzikinurwa kweJerusarema.
At that moment she came up, and began publicly to thank God and to speak about the child to all who were looking for the deliverance of Jerusalem.
39 Josefa naMaria vakati vaita zvose zvaidikanwa noMurayiro waShe, vakadzokera kuGarirea kuguta ravo reNazareta.
When the child’s parents had done everything required by the Law of the Lord, they returned to Galilee to their own town of Nazareth.
40 Uye mwana akakura akasimba; akanga azere nouchenjeri, uye nyasha dzaMwari dzaiva pamusoro pake.
The child grew and became strong and wise, and the blessing of God was on him.
41 Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusarema kuMutambo wePasika.
Every year the child’s parents used to go to Jerusalem at the Passover Festival.
42 Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwidza naye kuMutambo, maererano netsika yavo.
When Jesus was twelve years old, they went according to custom to Jerusalem,
43 Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi.
and had finished their visit; but, when they started to return, the boy Jesus remained behind in Jerusalem, without their knowing it.
44 Vakafamba kwezuva rose vachifunga kuti akanga ari pakati pavo. Ipapo vakatanga kumutsvaka pakati pehama neshamwari dzavo.
Thinking that he was with their fellow travelers, they went one day’s journey before searching for him among their relatives and acquaintances;
45 Vakati vamushayiwa, vakadzokera kuJerusarema kundomutsvaka.
and then, as they did not find him, they returned to Jerusalem, searching everywhere for him.
46 Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera uye achivabvunza mibvunzo.
It was not until the third day that they found him in the Temple Courts, sitting among the teachers, now listening to them, now asking them questions.
47 Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake.
All who listened to him marveled at his intelligence and his answers.
48 Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.”
His parents were amazed when they saw him, and his mother said to him, “My child, why have you treated us like this? Your father and I have been searching for you in great distress.”
49 Iye akati, “Manga muchinditsvakireiko? Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?”
“What made you search for me?” he answered. “Didn’t you know that I must be in my Father’s house?”
50 Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.
His parents did not understand what he meant.
51 Ipapo akaburuka navo kuNazareta uye akavateerera. Asi mai vake vakachengeta zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo.
However he went down with them to Nazareth, and submitted himself to their control; and his mother treasured all that was said in her heart.
52 Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, achidiwa naMwari uye navanhu.
And Jesus grew in wisdom as he grew in years, and gained the blessing of God and people.

< Ruka 2 >