< Ruka 18 >

1 Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo.
Jesus told his disciples a parable to show them that they should always pray and never despair.
2 Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari uye asina hanya navanhu.
“There was,” he said, “in a certain town a judge, who had no fear of God nor regard for people.
3 Uye muguta imomo maiva nechirikadzi yakaramba ichiuya kwaari nechikumbiro ichiti, ‘Ndiruramisireiwo kumuvengi wangu.’
In the same town there was a widow who went to him again and again, and said ‘Grant me justice against my opponent.’
4 “Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, ‘Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu,
For a time the judge refused, but afterward he said to himself ‘Although I am without fear of God or regard for people,
5 asi nokuda kwokuti chirikadzi iyi inoramba ichindinetsa, ndinofanira kuiruramisira, kuitira kuti arege kuzoramba achindinetsa nokuuya kwake!’”
yet, as this widow is so troublesome, I will grant her justice, to stop her from plaguing me with her endless visits.’”
6 Zvino Ishe akati, “Inzwai zvinotaurwa nomutongi asakarurama.
Then the Master added, “Listen to what this iniquitous judge says!
7 Ko, zvino Mwari haangaruramisiri vasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku here? Acharamba achivadzosa here?
And God – won’t he see that his own people, who cry to him night and day, have justice done them – though he holds his hand?
8 Ndinoti kwamuri, achaona kuti varuramisirwa, uye nokukurumidza. Kunyange zvakadaro hazvo, kana Mwanakomana woMunhu achisvika, achawana kutenda panyika here?”
He will, I tell you, give them justice soon enough! Yet, when the Son of Man comes, will he find faith on earth?”
9 Jesu akataura mufananidzo uyu, kuna vamwe vakanga vachivimba nokururama kwavo uye vaizvidza vamwe akati,
Another time, speaking to people who were satisfied that they were religious, and who regarded everyone else with scorn, Jesus told this parable –
10 “Varume vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe akanga ari muFarisi uye mumwe ari muteresi.
“Two men went up into the Temple Courts to pray. One was a Pharisee and the other a tax-gatherer.
11 MuFarisi akasimuka akazvinyengeterera achiti, ‘Mwari, ndinokuvongai nokuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vaiti vezvakaipa, mhombwe, kana kunyange muteresi uyu.
The Pharisee stood forward and began praying to himself in this way – ‘God, I thank you that I am not like other men – thieves, rogues, adulterers – or even like this tax-gatherer.
12 Ndinozvinyima zvokudya kaviri pavhiki uye ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’
I fast twice a week, and give a tenth of everything I get to God.’
13 “Asi muteresi akamira ari nechokure, asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akazvirova chipfuva akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi.’
Meanwhile the tax-gatherer stood at a distance, not venturing even to raise his eyes to heaven, but he kept striking his breast and saying ‘God, have mercy on me, a sinner.’
14 “Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
This man, I tell you, went home pardoned, rather than the other. For everyone who exalts himself will be humbled, while everyone who humbles himself will be exalted.”
15 Vanhu vakauyawo navacheche kuna Jesu kuti avanyengeterere. Vadzidzi vakati vachiona izvozvo, vakavatsiura.
Some of the people were bringing even their babies to Jesus, for him to touch them; but, when the disciples saw it, they began to find fault with those who had brought them.
16 Asi Jesu akadana vana kwaari achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.
Jesus, however, called the little children to him. “Let the little children come to me,” he said, “and do not hinder them, for it is to the childlike that the kingdom of God belongs.
17 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”
I tell you, unless a man receives the kingdom of God like a child, he will not enter it at all.”
18 Mumwe mutongi akamubvunza achiti, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuitei kuti ndigogara nhaka youpenyu husingaperi?” (aiōnios g166)
And one of the leaders asked Jesus this question – “Good teacher, what must I do if I am to gain eternal life?” (aiōnios g166)
19 Jesu akapindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna akanaka kunze kwaMwari oga.
“Why do you call me good?” answered Jesus. “No one is good but God.
20 Iwe unoziva mirayiro inoti: ‘Usaita upombwe, usauraya, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’”
You know the commandments – Do not commit adultery, Do not kill, Do not steal, Do not say what is false about others, Honor your father and your mother.”
21 Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.”
“I have observed all these,” he replied, “from childhood.”
22 Jesu akati achinzwa izvi, akati kwaari, “Uchiri kushayiwa chinhu chimwe chete. Tengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo, ugouya unditevere.”
Hearing this, Jesus said to him, “There is one thing still lacking in you; sell everything that you have, and distribute to the poor, and you will have wealth in heaven; then come and follow me.”
23 Akati anzwa izvozvo, akasuwa zvikuru, nokuti akanga ari murume akapfuma zvikuru.
But the man became greatly distressed on hearing this, for he was extremely rich.
24 Jesu akatarisa kwaari akati, “Zvikukutu sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!
Seeing this, Jesus said to his disciples, “How hard it is for the wealthy to enter the kingdom of God!
25 Zvirokwazvo, zviri nyore kwazvo kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
It is easier, indeed, for a camel to get through a needle’s eye than for a rich person to enter the kingdom of God!”
26 Vaya vakazvinzwa izvozvo vakabvunza vachiti, “Ndianiko zvino angaponeswa?”
“Then who can be saved?” asked those who heard this.
27 Jesu akapindura achiti, “Zvisingagoneki kuvanhu zvinogoneka kuna Mwari.”
But Jesus said, “What is impossible with people is possible with God.”
28 Petro akati kwaari, “Takasiya zvose zvataiva nazvo kuti tikuteverei!”
“But we,” said Peter, “we left what belonged to us and followed you.”
29 Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya musha, kana mukadzi, kana mununʼuna, kana vabereki, kana vana nokuda kwoumambo hwaMwari,
“I tell you,” he answered, “that there is no one who has left house, or wife, or brothers, or parents, or children, for the sake of the kingdom of God,
30 asingazogamuchiri zvakapetwa kakawanda munguva ino, uye upenyu husingaperi munguva inouya.” (aiōn g165, aiōnios g166)
who will not receive many times as much in the present, and in the age that is coming eternal life.” (aiōn g165, aiōnios g166)
31 Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa.
Gathering the Twelve around him, Jesus said to them, “Listen! We are going up to Jerusalem; and there everything that is written in the prophets will be done to the Son of Man.
32 Achaiswa mumaoko evedzimwe ndudzi. Vachamuseka, vachamutuka, nokumupfira mate, vachamurova uye vachamuuraya.
For he will be given up to the Gentiles, mocked, insulted and spat on;
33 Pazuva rechitatu achamukazve.”
they will scourge him, and then put him to death; and on the third day he will rise again.”
34 Vadzidzi hapana chavakanzwisisa pachinhu ichi. Zvairehwa zvacho zvakanga zvakavanzika kwavari, uye havana kuziva zvaakanga achitaura pamusoro pazvo.
The apostles did not comprehend any of this. His meaning was unintelligible to them and they did not understand what he was saying.
35 Jesu akati aswedera pedyo neJeriko, mumwe murume akanga ari bofu akanga agere parutivi pomugwagwa achipemha.
As Jesus was getting near Jericho, a blind man was sitting by the roadside, begging.
36 Akati achinzwa vanhu vazhinji vakanga vachipfuura, akabvunza kuti chii chakanga chichiitika.
Hearing a crowd going by, the man asked what was the matter;
37 Vakamuudza kuti, “Jesu weNazareta ari kupfuura napano.”
and, when people told him that Jesus of Nazareth was passing,
38 Iye akadanidzira achiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”
he shouted out, “Jesus, Son of David, take pity on me!”
39 Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”
Those who were in front kept telling him to be quiet, but he continued to call out the louder, “Son of David, take pity on me!”
40 Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati,
Then Jesus stopped and ordered the man to be brought to him. And, when he had come close up to him, Jesus asked him,
41 “Unoda kuti ndikuitireiko?” Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.”
“What do you want me to do for you?” “Master,” he said, “I want to recover my sight.”
42 Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.”
And Jesus said, “Recover your sight, your faith has delivered you.”
43 Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari.
Instantly he recovered his sight, and began to follow Jesus, praising God. And all the people, on seeing it, gave glory to God.

< Ruka 18 >