< Ruka 14 >

1 Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achicherechedzwa kwazvo paakanga aenda kundodya mumba momumwe muFarisi akanga achikudzwa kwazvo.
And it happened, when he went into the house of one of the rulers of the Pharisees on a Sabbath to eat bread, that they were watching him.
2 Pamberi pake ipapo pakanga pane munhu akanga ane chirwere chorukandwe.
And look, a certain man who had dropsy was in front of him.
3 Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?”
Yeshua, answering, spoke to the Law scholars and Pharisees, saying, "Is it lawful to heal on the Sabbath or not?"
4 Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende.
But they were silent. He took him, and healed him, and let him go.
5 Ipapo akavabvunza akati, “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana, kana mombe yake ikawira mutsime nomusi weSabata, angarega kuibudisa pakarepo?”
He answered them, "Which of you, if your son or an ox fell into a well, would not immediately pull him out on a Sabbath day?"
6 Ipapo vakashayiwa chokureva.
But they could make no reply to this.
7 Akati achiona kuti vakakokwa vaisarudza sei zvigaro zvapamberi patafura, akavaudza mufananidzo uyu akati kwavari,
He spoke a parable to those who were invited, when he noticed how they chose the best seats, and said to them,
8 “Kana mumwe akakukoka kumuchato, usazvisarudzira nzvimbo yapamberi, nokuti mumwe munhu anokudzwa kupfuura iwe angadaro akakokwa.
"When you are invited by anyone to a marriage feast, do not sit in the best seat, since perhaps someone more honorable than you might be invited by him,
9 Kana zvakadaro, munhu akakukokai imi vaviri achauya agoti kwauri, ‘Ibva ipapo iwe, munhu uyu agare.’ Ipapo, nenyadzi, uchatora chigaro cheshure chokupedzisira.
and he who invited both of you would come and tell you, 'Make room for this person.' Then you would begin, with shame, to take the lowest place.
10 Asi kana wakokwa, utore chigaro cheshure, kuitira kuti kana akukoka ouya, azoti kwauri, ‘Shamwari, simuka uende kundogara panzvimbo iri nani.’ Ipapo ucharemekedzwa pamberi pavose vawakakokwa pamwe chete navo.
But when you are invited, go and sit in the lowest place, so that when he who invited you comes, he may tell you, 'Friend, move up higher.' Then you will be honored in the presence of all who sit at the table with you.
11 Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
For everyone who exalts himself will be humbled, and whoever humbles himself will be exalted."
12 Ipapo Jesu akati kuna iye akanga amukoka, “Kana wagadzira kudya kwamasikati kana chirariro, urege kukoka shamwari dzako, vanunʼuna vako kana hama dzako, kana vapfumi vawakavakidzana navo; kana ukadaro vangazokukokawo uye ukabva waripirwa.
He also said to the one who had invited him, "When you make a dinner or a supper, do not call your friends, nor your brothers, nor your kinsmen, nor rich neighbors, or perhaps they might also return the favor, and pay you back.
13 Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu,
But when you make a feast, ask the poor, the maimed, the lame, or the blind;
14 ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”
and you will be blessed, because they do not have the resources to repay you. For you will be repaid in the resurrection of the righteous."
15 Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.”
Now when one of those who were reclining with him heard these things, he said to him, "Blessed is he who will eat bread in the Kingdom of God."
16 Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru akakoka vanhu vazhinji.
But he said to him, "A certain man made a great supper, and he invited many people.
17 Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’
And he sent his servant at the hour for supper to tell those who were invited, 'Come, for everything is ready now.'
18 “Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’
They all as one began to make excuses. "The first said to him, 'I have bought a field, and I must go and see it. Please have me excused.'
19 “Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbondodziedza. Ndapota ndiregererei.’
"Another said, 'I have bought five yoke of oxen, and I must go try them out. Please have me excused.'
20 “Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’
"Another said, 'I have married a wife, and therefore I cannot come.'
21 “Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta unouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina.’
"That servant came, and told his lord these things. Then the master of the house, being angry, said to his servant, 'Go out quickly into the streets and lanes of the city, and bring in the poor, maimed, blind, and lame.'
22 “Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’
"The servant said, 'Lord, it is done as you commanded, and there is still room.'
23 “Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare.
"The lord said to the servant, 'Go out into the highways and hedges, and compel them to come in, that my house may be filled.
24 Ndinoti kwamuri, hakuna kana mumwe chete wavaya vakanga vakokwa acharavira mabiko angu.’”
For I tell you that none of those individuals who were invited will taste of my supper.'"
25 Vazhinji zhinji vakanga vachifamba naJesu, uye akatendeukira kwavari akati,
Now large crowds were going with him. He turned and said to them,
26 “Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanunʼuna vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu.
"If anyone comes to me, and does not hate his own father, mother, wife, children, brothers, and sisters, yes, and his own life also, he cannot be my disciple.
27 Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.
Whoever does not bear his own cross, and come after me, cannot be my disciple.
28 “Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?
For which of you, desiring to build a tower, does not first sit down and count the cost, to see if he has enough to complete it?
29 Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka,
Or perhaps, when he has laid a foundation, and is not able to finish, everyone who sees begins to mock him,
30 achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’
saying, 'This man began to build, and was not able to finish.'
31 “Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri?
Or what king, as he goes to encounter another king in war, will not sit down first and consider whether he is able with ten thousand to meet him who comes against him with twenty thousand?
32 Kana asingagoni, achatuma nhume mumwe wacho achiri kure uye okumbira mashoko orugare kwaari.
Or else, while the other is yet a great way off, he sends an envoy, and asks for conditions of peace.
33 Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu.
So therefore whoever of you who does not renounce all that he has, he cannot be my disciple.
34 “Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko?
Salt is good, but if the salt becomes flat and tasteless, with what do you season it?
35 Hauchabatsiri muvhu kana padutu romupfudze; unorasirwa kunze. “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
It is fit neither for the soil nor for the manure pile. It is thrown out. He who has ears to hear, let him hear."

< Ruka 14 >