< Vatongi 21 >

1 Varume veIsraeri vakanga vaita mhiko paMizipa vachiti: “Hapana mumwe wedu acharoodza mwanasikana wake kumuBhenjamini.”
Or les hommes d'Israël avaient juré à Mitspa, en disant: Nul de nous ne donnera sa fille pour femme à un Benjamite.
2 Vanhu vakaenda kuBheteri, uko kwavakagara pamberi paMwari kusvikira madekwana, vachisimudza manzwi avo uye vachichema zvikuru.
Puis le peuple vint à Béthel, et resta là jusqu'au soir en la présence de Dieu. Ils élevèrent la voix et répandirent des larmes en abondance,
3 Vakachema vachiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, seiko izvi zvakaitika kuIsraeri? Seiko rumwe rudzi rwashayikwa muIsraeri nhasi?”
Et ils dirent: O Éternel, Dieu d'Israël, pourquoi ceci est-il arrivé en Israël, qu'il manque aujourd'hui une tribu d'Israël?
4 Mangwanani ezuva rakatevera, vanhu vakavaka aritari vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.
Et le lendemain le peuple se leva de bon matin; et ils bâtirent là un autel, et ils offrirent des holocaustes et des sacrifices de prospérité.
5 Ipapo vaIsraeri vakabvunza vakati, “Ndianiko kubva kumarudzi ose aIsraeri akatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha?” Nokuti vakanga vaita mhiko kuti ani zvake anotadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa anofanira kuurayiwa zvirokwazvo.
Alors les enfants d'Israël dirent: Qui est celui d'entre toutes les tribus d'Israël qui n'est point monté à l'assemblée, vers l'Éternel? Car on avait fait un grand serment contre celui qui ne monterait point vers l'Éternel, à Mitspa, en disant: Il sera puni de mort!
6 Zvino vaIsraeri vakasuwa nokuda kwehama dzavo, vaBhenjamini. Vakati, “Nhasi rumwe rudzi rwabviswa pana Israeri.
Car les enfants d'Israël se repentaient de ce qui était arrivé à Benjamin, leur frère, et disaient: Aujourd'hui une tribu a été retranchée d'Israël.
7 Tichapa seiko vakadzi kuna avo vakasara, sezvo takapika kuna Jehovha kuti tirege kupa upi zvake wavanasikana vedu kuti awanikwe navo.”
Que ferons-nous pour ceux qui sont demeurés de reste, pour leur donner des femmes, puisque nous avons juré par l'Éternel que nous ne leur donnerions point de nos filles pour femmes?
8 Ipapo vakabvunza vakati, “Ndavapiko pamarudzi aIsraeri vakatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa?” Vakawana kuti kwakanga kusina munhu aibva kuJabheshi Gireadhi akanga auya kumusasa kuungano.
Ils dirent donc: Y a-t-il quelqu'un d'entre les tribus d'Israël qui ne soit point monté vers l'Éternel, à Mitspa? Et voici, personne de Jabès de Galaad n'était venu au camp, à l'assemblée;
9 Nokuti vakati vaverenga vanhu, vakaona kuti kwakanga kusina munhu weJabheshi Gireadhi akanga aripo.
Quand on fit le dénombrement du peuple, nul ne s'y trouva des habitants de Jabès de Galaad.
10 Saka ungano yakatuma varume vehondo zviuru gumi nezviviri vakavarayira kuti vaende kuJabheshi Gireadhi vandouraya nomunondo vanhu vaigarako, kusanganisira vakadzi navana.
Alors l'assemblée y envoya douze mille hommes des plus vaillants, et leur donna cet ordre: Allez et faites passer au fil de l'épée les habitants de Jabès de Galaad, tant les femmes que les petits enfants.
11 Vakati, “Hezvi zvamunofanira kuita: Urayai murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe asiri mhandara.”
Voici donc ce que vous ferez: Vous vouerez à l'interdit tout mâle, et toute femme qui a connu la couche d'un homme.
12 Vakawana pakati pavanhu vaigara muJabheshi Gireadhi mhandara mazana mana vakanga vasina kumbovata navarume, vakaenda navo kumusasa paShiro muKenani.
Et ils trouvèrent, parmi les habitants de Jabès de Galaad, quatre cents filles vierges, qui n'avaient point connu la couche d'un homme, et ils les amenèrent au camp, à Silo, qui est au pays de Canaan.
13 Ipapo ungano yose yakatuma nhume neshoko rorugare kuvaBhenjamini paruware rweRimoni.
Alors toute l'assemblée envoya parler aux Benjamites, qui étaient au rocher de Rimmon, et on leur annonça la paix.
14 Saka vaBhenjamini vakadzoka panguva iyoyo vakapiwa vakadzi veJabheshi Gireadhi vakanga vasara. Asi vakanga vasina kuvakwanira vose.
En ce temps-là, les Benjamites revinrent, et on leur donna les femmes à qui on avait laissé la vie parmi les femmes de Jabès de Galaad; mais il ne s'en trouva pas assez pour eux.
15 Vanhu vakasuwa nokuda kweBhenjamini, nokuti Jehovha akanga aisa mukaha mumarudzi avaIsraeri.
Et le peuple se repentait au sujet de Benjamin, car l'Éternel avait fait une brèche aux tribus d'Israël.
16 Uye vakuru veungano vakati, “Sezvo vakadzi veBhenjamini vakaparadzwa, tichawanira seiko varume vakasara vakadzi?”
Et les anciens de l'assemblée dirent: Que ferons-nous pour donner des femmes à ceux qui restent? car les femmes des Benjamites ont été exterminées.
17 Vakati, “VaBhenjamini vakasara vanofanira kuva navadyi venhaka kuitira kuti rudzi rwaIsraeri rurege kurova.
Et ils dirent: Ceux qui sont réchappés, posséderont ce qui appartenait à Benjamin, afin qu'une tribu ne soit pas retranchée d'Israël.
18 Hatigoni kuvapa vanasikana vedu kuti vave vakadzi vavo sezvo isu vaIsraeri takapika tichiti, ‘Ngaatukwe munhu anopa mukadzi kumuBhenjamini.’
Cependant, nous ne pouvons pas leur donner des femmes d'entre nos filles; car les enfants d'Israël ont juré, en disant: Maudit soit celui qui donnera une femme à Benjamin!
19 Asi tarirai, kune mutambo waJehovha wegore negore paShiro, nechokumusoro kweBheteri, kumabvazuva omugwagwa unobva kuBheteri uchienda kuShekemu, nezasi kweRebhona.”
Et ils dirent: Voici, il y a chaque année une fête de l'Éternel à Silo, qui est au nord de Béthel, et à l'orient du chemin qui monte de Béthel à Sichem, et au midi de Lébona.
20 Saka vakarayira vaBhenjamini vakati, “Endai mundovanda muminda yemizambiringa
Et ils donnèrent cet ordre aux enfants de Benjamin: Allez, et placez-vous en embuscade dans les vignes;
21 uye mutarire. Vasikana veShiro pavanobuda kuti vandotamba navamwe, ipapo mumhanye muchibva muminda yemizambiringa mumwe nomumwe wenyu azvitorere mukadzi kubva kuvasikana veShiro mugoenda henyu kunyika yavaBhenjamini.
Et quand vous verrez que les filles de Silo sortiront pour danser au son des flûtes, alors vous sortirez des vignes, et vous enlèverez chacun pour vous une femme, d'entre les filles de Silo, et vous vous en irez au pays de Benjamin.
22 Madzibaba avo kana hanzvadzi dzavo pavanouya kuzomhanʼara kwatiri, isu tichati kwavari, ‘Tiitirei henyu zvakanaka nokuvabatsira, nokuti hatina kuvawanira vakadzi panguva yehondo, uye imi hamuna mhosva, sezvo musina kupa vanasikana venyu kwavari.’”
Et quand leurs pères ou leurs frères viendront se plaindre auprès de nous, nous leur dirons: Ayez pitié d'eux pour l'amour de nous; parce que nous n'avons point pris de femme pour chacun d'eux dans cette guerre. Car ce n'est pas vous qui les leur avez données; en ce cas vous auriez été coupables.
23 Saka ndizvo zvakaitwa navaBhenjamini. Vasikana vachiri kutamba, murume mumwe nomumwe akabata musikana ndokuenda naye kuti ave mukadzi wake. Ipapo vakadzokera kunhaka yavo uye vakavakazve maguta vakagara maari.
Les enfants de Benjamin firent ainsi, et prirent des femmes, selon leur nombre, d'entre les danseuses qu'ils enlevèrent; puis, ils partirent et retournèrent dans leur héritage; ils rebâtirent des villes, et y habitèrent.
24 Panguva iyoyo vaIsraeri vakabva panzvimbo iyo vakaenda kumusha kumarudzi avo nokudzimba dzavo, mumwe nomumwe kunhaka yake pachake.
Dans le même temps les enfants d'Israël s'en retournèrent de là, chacun en sa tribu et dans sa famille; ils s'en allèrent de là chacun dans son héritage.
25 Mumazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati paIsraeri; mumwe nomumwe aiita zvaaifunga kuti zvakanaka.
En ces jours-là il n'y avait point de roi en Israël, mais chacun faisait ce qui lui semblait bon.

< Vatongi 21 >