< Johani 6 >

1 Shure kwaizvozvi, Jesu akayambuka akaenda mhiri kumahombekombe eGungwa reGarirea (ndiro Gungwa reTibheriasi),
Μετὰ ταῦτα ἀπῆλθεν ὁ Ἰησοῦς πέραν τῆς θαλάσσης τῆς Γαλιλαίας, τῆς Τιβεριάδος.
2 uye vazhinji zhinji vakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakanga aita pavarwere.
Καὶ ἠκολούθει αὐτῷ ὄχλος πολύς, ὅτι ἑώρων αὐτοῦ τὰ σημεῖα ἃ ἐποίει ἐπὶ τῶν ἀσθενούντων.
3 Ipapo Jesu akakwira pagomo akagara pasi navadzidzi vake.
Ἀνῆλθε δὲ εἰς τὸ ὄρος ὁ Ἰησοῦς, καὶ ἐκεῖ ἐκάθητο μετὰ τῶν μαθητῶν αὐτοῦ.
4 Mutambo wavaJudha wePasika wakanga wava pedyo.
Ἦν δὲ ἐγγὺς τὸ Πάσχα, ἡ ἑορτὴ τῶν Ἰουδαίων.
5 Jesu akati asimudza meso ake akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?”
Ἐπάρας οὖν ὁ Ἰησοῦς τοὺς ὀφθαλμούς, καὶ θεασάμενος ὅτι πολὺς ὄχλος ἔρχεται πρὸς αὐτόν, λέγει πρὸς τὸν Φίλιππον, Πόθεν ἀγοράσομεν ἄρτους, ἵνα φάγωσιν οὗτοι;
6 Akabvunza izvi achida chete kumuedza, nokuti akanga atoziva kare mupfungwa dzake zvaakanga achizoita.
Τοῦτο δὲ ἔλεγε πειράζων αὐτόν· αὐτὸς γὰρ ᾔδει τί ἔμελλε ποιεῖν.
7 Firipi akamupindura akati, “Mubayiro unoshandirwa kwemwedzi misere haugoni kutenga chingwa chinokwana mumwe nomumwe hake, kuti awane chimedu!”
Ἀπεκρίθη αὐτῷ Φίλιππος, Διακοσίων δηναρίων ἄρτοι οὐκ ἀρκοῦσιν αὐτοῖς, ἵνα ἕκαστος αὐτῶν βραχύ τι λάβῃ.
8 Mumwe wavadzidzi vake, Andirea, mununʼuna waPetro, akati,
Λέγει αὐτῷ εἷς ἐκ τῶν μαθητῶν αὐτοῦ, Ἀνδρέας ὁ ἀδελφὸς Σίμωνος Πέτρου,
9 “Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?”
Ἔστι παιδάριον ἓν ὧδε, ὃ ἔχει πέντε ἄρτους κριθίνους καὶ δύο ὀψάρια· ἀλλὰ ταῦτα τί ἐστιν εἰς τοσούτους;
10 Jesu akati, “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu.
Εἶπε δὲ ὁ Ἰησοῦς, Ποιήσατε τοὺς ἀνθρώπους ἀναπεσεῖν. Ἦν δὲ χόρτος πολὺς ἐν τῷ τόπῳ. Ἀνέπεσον οὖν οἱ ἄνδρες τὸν ἀριθμὸν ὡσεὶ πεντακισχίλιοι.
11 Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove.
Ἔλαβε δὲ τοὺς ἄρτους ὁ Ἰησοῦς, καὶ εὐχαριστήσας διέδωκε τοῖς μαθηταῖς, οἱ δὲ μαθηταὶ τοῖς ἀνακειμένοις· ὁμοίως καὶ ἐκ τῶν ὀψαρίων ὅσον ἤθελον.
12 Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.”
Ὡς δὲ ἐνεπλήσθησαν, λέγει τοῖς μαθηταῖς αὐτοῦ, Συναγάγετε τὰ περισσεύσαντα κλάσματα, ἵνα μή τι ἀπόληται.
13 Saka vakazviunganidza zvikazara matengu gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu, zvakanga zvasiyiwa navaya vakanga vadya.
Συνήγαγον οὖν, καὶ ἐγέμισαν δώδεκα κοφίνους κλασμάτων ἐκ τῶν πέντε ἄρτων τῶν κριθίνων, ἃ ἐπερίσσευσε τοῖς βεβρωκόσιν.
14 Vanhu vakati vaona chiratidzo chakanga chaitwa naJesu, vakatanga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye muprofita aifanira kuuya panyika.”
Οἱ οὖν ἄνθρωποι ἰδόντες ὃ ἐποίησε σημεῖον ὁ Ἰησοῦς, ἔλεγον ὅτι Οὗτός ἐστιν ἀληθῶς ὁ προφήτης ὁ ἐρχόμενος εἰς τὸν κόσμον.
15 Jesu, akaziva kuti vaida kumumanikidza kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda kugomo ari oga.
Ἰησοῦς οὖν γνοὺς ὅτι μέλλουσιν ἔρχεσθαι καὶ ἁρπάζειν αὐτόν, ἵνα ποιήσωσιν αὐτὸν βασιλέα, ἀνεχώρησε πάλιν εἰς τὸ ὄρος αὐτὸς μόνος.
16 Nguva yamadekwana yakati yasvika, vadzidzi vake vakaburuka vakaenda kugungwa,
Ὡς δὲ ὀψία ἐγένετο, κατέβησαν οἱ μαθηταὶ αὐτοῦ ἐπὶ τὴν θάλασσαν,
17 uko kwavakandopinda mugwa vakasimuka vakayambuka vakaenda mhiri kwegungwa vakananga kuKapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati ava pavari.
καὶ ἐμβάντες εἰς τὸ πλοῖον, ἤρχοντο πέραν τῆς θαλάσσης εἰς Καπερναούμ. Καὶ σκοτία ἤδη ἐγεγόνει, καὶ οὐκ ἐληλύθει πρὸς αὐτοὺς ὁ Ἰησοῦς.
18 Mhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha.
Ἥ τε θάλασσα ἀνέμου μεγάλου πνέοντος διηγείρετο.
19 Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru.
Ἐληλακότες οὖν ὡς σταδίους εἴκοσι πέντε ἢ τριάκοντα, θεωροῦσι τὸν Ἰησοῦν περιπατοῦντα ἐπὶ τῆς θαλάσσης, καὶ ἐγγὺς τοῦ πλοίου γινόμενον· καὶ ἐφοβήθησαν.
20 Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.”
Ὁ δὲ λέγει αὐτοῖς, Ἐγώ εἰμι· μὴ φοβεῖσθε.
21 Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga.
Ἤθελον οὖν λαβεῖν αὐτὸν εἰς τὸ πλοῖον· καὶ εὐθέως τὸ πλοῖον ἐγένετο ἐπὶ τῆς γῆς εἰς ἣν ὑπῆγον.
22 Fume mangwana, vanhu vazhinji vakanga vasara mhiri kwegungwa vakatanga kuona kuti pakanga pachingova neigwa rimwe chete ipapo, uye kuti Jesu haana kunge apinda mariri kuti aende navadzidzi vake, asi kuti vakanga vaenda vari voga.
Τῇ ἐπαύριον ὁ ὄχλος ὁ ἑστηκὼς πέραν τῆς θαλάσσης, ἰδὼν ὅτι πλοιάριον ἄλλο οὐκ ἦν ἐκεῖ εἰ μὴ ἓν ἐκεῖνο εἰς ὃ ἐνέβησαν οἱ μαθηταὶ αὐτοῦ, καὶ ὅτι οὐ συνεισῆλθε τοῖς μαθηταῖς αὐτοῦ ὁ Ἰησοῦς εἰς τὸ πλοιάριον, ἀλλὰ μόνοι οἱ μαθηταὶ αὐτοῦ ἀπῆλθον —
23 Ipapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe.
ἄλλα δὲ ἦλθε πλοιάρια ἐκ Τιβεριάδος ἐγγὺς τοῦ τόπου ὅπου ἔφαγον τὸν ἄρτον, εὐχαριστήσαντος τοῦ Κυρίου —
24 Vazhinji vakati vaona kuti Jesu navadzidzi vake vakanga vasisipo, vakapinda mumagwa ndokuenda kuKapenaume vachitsvaka Jesu.
ὅτε οὖν εἶδεν ὁ ὄχλος ὅτι Ἰησοῦς οὐκ ἔστιν ἐκεῖ οὐδὲ οἱ μαθηταὶ αὐτοῦ, ἐνέβησαν καὶ αὐτοὶ εἰς τὰ πλοῖα, καὶ ἦλθον εἰς Καπερναούμ, ζητοῦντες τὸν Ἰησοῦν.
25 Vakati vamuwana ari mhiri kwegungwa vakamubvunza vakati, “Rabhi, makauya kuno riniko?”
Καὶ εὑρόντες αὐτὸν πέραν τῆς θαλάσσης, εἶπον αὐτῷ, Ῥαββί, πότε ὧδε γέγονας;
26 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, muri kunditsvaka, kwete nokuda kwokuti makaona zviratidzo, asi nokuda kwokuti makadya zvingwa uye mukaguta.
Ἀπεκρίθη αὐτοῖς ὁ Ἰησοῦς καὶ εἶπεν, Ἀμὴν ἀμὴν λέγω ὑμῖν, ζητεῖτέ με, οὐχ ὅτι εἴδετε σημεῖα, ἀλλ᾿ ὅτι ἐφάγετε ἐκ τῶν ἄρτων καὶ ἐχορτάσθητε.
27 Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.” (aiōnios g166)
Ἐργάζεσθε μὴ τὴν βρῶσιν τὴν ἀπολλυμένην, ἀλλὰ τὴν βρῶσιν τὴν μένουσαν εἰς ζωὴν αἰώνιον, ἣν ὁ υἱὸς τοῦ ἀνθρώπου ὑμῖν δώσει· τοῦτον γὰρ ὁ πατὴρ ἐσφράγισεν, ὁ Θεός. (aiōnios g166)
28 Ipapo vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko kuti tiite mabasa anodikanwa naMwari?”
Εἶπον οὖν πρὸς αὐτόν, Τί ποιῶμεν, ἵνα ἐργαζώμεθα τὰ ἔργα τοῦ Θεοῦ;
29 Jesu akapindura akati, “Basa raMwari nderiri: kuti mutende kuna iye waakatuma.”
Ἀπεκρίθη ὁ Ἰησοῦς καὶ εἶπεν αὐτοῖς, Τοῦτό ἐστι τὸ ἔργον τοῦ Θεοῦ, ἵνα πιστεύσητε εἰς ὃν ἀπέστειλεν ἐκεῖνος.
30 Saka vakamubvunza vakati, “Muchatiratidza chiratidzo cheiko chatingaona kuti tigokutendai? Muchaiteiko?
Εἶπον οὖν αὐτῷ, Τί οὖν ποιεῖς σὺ σημεῖον, ἵνα ἴδωμεν καὶ πιστεύσωμέν σοι; Τί ἐργάζῃ;
31 Madzibaba edu akadya mana murenje; sezvazvakanyorwa zvichinzi: ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’”
Οἱ πατέρες ἡμῶν τὸ μάννα ἔφαγον ἐν τῇ ἐρήμῳ, καθώς ἐστι γεγραμμένον, Ἄρτον ἐκ τοῦ οὐρανοῦ ἔδωκεν αὐτοῖς φαγεῖν.
32 Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga.
Εἶπεν οὖν αὐτοῖς ὁ Ἰησοῦς, Ἀμὴν ἀμὴν λέγω ὑμῖν, οὐ Μωσῆς δέδωκεν ὑμῖν τὸν ἄρτον ἐκ τοῦ οὐρανοῦ· ἀλλ᾿ ὁ πατήρ μου δίδωσιν ὑμῖν τὸν ἄρτον ἐκ τοῦ οὐρανοῦ τὸν ἀληθινόν.
33 Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.”
Ὁ γὰρ ἄρτος τοῦ Θεοῦ ἐστιν ὁ καταβαίνων ἐκ τοῦ οὐρανοῦ καὶ ζωὴν διδοὺς τῷ κόσμῳ.
34 Ivo vakati, “Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi.”
Εἶπον οὖν πρὸς αὐτόν, Κύριε, πάντοτε δὸς ἡμῖν τὸν ἄρτον τοῦτον.
35 Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
Εἶπε δὲ αὐτοῖς ὁ Ἰησοῦς, Ἐγώ εἰμι ὁ ἄρτος τῆς ζωῆς· ὁ ἐρχόμενος πρός με οὐ μὴ πεινάσῃ· καὶ ὁ πιστεύων εἰς ἐμὲ οὐ μὴ διψήσῃ πώποτε.
36 Asi sezvandakakuudzai, makandiona uye hamutendi nazvino.
Ἀλλ᾿ εἶπον ὑμῖν ὅτι καὶ ἑωράκατέ με, καὶ οὐ πιστεύετε.
37 Zvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure.
Πᾶν ὃ δίδωσί μοι ὁ πατὴρ πρὸς ἐμὲ ἥξει· καὶ τὸν ἐρχόμενον πρός με οὐ μὴ ἐκβάλω ἔξω.
38 Nokuti handina kuburuka kubva kudenga kuti ndizoita kuda kwangu asi kuti ndizoita kuda kwaiye akandituma.
Ὅτι καταβέβηκα ἐκ τοῦ οὐρανοῦ, οὐχ ἵνα ποιῶ τὸ θέλημα τὸ ἐμόν, ἀλλὰ τὸ θέλημα τοῦ πέμψαντός με.
39 Uye uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa navose vaakandipa, asi kuti ndivamutse pazuva rokupedzisira.
Τοῦτο δέ ἐστι τὸ θέλημα τοῦ πέμψαντός με πατρός, ἵνα πᾶν ὃ δέδωκέ μοι, μὴ ἀπολέσω ἐξ αὐτοῦ, ἀλλὰ ἀναστήσω αὐτὸ ἐν τῇ ἐσχάτῃ ἡμέρᾳ.
40 Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana agotenda kwaari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.” (aiōnios g166)
Τοῦτο δέ ἐστι τὸ θέλημα τοῦ πέμψαντός με, ἵνα πᾶς ὁ θεωρῶν τὸν υἱὸν καὶ πιστεύων εἰς αὐτόν, ἔχῃ ζωὴν αἰώνιον, καὶ ἀναστήσω αὐτὸν ἐγὼ τῇ ἐσχάτῃ ἡμέρᾳ. (aiōnios g166)
41 Ipapo, vaJudha vakatanga kugununʼuna pamusoro pake nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.”
Ἐγόγγυζον οὖν οἱ Ἰουδαῖοι περὶ αὐτοῦ, ὅτι εἶπεν, Ἐγώ εἰμι ὁ ἄρτος ὁ καταβὰς ἐκ τοῦ οὐρανοῦ.
42 Vakati, “Ko, uyu haasi Jesu, mwanakomana waJosefa here, watinoziva baba vake namai vake? Zvino anotaura sei achiti, ‘Ndakaburuka kubva kudenga’?”
Καὶ ἔλεγον, Οὐχ οὗτός ἐστιν Ἰησοῦς ὁ υἱὸς Ἰωσήφ, οὗ ἡμεῖς οἴδαμεν τὸν πατέρα καὶ τὴν μητέρα; Πῶς οὖν λέγει οὗτος ὅτι Ἐκ τοῦ οὐρανοῦ καταβέβηκα;
43 Jesu akapindura akati, “Regai kugununʼuna pakati penyu.
Ἀπεκρίθη οὖν ὁ Ἰησοῦς καὶ εἶπεν αὐτοῖς, Μὴ γογγύζετε μετ᾿ ἀλλήλων.
44 Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.
Οὐδεὶς δύναται ἐλθεῖν πρός με, ἐὰν μὴ ὁ πατὴρ ὁ πέμψας με ἑλκύσῃ αὐτόν, καὶ ἐγὼ ἀναστήσω αὐτὸν τῇ ἐσχάτῃ ἡμέρᾳ.
45 Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri.
Ἔστι γεγραμμένον ἐν τοῖς προφήταις, Καὶ ἔσονται πάντες διδακτοὶ τοῦ Θεοῦ. Πᾶς οὖν ὁ ἀκούσας παρὰ τοῦ πατρὸς καὶ μαθών, ἔρχεται πρός με.
46 Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba.
Οὐχ ὅτι τὸν πατέρα τις ἑώρακεν, εἰ μὴ ὁ ὢν παρὰ τοῦ Θεοῦ, οὗτος ἑώρακε τὸν πατέρα.
47 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
Ἀμὴν ἀμὴν λέγω ὑμῖν, ὁ πιστεύων εἰς ἐμέ, ἔχει ζωὴν αἰώνιον. (aiōnios g166)
48 Ndini chingwa choupenyu.
Ἐγώ εἰμι ὁ ἄρτος τῆς ζωῆς.
49 Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa.
Οἱ πατέρες ὑμῶν ἔφαγον τὸ μάννα ἐν τῇ ἐρήμῳ, καὶ ἀπέθανον.
50 Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi.
Οὗτός ἐστιν ὁ ἄρτος ὁ ἐκ τοῦ οὐρανοῦ καταβαίνων, ἵνα τις ἐξ αὐτοῦ φάγῃ καὶ μὴ ἀποθάνῃ.
51 Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.” (aiōn g165)
Ἐγώ εἰμι ὁ ἄρτος ὁ ζῶν, ὁ ἐκ τοῦ οὐρανοῦ καταβάς· ἐάν τις φάγῃ ἐκ τούτου τοῦ ἄρτου, ζήσεται εἰς τὸν αἰῶνα. Καὶ ὁ ἄρτος δὲ ὃν ἐγὼ δώσω, ἡ σάρξ μου ἐστίν, ἣν ἐγὼ δώσω ὑπὲρ τῆς τοῦ κόσμου ζωῆς. (aiōn g165)
52 Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?”
Ἐμάχοντο οὖν πρὸς ἀλλήλους οἱ Ἰουδαῖοι λέγοντες, Πῶς δύναται οὗτος ἡμῖν δοῦναι τὴν σάρκα φαγεῖν;
53 Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
Εἶπεν οὖν αὐτοῖς ὁ Ἰησοῦς, Ἀμὴν ἀμὴν λέγω ὑμῖν, ἐὰν μὴ φάγητε τὴν σάρκα τοῦ υἱοῦ τοῦ ἀνθρώπου καὶ πίητε αὐτοῦ τὸ αἷμα, οὐκ ἔχετε ζωὴν ἐν ἑαυτοῖς.
54 Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari. (aiōnios g166)
Ὁ τρώγων μου τὴν σάρκα καὶ πίνων μου τὸ αἷμα, ἔχει ζωὴν αἰώνιον, καὶ ἐγὼ ἀναστήσω αὐτὸν τῇ ἐσχάτῃ ἡμέρᾳ. (aiōnios g166)
55 Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho.
Ἡ γὰρ σάρξ μου ἀληθῶς ἐστι βρῶσις, καὶ τὸ αἷμά μου ἀληθῶς ἐστι πόσις.
56 Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari.
Ὁ τρώγων μου τὴν σάρκα καὶ πίνων μου τὸ αἷμα, ἐν ἐμοὶ μένει, κἀγὼ ἐν αὐτῷ.
57 Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichirarama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu.
Καθὼς ἀπέστειλέ με ὁ ζῶν πατήρ, κἀγὼ ζῶ διὰ τὸν πατέρα· καὶ ὁ τρώγων με, κἀκεῖνος ζήσεται δι᾿ ἐμέ.
58 Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” (aiōn g165)
Οὗτός ἐστιν ὁ ἄρτος ὁ ἐκ τοῦ οὐρανοῦ καταβάς· οὐ καθὼς ἔφαγον οἱ πατέρες ὑμῶν τὸ μάννα, καὶ ἀπέθανον· ὁ τρώγων τοῦτον τὸν ἄρτον, ζήσεται εἰς τὸν αἰῶνα. (aiōn g165)
59 Akataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume.
Ταῦτα εἶπεν ἐν συναγωγῇ διδάσκων ἐν Καπερναούμ.
60 Pavakanzwa izvi, vadzidzi vake vazhinji vakati, “Kudzidzisa uku kwakaoma. Ndianiko angakugamuchira?”
Πολλοὶ οὖν ἀκούσαντες ἐκ τῶν μαθητῶν αὐτοῦ εἶπον, Σκληρός ἐστιν οὗτος ὁ λόγος· τίς δύναται αὐτοῦ ἀκούειν;
61 Achiziva zvake kuti vadzidzi vake vakanga vachigununʼuna pamusoro paizvozvi, Jesu akati kwavari, “Izvi zvinokugumburai here?
Εἰδὼς δὲ ὁ Ἰησοῦς ἐν ἑαυτῷ ὅτι γογγύζουσι περὶ τούτου οἱ μαθηταὶ αὐτοῦ, εἶπεν αὐτοῖς, Τοῦτο ὑμᾶς σκανδαλίζει;
62 Muchaita sei kana mukaona Mwanakomana woMunhu achikwira achienda kwaaimbova kare!
Ἐὰν οὖν θεωρῆτε τὸν υἱὸν τοῦ ἀνθρώπου ἀναβαίνοντα ὅπου ἦν τὸ πρότερον;
63 Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu.
Τὸ πνεῦμά ἐστι τὸ ζῳοποιοῦν, ἡ σὰρξ οὐκ ὠφελεῖ οὐδέν· τὰ ῥήματα ἃ ἐγὼ λαλῶ ὑμῖν, πνεῦμά ἐστι καὶ ζωή ἐστιν.
64 Asi vamwe venyu varipo vasingatendi.” Nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani pakati pavo vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.
Ἀλλ᾿ εἰσὶν ἐξ ὑμῶν τινες οἳ οὐ πιστεύουσιν. ᾜδει γὰρ ἐξ ἀρχῆς ὁ Ἰησοῦς, τίνες εἰσὶν οἱ μὴ πιστεύοντες, καὶ τίς ἐστιν ὁ παραδώσων αὐτόν.
65 Akaenderera mberi achiti, “Ndokusaka ndakuudzai kuti hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge azvipiwa naBaba.”
Καὶ ἔλεγε, Διὰ τοῦτο εἴρηκα ὑμῖν ὅτι οὐδεὶς δύναται ἐλθεῖν πρός με, ἐὰν μὴ ᾖ δεδομένον αὐτῷ ἐκ τοῦ πατρός μου.
66 Kubva panguva iyi vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure uye vakasazomutevera.
Ἐκ τούτου πολλοὶ ἀπῆλθον τῶν μαθητῶν αὐτοῦ εἰς τὰ ὀπίσω, καὶ οὐκέτι μετ᾿ αὐτοῦ περιεπάτουν.
67 Jesu akabvunza vane gumi navaviri akati, “Nemiwo hamusi kuda kuenda here?”
Εἶπεν οὖν ὁ Ἰησοῦς τοῖς δώδεκα, Μὴ καὶ ὑμεῖς θέλετε ὑπάγειν;
68 Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
Ἀπεκρίθη οὖν αὐτῷ Σίμων Πέτρος, Κύριε, πρὸς τίνα ἀπελευσόμεθα; Ῥήματα ζωῆς αἰωνίου ἔχεις. (aiōnios g166)
69 Tinotenda uye tinoziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”
Καὶ ἡμεῖς πεπιστεύκαμεν καὶ ἐγνώκαμεν ὅτι σὺ εἶ ὁ Χριστὸς ὁ υἱὸς τοῦ Θεοῦ τοῦ ζῶντος.
70 Ipapo Jesu akati, “Handina kukusarudzai, imi vane gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndidhiabhori!”
Ἀπεκρίθη αὐτοῖς ὁ Ἰησοῦς, Οὐκ ἐγὼ ὑμᾶς τοὺς δώδεκα ἐξελεξάμην, καὶ ἐξ ὑμῶν εἷς διάβολός ἐστιν;
71 Akanga achireva Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskarioti, uyo, kunyange akanga ari mumwe wavane gumi navaviri, aizomupandukira.
Ἔλεγε δὲ τὸν Ἰούδαν Σίμωνος Ἰσκαριώτην· οὗτος γὰρ ἤμελλεν αὐτὸν παραδιδόναι, εἷς ὢν ἐκ τῶν δώδεκα.

< Johani 6 >