< Johani 12 >

1 Kwakati kwasara mazuva matanhatu kuti Pasika isvike, Jesu akasvika paBhetani, kuya kwaigara Razaro, uyo akanga amutswa naJesu kubva kuvakafa.
逾越节前六日,耶稣来到伯大尼,就是他叫拉撒路从死里复活之处。
2 Ipapo vakamubikira kudya kwamanheru. Marita akavashandira uye Razaro akanga ari pakati pavanhu vakanga vari patafura naye.
有人在那里给耶稣预备筵席;马大伺候,拉撒路也在那同耶稣坐席的人中。
3 Ipapo Maria akatora chinu chamafuta anonhuhwira enaridho, omutengo unokosha kwazvo; akaadururira patsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Uye imba yakazadzwa nokunhuhwira kwamafuta.
马利亚就拿着一斤极贵的真哪哒香膏,抹耶稣的脚,又用自己头发去擦,屋里就满了膏的香气。
4 Asi mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Iskarioti, uyo akanga achizomupandukira, akazviramba izvozvo akati,
有一个门徒,就是那将要卖耶稣的加略人犹大,
5 “Seiko mafuta aya asina kutengeswa uye mari yacho ikapiwa kuvarombo? Anga achikwana mubayiro wegore rose.”
说:“这香膏为什么不卖三十两银子周济穷人呢?”
6 Haana kureva izvi nokuda kwokuti aiva nehanya navarombo, asi nokuti aiva mbavha; sezvo akanga ari mubati wehomwe, aimboba zvainge zvaiswa muhomwe yacho.
他说这话,并不是挂念穷人,乃因他是个贼,又带着钱囊,常取其中所存的。
7 Jesu akapindura akati, “Muregei akadaro. Zvakanga zvakagadzirirwa kuti iye achengetere mafuta aya zuva rokuvigwa kwangu.
耶稣说:“由她吧!她是为我安葬之日存留的。
8 Varombo munavo nguva dzose pakati penyu, asi ini hamuzorambi muneni.”
因为常有穷人和你们同在,只是你们不常有我。”
9 Zvichakadaro, vazhinji zhinji vechiJudha vakanzwa kuti Jesu akanga aripo vachibva vauya, kwete nokuda kwake bedzi asi kuti vazoonawo Razaro, waakanga amutsa kubva kuvakafa.
有许多犹太人知道耶稣在那里,就来了,不但是为耶稣的缘故,也是要看他从死里所复活的拉撒路。
10 Saka vaprista vakuru vakaronga kuurayawo naRazaro,
但祭司长商议连拉撒路也要杀了;
11 nokuti nokuda kwake, vaJudha vazhinji vakanga vava kubva kwavari vachiisa kutenda kwavo kuna Jesu.
因有好些犹太人为拉撒路的缘故,回去信了耶稣。
12 Zuva rakatevera ungano huru yavanhu vakanga vauya kuMutambo yakanzwa kuti Jesu akanga ari munzira achiuya kuJerusarema.
第二天,有许多上来过节的人听见耶稣将到耶路撒冷,
13 Vakatora mapazi emichindwe vakaenda kundosangana naye, vachidanidzira vachiti: “Hosana! “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe! “Akaropafadzwa Mambo weIsraeri!”
就拿着棕树枝出去迎接他,喊着说: 和散那! 奉主名来的以色列王是应当称颂的!
14 Jesu akati awana mhuru yembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
耶稣得了一个驴驹,就骑上,如经上所记的说:
15 “Usatya iwe Mwanasikana weZioni; tarira, mambo wako ari kuuya, akagara pamusoro pemhuru yembongoro.”
锡安的民哪,不要惧怕! 你的王骑着驴驹来了。
16 Vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakutanga. Vakazoyeuka shure kwokunge Jesu apinda mukubwinya kwake, kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vaita izvozvo kwaari.
这些事门徒起先不明白,等到耶稣得了荣耀以后才想起这话是指着他写的,并且众人果然向他这样行了。
17 Zvino vanhu vazhinji vakanga vanaye paakadana Razaro kubva muguva uye akamumutsa kubva kuvakafa vakaramba vachiparadzira shoko iri.
当耶稣呼唤拉撒路,叫他从死复活出坟墓的时候,同耶稣在那里的众人就作见证。
18 Vanhu vazhinji vakabuda kundosangana naye nokuda kwokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichi.
众人因听见耶稣行了这神迹,就去迎接他。
19 Saka vaFarisi vakataurirana vakati, “Onai, hakuna kwatinosvika nazvo izvi. Tarirai kuti nyika inomutevera sei!”
法利赛人彼此说:“看哪,你们是徒劳无益,世人都随从他去了。”
20 Zvino kwakanga kuna vamwe vaGiriki pakati paavo vakanga vakwidza kuMutambo kundonamata.
那时,上来过节礼拜的人中,有几个希腊人。
21 Vakauya kuna Firipi, uyo akanga achibva kuBhetisaidha muGarirea, vaine chikumbiro. Vakati, “Ishe, tinoda kuona Jesu.”
他们来见加利利、伯赛大的腓力,求他说:“先生,我们愿意见耶稣。”
22 Firipi akaenda kundoudza Andirea; Andirea naFiripi vakazoudzawo Jesu.
腓力去告诉安得烈,安得烈同腓力去告诉耶稣。
23 Jesu akapindura akati, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana woMunhu akudzwe.
耶稣说:“人子得荣耀的时候到了。
24 Ndinokuudzai chokwadi, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inongoramba ichingova yoga. Asi kana ikafa, inobereka mbeu dzakawanda.
我实实在在地告诉你们,一粒麦子不落在地里死了,仍旧是一粒,若是死了,就结出许多子粒来。
25 Munhu anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi munhu anovenga upenyu hwake munyika ino achahuchengetera upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
爱惜自己生命的,就失丧生命;在这世上恨恶自己生命的,就要保守生命到永生。 (aiōnios g166)
26 Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira.
若有人服事我,就当跟从我;我在哪里,服事我的人也要在那里;若有人服事我,我父必尊重他。”
27 “Zvino mwoyo wangu uri kurwadziwa, uye ndichati kudiniko? ‘Baba, ndiponesei kubva panguva ino?’ Kwete, ndizvo zvandakauyira panguva ino.
“我现在心里忧愁,我说什么才好呢?父啊,救我脱离这时候;但我原是为这时候来的。
28 Baba, kudzai zita renyu!” Ipapo inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndatorikudza, uye ndicharikudzazve.”
父啊,愿你荣耀你的名!”当时就有声音从天上来,说:“我已经荣耀了我的名,还要再荣耀。”
29 Vanhu vazhinji vaivapo uye vakarinzwa vakati kwatinhira; vamwe vakati mutumwa ataura kwaari.
站在旁边的众人听见,就说:“打雷了。”还有人说:“有天使对他说话。”
30 Jesu akati, “Inzwi iri harina kuuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.
耶稣说:“这声音不是为我,是为你们来的。
31 Zvino ndiyo nguva yokutongwa kwenyika ino; zvino muchinda wenyika ino achadzingwa.
现在这世界受审判,这世界的王要被赶出去。
32 Asi ini, pandinenge ndasimudzwa kubva panyika ino, ndichakwevera vanhu vose kwandiri.”
我若从地上被举起来,就要吸引万人来归我。”
33 Akareva izvi kuti aratidze mafiro aaizoita.
耶稣这话原是指着自己将要怎样死说的。
34 Vanhu vazhinji vakati, “Isu takanzwa kubva paMurayiro kuti Kristu achagara nokusingaperi, saka sei muchiti, ‘Mwanakomana anofanira kusimudzwa’? Ndianiko uyu ‘Mwanakomana woMunhu’?” (aiōn g165)
众人回答说:“我们听见律法上有话说,基督是永存的,你怎么说‘人子必须被举起来’呢?这人子是谁呢?” (aiōn g165)
35 Ipapo Jesu akati kwavari, “Muchava nechiedza kwechinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, rima risati rasvika. Munhu anofamba murima haazivi kwaanoenda.
耶稣对他们说:“光在你们中间还有不多的时候,应当趁着有光行走,免得黑暗临到你们;那在黑暗里行走的,不知道往何处去。
36 Vimbai nechiedza muchinacho, kuti mugova vanakomana vechiedza.” Akati apedza kutaura zvinhu izvi, Jesu akabvapo akazvivanza kwavari.
你们应当趁着有光,信从这光,使你们成为光明之子。” 耶稣说了这话,就离开他们隐藏了。
37 Kunyange zvazvo Jesu akaita zviratidzo zvose izvi pamberi pavo, havana kutongomutenda.
他虽然在他们面前行了许多神迹,他们还是不信他。
38 Uku kwaiva kuzadziswa kweshoko raIsaya muprofita raakareva achiti: “Ishe, ndianiko akatenda shoko redu, uye ruoko rwaShe rwakaratidzwa kuna aniko?”
这是要应验先知以赛亚的话,说: 主啊,我们所传的有谁信呢? 主的膀臂向谁显露呢?
39 Nokuda kwaizvozvo havana kugona kutenda nokuti, pane imwe nzvimbo, Isaya anoti:
他们所以不能信,因为以赛亚又说:
40 “Akapofumadza meso avo uye akaomesa mwoyo yavo, kuti varege kuona nameso avo, varege kunzwisisa nemwoyo yavo, varege kudzoka ndigovaporesa.”
主叫他们瞎了眼, 硬了心, 免得他们眼睛看见, 心里明白,回转过来, 我就医治他们。
41 Isaya akataura izvi nokuti akaona kubwinya kwaJesu uye akataura nezvake.
以赛亚因为看见他的荣耀,就指着他说这话。
42 Asi nenguva imwe cheteyo kunyange vazhinji pakati pavatungamiri vakamutenda. Asi nokuda kwavaFarisi, havana kupupura kutenda kwavo nokuti vaitya kudzingwa musinagoge;
虽然如此,官长中却有好些信他的,只因法利赛人的缘故,就不承认,恐怕被赶出会堂。
43 nokuti vaida kukudzwa kunobva kuvanhu kupfuura kukudzwa kunobva kuna Mwari.
这是因他们爱人的荣耀过于爱 神的荣耀。
44 Ipapo Jesu akadanidzira akati, “Munhu anenge achitenda kwandiri, haatendi kwandiri bedzi, asiwo nokuna iye akandituma.
耶稣大声说:“信我的,不是信我,乃是信那差我来的。
45 Paanonditarisa, anoona iye akandituma.
人看见我,就是看见那差我来的。
46 Ndakauya panyika sechiedza, kuti kurege kuva nomunhu anotenda mandiri angagara murima.
我到世上来,乃是光,叫凡信我的,不住在黑暗里。
47 “Kana pane munhu zvake anonzwa mashoko angu, asi akasaachengeta, ini handimutongi. Nokuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuzoiponesa.
若有人听见我的话不遵守,我不审判他。我来本不是要审判世界,乃是要拯救世界。
48 Pano mutongi achatonga munhu anondiramba uye asingagamuchiri mashoko angu; shoko riya chairo randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira.
弃绝我、不领受我话的人,有审判他的—就是我所讲的道在末日要审判他。
49 Nokuti handina kungozvipupurira pachangu, asi Baba vakandituma ndivo vakandirayira zvokutaura namatauriro acho.
因为我没有凭着自己讲,惟有差我来的父已经给我命令,叫我说什么,讲什么。
50 Ndinoziva kuti murayiro wavo unotungamirira kuupenyu husingaperi. Saka zvose zvandinoreva ndizvo chaizvo zvandakanzi nditaure naBaba.” (aiōnios g166)
我也知道他的命令就是永生。故此,我所讲的话正是照着父对我所说的。” (aiōnios g166)

< Johani 12 >