< Jobho 7 >

1 “Ko, munhu haashandi zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita seomushandi here?
Is there not an appointed time to man upon earth? are not his days also like the days of an hireling?
2 Somuranda anoshuva mimvuri yamadekwana, kana mushandi akamirira kwazvo mubayiro wake,
As a servant earnestly desireth the shadow, and as an hireling looketh for the reward of his work:
3 saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri.
So am I made to possess months of vanity, and wearisome nights are appointed to me.
4 Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshanduka-shanduka kusvikira mambakwedza.
When I lie down, I say, When shall I arise, and the night be gone? and I am full of tossings to and fro unto the dawning of the day.
5 Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemaronda, ganda rangu rakatsemuka uye raora.
My flesh is clothed with worms and clods of dust; my skin is broken, and become loathsome.
6 “Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro.
My days are swifter than a weaver’s shuttle, and are spent without hope.
7 Rangarirai henyu, imi Mwari, kuti upenyu hwangu hunongova mweya wokufema; meso angu haachazoonizve mufaro.
O remember that my life is wind: mine eye shall no more see good.
8 Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve.
The eye of him that hath seen me shall see me no more: thine eyes are upon me, and I am not.
9 Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburukira kubwiro haadzokizve. (Sheol h7585)
As the cloud is consumed and vanisheth away: so he that goeth down to the grave shall come up no more. (Sheol h7585)
10 Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve.
He shall return no more to his house, neither shall his place know him any more.
11 “Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,
Therefore I will not refrain my mouth; I will speak in the anguish of my spirit; I will complain in the bitterness of my soul.
12 Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi?
Am I a sea, or a whale, that thou settest a watch over me?
13 Pandinofunga kuti mubhedha wangu uchandivaraidza, uye kuti mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,
When I say, My bed shall comfort me, my couch shall ease my complaint;
14 ipapo munondityisidzira nezviroto uye munondivhundutsa nezviratidzo,
Then thou scarest me with dreams, and terrifiest me through visions:
15 zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu, pachinzvimbo chomuviri wangu uno.
So that my soul chooseth strangling, and death rather than my life.
16 Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi. Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.
I loathe it; I would not live alway: let me alone; for my days are vanity.
17 “Munhu chiiko zvamunomukoshesa kudai, zvamunomurangarira zvakadai,
What is man, that thou shouldest magnify him? and that thou shouldest set thine heart upon him?
18 zvamunomunzvera mangwanani ose uye muchimuedza nguva dzose?
And that thou shouldest visit him every morning, and try him every moment?
19 Hamusi kuzombotarirawo kudivi here, kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva?
How long wilt thou not depart from me, nor let me alone till I swallow down my spittle?
20 Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri, imi mutariri wavanhu? Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira? Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?
I have sinned; what shall I do unto thee, O thou preserver of men? why hast thou set me as a mark against thee, so that I am a burden to myself?
21 Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu uye musingandiregereri zvivi zvangu? Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza. Muchanditsvaka, asi handichazovapozve.”
And why dost thou not pardon my transgression, and take away mine iniquity? for now shall I sleep in the dust; and thou shalt seek me in the morning, but I shall not be.

< Jobho 7 >