< Jobho 25 >

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: 2 “Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari; uye anosimbisa rugare kumusoro-soro kudenga. 3 Mauto ake angaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake? 4 Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei? 5 Kunyange dai mwedzi ukasachena, uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake, 6 ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro, iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!”

< Jobho 25 >