< Jobho 23 >

1 Ipapo Jobho akapindura akati:
そこでヨブは答えて言った、
2 “Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu; ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu.
「きょうもまた、わたしのつぶやきは激しく、彼の手はわたしの嘆きにかかわらず、重い。
3 Dai chete ndaiziva kwandingamuwana; dai chete ndaigona kuenda kwaanogara!
どうか、彼を尋ねてどこで会えるかを知り、そのみ座に至ることができるように。
4 Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake, uye ndaizadza muromo wangu nenharo.
わたしは彼の前にわたしの訴えをならべ、口をきわめて論議するであろう。
5 Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura, uye ndaizocherechedza zvaaizoreva.
わたしは、わたしに答えられるみ言葉を知り、わたしに言われる所を悟ろう。
6 Kuti aizondidzivisa nesimba guru here? Kwete, haaizondipomera mhaka.
彼は大いなる力をもって、わたしと争われるであろうか、いな、かえってわたしを顧みられるであろう。
7 Ipapo munhu akarurama aigona kuzotaura mhaka yake pamberi pake, uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi.
かしこでは正しい人は彼と言い争うことができる。そうすれば、わたしはわたしをさばく者から永久に救われるであろう。
8 “Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako; kana ndikaenda kumavirira, handimuwani.
見よ、わたしが進んでも、彼を見ない。退いても、彼を認めることができない。
9 Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni; paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona.
左の方に尋ねても、会うことができない。右の方に向かっても、見ることができない。
10 Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo; kana apedza kundiedza, ndichabuda ndava segoridhe.
しかし彼はわたしの歩む道を知っておられる。彼がわたしを試みられるとき、わたしは金のように出て来るであろう。
11 Tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika; ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi.
わたしの足は彼の歩みに堅く従った。わたしは彼の道を守って離れなかった。
12 Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake; ndakakoshesa mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose.
わたしは彼のくちびるの命令にそむかず、その口の言葉をわたしの胸にたくわえた。
13 “Asi iye anomira oga, uye ndiani angapikisana naye? Anoita zvaanoda.
しかし彼は変ることはない。だれが彼をひるがえすことができようか。彼はその心の欲するところを行われるのだ。
14 Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.
彼はわたしのために定めた事をなし遂げられる。そしてこのような事が多く彼の心にある。
15 Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.
それゆえ、わたしは彼の前におののく。わたしは考えるとき、彼を恐れる。
16 Mwari akaita kuti mwoyo wangu unete; Wamasimba Ose akandivhundutsa.
神はわたしの心を弱くされた。全能者はわたしを恐れさせられた。
17 Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare, iro rima guru rinofukidza chiso changu.
わたしは、やみによって閉じこめられ、暗黒がわたしの顔をおおっている。

< Jobho 23 >