< Jobho 18 >

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: 2 “Muchapedza kutaura uku riiniko? Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu. 3 Tinobatirweiko semombe uye tichionekwa samapenzi pamberi penyu? 4 Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako, nyika ingasiyiwa nokuda kwako here? Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here? 5 “Mwenje weakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa. 6 Chiedza chiri mutende rake chinova rima; mwenje uri parutivi pake unodzima. 7 Simba renhambwe dzake rinorukutika; mano ake pachake anomuwisira pasi. 8 Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure, uye anodzungaira ari mumaburi awo. 9 Musungo unomubata chitsitsinho; rugombe runomubatisisa. 10 Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake; musungo wakaradzikwa munzira yake. 11 Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose, uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose. 12 Pfumvu inomudokwairira; njodzi yakamugaririra paanowa. 13 Inodya zvikamu zveganda rake; dangwe rorufu rinopedza mitezo yake. 14 Anodzurwa kubva patende raanovimba naro agoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo. 15 Moto unogara mutende rake; safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake. 16 Moto unogara mutende rake; uye matavi ake anosvava kumusoro. 17 Kurangarirwa kwake kunopera panyika; haana zita munyika. 18 Anobviswa pachiedza achiendeswa murima, uye anodzingwa panyika. 19 Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake, hakuna akasara kwaaimbogara. 20 Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake; varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru. 21 Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa; iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”

< Jobho 18 >