< Jeremia 47 >

1 Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza: 2 Zvanzi naJehovha: “Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro; ivo vachava rwizi runofashukira nesimba. Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi, maguta navose vanogaramo. Vanhu vachachema; vose vanogara munyika vachaungudza 3 pavachanzwa mutsindo wemahwanda emabhiza, kutinhira kwengoro dzavavengi, nokurira kwemavhiri adzo. Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo; maoko avo acharembera seakaremara. 4 Nokuti zuva rasvika rokuparadza vaFiristia vose, uye nokuuraya vose vakasara vaigona kubatsira Tire neSidhoni. Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia, vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori. 5 Gaza richaveura musoro waro mukuchema; Ashikeroni richati mwiro. Haiwa, imi vakasara vari pabani, muchapedza nguva yakadiiko muchizvicheka? 6 “Muchachema muchiti, ‘Maiwe, munondo waJehovha, uchapedza nguva yakadiiko usati wazorora? Dzokera mumuhara wako; mira, unyarare.’ 7 Asi ungazorora sei, Jehovha akaurayira, sezvo akaurayira kuti urwise Ashikeroni namahombekombe?”

< Jeremia 47 >