< Jeremia 45 >

1 Izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Jeremia kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shure kwokunyora kwaBharuki rugwaro rwamashoko aJeremia aakanga achimudaidzira, achiti, 2 “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kunewe Bharuki: 3 Iwe wakati, ‘Ndine nhamo! Jehovha apamhidzira kusuwa pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera uye ndashayiwa zororo.’” 4 Jehovha akati, “Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichakoromora zvandakavaka uye ndichadzura zvandakasima panyika yose. 5 Iwe ungazvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka. Nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro pavanhu vose, ndizvo zvinotaura Jehovha, asi ndichaita kuti utize noupenyu hwako kwose kwaunoenda.’”

< Jeremia 45 >