< Jeremia 23 >

1 “Vane nhamo vafudzi vari kuparadza uye vari kuparadzira makwai amafuro angu!” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Woe be unto the pastors that destroy and scatter the sheep of my pasture! says the LORD.
2 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kuvafudzi vanofudza vanhu vangu: “Nemhaka yokuti makaparadzira makwai angu mukaadzingira kure uye mukasava nehanya nawo, ndichaisa rushamhu pamusoro penyu nokuda kwezvakaipa zvamakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Therefore thus says the LORD God of Israel against the pastors that feed my people; All of you have scattered my flock, and driven them away, and have not visited them: behold, I will visit upon you the evil of your doings, says the LORD.
3 “Ini pachangu ndichaunganidza akasara amakwai angu kubva kunyika dzose dzandakanga ndaadzingira uye ndichaadzosera kumafuro awo, kwaachava nezvibereko uye kwaachawanda.
And I will gather the remnant of my flock out of all countries where I have driven them, and will bring them again to their folds; and they shall be fruitful and increase.
4 Ndichagadza vafudzi pamusoro pavo vachaafudza, uye havazotyi kana kuvhunduka, uye hakuna rimwe rawo ringashayikwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
And I will set up shepherds over them which shall feed them: and they shall fear no more, nor be dismayed, neither shall they be lacking, says the LORD.
5 “Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “pandichamutsira Dhavhidhi Davi rakarurama, Mambo achatonga nouchenjeri nokururamisira uye nokuita zvakarurama munyika.
Behold, the days come, says the LORD, that I will raise unto David a righteous Branch, and a King shall reign and prosper, and shall execute judgment and justice in the earth.
6 Pamazuva ake Judha achaponeswa uye Israeri achagara norugare. Zita rake raachatumidzwa ndirori rokuti: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.
In his days Judah shall be saved, and Israel shall dwell safely: and this is his name whereby he shall be called, THE LORD OUR RIGHTEOUSNESS.
7 Naizvozvo zvino mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “avasingazoti, ‘NaJehovha mupenyu iye akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti,’
Therefore, behold, the days come, says the LORD, that they shall no more say, The LORD lives, which brought up the children of Israel out of the land of Egypt;
8 asi vachazoti, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa vana vaIsraeri kubva kunyika yokumusoro nokunyika dzose kwaakanga avadzingira.’ Ipapo vachagara munyika yavo.”
But, The LORD lives, which brought up and which led the seed of the house of Israel out of the north country, and from all countries where I had driven them; and they shall dwell in their own land.
9 Kana vari vaprofita: Mwoyo wangu waputsika mukati mangu; mapfupa angu ose anodedera. Ndakaita somunhu akadhakwa, somunhu akundwa newaini, nokuda kwaJehovha uye nokuda kwamashoko ake matsvene.
Mine heart within me is broken because of the prophets; all my bones shake; I am like a drunken man, and like a man whom wine has overcome, because of the LORD, and because of the words of his holiness.
10 Nyika izere nemhombwe; nyika yaoma nokuda kwokutukwa uye mafuro omugwenga aoma. Vaprofita votevera nzira yakaipa uye vanoshandisa simba ravo nokusarurama.
For the land is full of adulterers; for because of swearing the land mourns; the pleasant places of the wilderness are dried up, and their course is evil, and their force is not right.
11 “Muprofita nomuprista vose havana umwari; kunyange mutemberi yangu ndinowana kuipa kwavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
For both prophet and priest are profane; yea, in my house have I found their wickedness, says the LORD.
12 “Naizvozvo nzira yavo ichatsvedza; vachadzingirwa kurima uye ikoko ndiko kwavachawira. Ndichauyisa njodzi pamusoro pavo mugore ravacharangwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Wherefore their way shall be unto them as slippery ways in the darkness: they shall be driven on, and fall therein: for I will bring evil upon them, even the year of their visitation, says the LORD.
13 “Pakati pavaprofita veSamaria ndakaona chinhu chinonyangadza ichi: Vakaprofita naBhaari, uye vakatungamirira vanhu vangu vaIsraeri mukurasika.
And I have seen folly in the prophets of Samaria; they prophesied in Baal, and caused my people Israel to go astray.
14 Uye pakati pavaprofita veJerusarema ndakaona chimwe chinhu chinonyangadza: Vanoita upombwe uye vanoreva nhema. Vanosimbisa maoko evaiti vezvakaipa, zvokuti hakuna anodzoka pazvakaipa zvake. Vose vakaita seSodhomu kwandiri; vanhu veJerusarema vakaita seGomora.”
I have seen also in the prophets of Jerusalem an horrible thing: they commit adultery, and walk in lies: they strengthen also the hands of evildoers, that none does return from his wickedness; they are all of them unto me as Sodom, and the inhabitants thereof as Gomorrah.
15 Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, pamusoro pavaprofita: “Ndichaita kuti vadye kudya kunovava, uye kuti vanwe mvura ine muchetura, nokuti zvichibva nokumuprofita weJerusarema, kushaya umwari kwapararira panyika yose.”
Therefore thus says the LORD of hosts concerning the prophets; Behold, I will feed them with wormwood, and make them drink the water of gall: for from the prophets of Jerusalem is profaneness gone forth into all the land.
16 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Regai kuteerera zvamunoprofitirwa navaprofita; vanokuzadzai netariro dzenhema. Vanotaura zviratidzo zvinobva pandangariro dzavo, zvisingabvi mumuromo maJehovha.
Thus says the LORD of hosts, Hearken not unto the words of the prophets that prophesy unto you: they make you vain: they speak a vision of their own heart, and not out of the mouth of the LORD.
17 Vanoramba vachiti kuna avo vanondizvidza, ‘Jehovha anoti: Muchava norugare.’ Uye kuna vaya vose vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo, vanoti, ‘Hakuna chakaipa chichakuwirai.’
They say still unto them that despise me, The LORD has said, All of you shall have peace; and they say unto every one that walks after the imagination of his own heart, No evil shall come upon you.
18 Asi ndiani pakati pavo akamira parangano yaJehovha, kuti aone kana kunzwa shoko rake? Ndiani akateerera akanzwa shoko rake?
For who has stood in the counsel of the LORD, and has perceived and heard his word? who has marked his word, and heard it?
19 Tarirai, dutu raJehovha richaputika muhasha dzake, chamupupuri chichimona chakananga pamisoro yavakaipa.
Behold, a whirlwind of the LORD is gone forth in fury, even a grievous whirlwind: it shall fall grievously upon the head of the wicked.
20 Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Pamazuva achauya muchazvinzwisisa zvakanyatsojeka.
The anger of the LORD shall not return, until he have executed, and till he have performed the thoughts of his heart: in the latter days all of you shall consider it perfectly.
21 Handina kutuma vaprofita ava, kunyange zvakadaro vakamhanya neshoko ravo; ini handina kutaura navo, kunyange zvakadaro vakaprofita.
I have not sent these prophets, yet they ran: I have not spoken to them, yet they prophesied.
22 Asi dai vakamira parangano yangu, vangadai vakaparidza mashoko angu kuvanhu vangu, uye vangadai vakavadzora panzira dzavo dzakaipa, napamabasa avo akaipa.
But if they had stood in my counsel, and had caused my people to hear my words, then they should have turned them from their evil way, and from the evil of their doings.
23 “Ko, ini ndinongori Mwari ari pedyo here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndisati ndiri Mwari ari kure?
Am I a God at hand, says the LORD, and not a God far off?
24 Pano munhu angavanda, panzvimbo dzakavanzika zvokuti handingamuoni here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handizadzi denga nenyika here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Can any hide himself in secret places that I shall not see him? says the LORD. Do not I fill heaven and earth? says the LORD.
25 “Ndakanzwa zvakataurwa navaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Vanoti, ‘Ndakarota! Ndakarota!’
I have heard what the prophets said, that prophesy lies in my name, saying, I have dreamed, I have dreamed.
26 Ko, izvi zvicharamba zviri mumwoyo yavaprofita venhema ava kusvikira rinhi ivo vanoprofita zvokunyengera kwendangariro dzavo?
How long shall this be in the heart of the prophets that prophesy lies? yea, they are prophets of the deceit of their own heart;
27 Vanofunga kuti zviroto zvavanoudzana zvichaita kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu sezvakaita madzibaba avo akakanganwa zita rangu nokuda kwokunamata Bhaari.
Which think to cause my people to forget my name by their dreams which they tell every man to his neighbour, as their fathers have forgotten my name for Baal.
28 Muprofita ane chiroto ngaataure kurota kwake, asi ane shoko rangu ngaataure nokutendeka. Nokuti mashanga ane basa rei pazviyo?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
The prophet that has a dream, let him tell a dream; and he that has my word, let him speak my word faithfully. What is the chaff to the wheat? says the LORD.
29 “Shoko rangu harina kufanana nomoto here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nenyundo inoputsanya dombo?”
Is not my word like a fire? says the LORD; and like a hammer that breaks the rock in pieces?
30 “Naizvozvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanobirana mashoko anofungidzirwa kuti anobva kwandiri.
Therefore, behold, I am against the prophets, says the LORD, that steal my words every one from his neighbour.
31 Hongu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanoshandisa ndimi dzavo vachiti, ‘Jehovha ari kutaura.’
Behold, I am against the prophets, says the LORD, that use their tongues, and say, He says.
32 Zvirokwazvo handina ukama neavo vanoprofita zviroto zvenhema,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vanovaudza uye vanotsausa vanhu vangu nenhema dzavo dzisina maturo, asi handina kuvatuma kana kuvagadza. Havambobatsiri vanhu ava napaduku pose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Behold, I am against them that prophesy false dreams, says the LORD, and do tell them, and cause my people to go astray by their lies, and by their levity; yet I sent them not, nor commanded them: therefore they shall not profit this people at all, says the LORD.
33 “Paunobvunzwa navanhu ava, vaprofita kana vaprista, vachiti, ‘Chirevo ichi chaJehovha ndecheiko?’ uti kwavari, ‘Chirevo cheiko? Ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha.’
And when this people, or the prophet, or a priest, shall ask you, saying, What is the burden of the LORD? you shall then say unto them, What burden? I will even forsake you, says the LORD.
34 Kana muprofita kana muprista kana ani zvake achiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ ndicharanga munhu uyo nemhuri yake.
And as for the prophet, and the priest, and the people, that shall say, The burden of the LORD, I will even punish that man and his house.
35 Izvi ndizvo zvamunoramba muchitaura mumwe nomumwe wenyu kushamwari kana kuhama yake muchiti: ‘Mhinduro yaJehovha inoti kudiniko?’ kana kuti ‘Jehovha akataureiko?’
Thus shall all of you say every one to his neighbour, and every one to his brother, What has the LORD answered? and, What has the LORD spoken?
36 Hamufaniri kutaura ‘chirevo chaJehovha’ zvakare, nokuti shoko romunhu mumwe nomumwe richava chirevo chake, uye saizvozvo munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Jehovha Wamasimba Ose, Mwari wedu.
And the burden of the LORD shall all of you mention no more: for every man's word shall be his burden; for all of you have perverted the words of the living God, of the LORD of hosts our God.
37 Izvi ndizvo zvamucharamba muchitaura kumuprofita muchiti: ‘Jehovha akakupindurei?’ kana kuti ‘Jehovha akataurei?’
Thus shall you say to the prophet, What has the LORD answered you? and, What has the LORD spoken?
38 Kunyange muchiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ izvi ndizvo zvinotaura Jehovha: Makashandisa mashoko anoti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ kunyange ndakanga ndakuudzai kuti musati, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha’.
But since all of you say, The burden of the LORD; therefore thus says the LORD; Because all of you say this word, The burden of the LORD, and I have sent unto you, saying, All of you shall not say, The burden of the LORD;
39 Naizvozvo, zvirokwazvo ndichakukanganwai uye ndichakurasai mubve pamberi pangu imi neguta randakakupai uye namadzibaba enyu.
Therefore, behold, I, even I, will utterly forget you, and I will forsake you, and the city that I gave you and your fathers, and cast you out of my presence:
40 Ndichauyisa pamusoro penyu kunyadziswa kusingaperi, nyadzi dzisingaperi dzisingazokanganwiki.”
And I will bring an everlasting reproach upon you, and a perpetual shame, which shall not be forgotten.

< Jeremia 23 >