< Isaya 59 >

1 Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa, uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa.
Look, Yahweh's hand is not so short that it cannot save; nor his ear so dull, that it cannot hear.
2 Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu; zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake kwamuri kuti arege kunzwa.
Your sinful acts, however, have separated you from your God, and your sins have made him hide his face from you and from hearing you.
3 Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, minwe yenyu nezvakaipa. Miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa.
For your hands are stained with blood and your fingers with sin. Your lips speak lies and your tongue speaks maliciously.
4 Hapana anochemera kururamisira; hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka. Vanongovimba negakava risina maturo uye nokureva nhema; vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa.
No one calls in righteousness, and none pleads his case in truth. They trust in empty words, and tell lies; they conceive trouble and give birth to sin.
5 Vanochochonya mazai emvumbi, uye vanoruka dandira redandemutande. Ani naani anodya mazai avo achafa, uye rimwe rikaputsika, panochochonywa nyoka.
They hatch eggs of a poisonous snake and weave a spider's web. Whoever eats of their eggs dies, and if an egg is crushed, it hatches into a poisonous snake.
6 Matandira avo haabatsiri pakupfeka; havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira. Mabasa avo mabasa akaipa, uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo.
Their webs cannot be used for garments, nor can they cover themselves with their works. Their works are works of sin, and deeds of violence are in their hands.
7 Tsoka dzavo dzinomhanyira kundopinda muchivi; vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva. Mirangariro yavo mirangariro yakaipa; kuputsa nokuparadza zviri munzira dzavo.
Their feet run to evil, and they run to pour out innocent blood. Their thoughts are thoughts of sin; violence and destruction are their roads.
8 Nzira yorugare havaizivi; hapana kururamisira pamakwara avo. Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama; hakuna anofamba madziri achaziva rugare.
The way of peace they do not know, and there is no justice in their paths. They have made crooked paths; whoever travels these paths does not know peace.
9 Naizvozvo kururamisira kuri kure nesu, uye kururama hakusviki kwatiri. Tinotsvaka chiedza, asi zvose irima; tinotsvaka kujeka, asi tiri kufamba mumumvuri werima.
Therefore justice is far from us, nor does righteousness reach us. We wait for light, but see darkness; we look for brightness, but we walk in darkness.
10 Sebofu tinotsvanzvadzira tichitevedza madziro, tichitsvaka nzira yedu savanhu vasina meso. Panguva yamasikati tinogumburwa kunge nguva yorubvunzavaeni; pakati pavane simba, tangoita savakafa.
We grope for the wall like the blind, like those who cannot see. We stumble at noonday as in the twilight; among the strong we are like dead men.
11 Tose tiri kuomba samapere; tinorira nokurira kukuru senjiva. Tinotsvaka kururamisira, asi hatikuwani; tinotsvaka kurwirwa, asi kuri kure kure.
We growl like bears and moan like doves; we wait for justice, but there is none; for rescue, but it is far from us.
12 Nokuti kutadza kwedu kwawanda pamberi penyu, uye zvivi zvedu zvinotipupurira zvakaipa. Kudarika kwedu kunogara nesu, uye tinobvuma kutadza kwedu:
For our many transgressions are before you, and our sins testify against us; for our transgressions are with us, and we know our sins.
13 kumukira nokunyengera Jehovha, kufuratira Mwari wedu, kukuchidzira udzvinyiriri nokupanduka, nokutaura mashoko enhema anobva mumwoyo yedu.
We have rebelled, denying Yahweh and turning away from following our God. We have spoken extortion and turning aside, conceived complaining from the heart and words of lying.
14 Naizvozvo kururamisirwa kwadzorerwa shure, uye kururama kwamira kure; chokwadi chakagumburwa munzira dzomumusha, kutendeka hakuchagoni kupinda.
Justice is driven back, and righteousness stands far off; for truth stumbles in the public square, and right cannot come.
15 Zvokwadi haichawanikwi uye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa. Jehovha akatarisa akasafara kuti pakanga pasisina kururamisira.
Trustworthiness has gone away, and he who turns away from evil makes himself a victim. Yahweh saw it and was displeased that there was no justice.
16 Akaona kuti pakanga pasina munhu, akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, uye kururama kwake kwakamuraramisa.
He saw that there was no man, and wondered that there was no one to intervene. Therefore his own arm brought salvation for him, and his righteousness sustained him.
17 Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso mumusoro make; akashonga nguo dzokutsiva akazviputira mukushingaira kwake seanozviputira nejasi.
He put on righteousness as a breastplate and a helmet of salvation upon his head. He clothed himself with garments of vengeance and wore zeal as a mantle.
18 Sezvavakaita, saizvozvo acharipira hasha kuvavengi vake nokutsiva kuvadzivisi vake; acharipira zvakafanira kuzviwi.
He repaid them for what they had done, angry judgment to his adversaries, vengeance to his enemies, to the islands punishment as their reward.
19 Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha, uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake. Nokuti achauya sokudira kworwizi runosundwa nokufema kwaJehovha.
So they will fear the name of Yahweh from the west, and his glory from the sun's rising; for he will come as a rushing stream, driven by the breath of Yahweh.
20 “Mudzikinuri achauya kuZioni, kuna avo vari muna Jakobho vanotendeuka pazvivi zvavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“A redeemer will come to Zion and to those who turn from their rebellious deeds in Jacob—this is Yahweh's declaration.
21 “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako hazvichabvi pamuromo wako, kana pamiromo yavana venyu, kana pamiromo yezvizvarwa zvavo kubva zvino nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
As for me, this is my covenant with them—says Yahweh—my spirit who is upon you, and my words which I have put in your mouth, will not leave your mouth, or go out of the mouth of your children, or go out of the mouth of your children's children—says Yahweh—from this time and forever.”

< Isaya 59 >