< Isaya 39 >

1 Panguva iyoyo Merodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira matsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara nokupora kwake. 2 Hezekia akagamuchira nhume nomufaro akavaratidza zvakanga zviri mumatura ake: sirivha, goridhe, zvinonhuhwira namafuta anokosha nenhumbi dzake dzose dzokurwa uye nezvose zvaiwanikwa papfuma yake. Hapana chinhu mumuzinda wake kana muumambo hwake chavasina kuratidzwa naHezekia. 3 Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akabvunza achiti, “Varume avo vakati kudini, uye vakabvepi?” Hezekia akapindura achiti, “Vakabva kunyika iri kure. Vakauya kwandiri vachibva kuBhabhironi.” 4 Muprofita akamubvunza achiti, “Vakaoneiko mumuzinda menyu?” Hezekia akati, “Vakaona zvose zviri mumuzinda mangu. Pakati pepfuma yangu hapana chandisina kuvaratidza.” 5 Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Inzwa shoko raJehovha Wamasimba Ose: 6 Zvirokwazvo nguva ichauya iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira nhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha. 7 Uye vamwe vavana vako, venyama neropa rako chairo vauchabereka, vachatorwa uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.” 8 Hezekia akapindura achiti, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafunga kuti, “Pachava norugare nokudzivirirwa pamazuva oupenyu hwangu.”

< Isaya 39 >