< Isaya 31 >

1 Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro, vanovimba namabhiza, vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza, asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri, kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha.
οὐαὶ οἱ καταβαίνοντες εἰς Αἴγυπτον ἐπὶ βοήθειαν οἱ ἐφ’ ἵπποις πεποιθότες καὶ ἐφ’ ἅρμασιν ἔστιν γὰρ πολλά καὶ ἐφ’ ἵπποις πλῆθος σφόδρα καὶ οὐκ ἦσαν πεποιθότες ἐπὶ τὸν ἅγιον τοῦ Ισραηλ καὶ τὸν θεὸν οὐκ ἐξεζήτησαν
2 Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa njodzi; haangadzosi mashoko ake. Iye achamukira imba yavakaipa, naavo vanobatsira vanoita zvakaipa.
καὶ αὐτὸς σοφὸς ἦγεν ἐπ’ αὐτοὺς κακά καὶ ὁ λόγος αὐτοῦ οὐ μὴ ἀθετηθῇ καὶ ἐπαναστήσεται ἐπ’ οἴκους ἀνθρώπων πονηρῶν καὶ ἐπὶ τὴν ἐλπίδα αὐτῶν τὴν ματαίαν
3 Asi vaIjipita vanhu uye havasi Mwari, mabhiza avo inyama uye haasi mweya. Zvino panotambanudza Jehovha ruoko rwake, uyo anobatsira achagumburwa, uyo achabatsirwa achawa; vose vachaparara pamwe chete.
Αἰγύπτιον ἄνθρωπον καὶ οὐ θεόν ἵππων σάρκας καὶ οὐκ ἔστιν βοήθεια ὁ δὲ κύριος ἐπάξει τὴν χεῖρα αὐτοῦ ἐπ’ αὐτούς καὶ κοπιάσουσιν οἱ βοηθοῦντες καὶ ἅμα πάντες ἀπολοῦνται
4 Zvanzi naJehovha kwandiri: “Sezvinoita shumba inoomba, seshumba huru pamusoro pechayabata, kunyange mhomho yose yavafudzi ikakokerwa pamwe chete kuzorwa neshumba iyi, iyo haingavhundutswi noruzha rwavo, kana kukanganiswa nemhere yavo, saizvozvo Jehovha Wamasimba Ose achaburukira pamusoro peGomo reZioni napazvikomo zvaro kuzorwa hondo.
ὅτι οὕτως εἶπέν μοι κύριος ὃν τρόπον ἐὰν βοήσῃ ὁ λέων ἢ ὁ σκύμνος ἐπὶ τῇ θήρᾳ ᾗ ἔλαβεν καὶ κεκράξῃ ἐπ’ αὐτῇ ἕως ἂν ἐμπλησθῇ τὰ ὄρη τῆς φωνῆς αὐτοῦ καὶ ἡττήθησαν καὶ τὸ πλῆθος τοῦ θυμοῦ ἐπτοήθησαν οὕτως καταβήσεται κύριος σαβαωθ ἐπιστρατεῦσαι ἐπὶ τὸ ὄρος τὸ Σιων ἐπὶ τὰ ὄρη αὐτῆς
5 Seshiri dzinobhururuka napamusoro, Jehovha Wamasimba Ose achadzivirira Jerusarema; acharidzivirira, acharirwira, achadarika pamusoro paro uye acharisunungura.”
ὡς ὄρνεα πετόμενα οὕτως ὑπερασπιεῖ κύριος ὑπὲρ Ιερουσαλημ καὶ ἐξελεῖται καὶ περιποιήσεται καὶ σώσει
6 Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vaIsraeri.
ἐπιστράφητε οἱ τὴν βαθεῖαν βουλὴν βουλευόμενοι καὶ ἄνομον
7 Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa.
ὅτι τῇ ἡμέρᾳ ἐκείνῃ ἀπαρνήσονται οἱ ἄνθρωποι τὰ χειροποίητα αὐτῶν τὰ ἀργυρᾶ καὶ τὰ χρυσᾶ ἃ ἐποίησαν αἱ χεῖρες αὐτῶν
8 “Asiria ichawisirwa pasi nomunondo usati uri womunhu; munondo, kwete wavanhu, uchavapedza. Vachatiza pamberi pomunondo uye majaya avo achaiswa kuchibharo.
καὶ πεσεῖται Ασσουρ οὐ μάχαιρα ἀνδρὸς οὐδὲ μάχαιρα ἀνθρώπου καταφάγεται αὐτόν καὶ φεύξεται οὐκ ἀπὸ προσώπου μαχαίρας οἱ δὲ νεανίσκοι ἔσονται εἰς ἥττημα
9 Nhare dzavo dzakasimba dzichawa nokuda kwokutya; vatungamiri vavo vachavhundutswa pavachaona mureza wehondo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, ane moto wake paZioni choto chake chiri muJerusarema.
πέτρᾳ γὰρ περιλημφθήσονται ὡς χάρακι καὶ ἡττηθήσονται ὁ δὲ φεύγων ἁλώσεται τάδε λέγει κύριος μακάριος ὃς ἔχει ἐν Σιων σπέρμα καὶ οἰκείους ἐν Ιερουσαλημ

< Isaya 31 >