< Hosea 1 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakomana waBheeri panguva yokutonga kwaUzia, Jotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo eJudha, napanguva yokutonga kwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri:
The word of the LORD that came unto Hosea, the son of Beeri, in the days of Uzziah, Jotham, Ahaz, [and] Hezekiah, kings of Judah, and in the days of Jeroboam the son of Joash, king of Israel.
2 Jehovha paakatanga kutaura kubudikidza naHosea, akati kwaari, “Enda, unozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve nokuti nyika ine mhosva yokuita ufeve hwakaipisisa nokuti yakabva kuna Jehovha.”
The beginning of the word of the LORD by Hosea. And the LORD said to Hosea, Go, take unto thee a wife of whoredoms and children of whoredoms: for the land hath committed great whoredom, [departing] from the LORD.
3 Naizvozvo akawana Gomeri mwanasikana waDibhiraimu, uye akabata pamuviri akamuberekera mwanakomana.
So he went and took Gomer the daughter of Diblaim; which conceived, and bare him a son.
4 Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Jezireeri, nokuti ndava kuda kuranga imba yaJehu zvino nokuda kwavanhu vakaurayiwa paJezireeri, uye ndichagumisa umambo hwaIsraeri.
And the LORD said unto him, Call his name Jezreel; for yet a little [while], and I will avenge the blood of Jezreel upon the house of Jehu, and will cause to cease the kingdom of the house of Israel.
5 Pazuva iro ndichavhuna uta hwaIsraeri mumupata weJezireeri.”
And it shall come to pass at that day, that I will break the bow of Israel in the valley of Jezreel.
6 Gomeri akabatazve pamuviri ndokubereka mwanasikana. Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ruhama, nokuti handichazoratidzizve rudo kuimba yaIsraeri, kuti nditombovaregerera.
And she conceived again, and bare a daughter. And [God] said unto him, Call her name Lo-ruhamah: for I will no more have mercy upon the house of Israel; but I will utterly take them away.
7 Asi ndicharatidza rudo kuimba yaJudha; uye ndichavaponesa, kwete nouta, munondo kana kurwa, kana namabhiza kana navatasvi vamabhiza, asi naJehovha Mwari wavo.”
But I will have mercy upon the house of Judah, and will save them by the LORD their God, and will not save them by bow, nor by sword, nor by battle, by horses, nor by horsemen.
8 Mushure mokurumura Ro-Ruhama, Gomeri akaberekazve mumwe mwanakomana.
Now when she had weaned Lo-ruhamah, she conceived, and bare a son.
9 Ipapo Jehovha akati, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ami, nokuti imi hamusi vanhu vangu, uye ini handisi Mwari wenyu.
Then said [God], Call his name Lo-ammi: for ye [are] not my people, and I will not be your [God].
10 “Kunyange zvakadaro vaIsraeri vachava sejecha riri pamahombekombe egungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa. Paya pakanga panzi kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’
Yet the number of the children of Israel shall be as the sand of the sea, which cannot be measured nor numbered; and it shall come to pass, [that] in the place where it was said unto them, Ye [are] not my people, [there] it shall be said unto them, [Ye are] the sons of the living God.
11 Vanhu veJudha navanhu veIsraeri vachabatanazve, uye vachasarudza mutungamiri mumwe chete uye vachasimukira panyika, nokuti zuva raJezireeri richava zuva guru.
Then shall the children of Judah and the children of Israel be gathered together, and appoint themselves one head, and they shall come up out of the land: for great [shall be] the day of Jezreel.

< Hosea 1 >