< Genesisi 38 >

1 Panguva iyoyo, Judha akabva kuhama dzake akaburuka akandogara nomurume wokuAdhurama ainzi Hira.
那時,猶大離開他弟兄下去,到一個亞杜蘭人名叫希拉的家裏去。
2 Ikoko Judha akasangana nomwanasikana womumwe murume muKenani ainzi Shua. Akamuwana uye akavata naye;
猶大在那裏看見一個迦南人名叫書亞的女兒,就娶她為妻,與她同房,
3 akava nemimba akabereka mwanakomana, zita rake rainzi Eri.
她就懷孕生了兒子,猶大給他起名叫珥。
4 Akaitazve imwe mimba akabereka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Onani.
她又懷孕生了兒子,母親給他起名叫俄南。
5 Akabereka mumwezve mwanakomana akamutumidza zita rokuti Shera. Akamuberekera kuKezibhi.
她復又生了兒子,給他起名叫示拉。她生示拉的時候,猶大正在基悉。
6 Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi, uye zita rake ainzi Tamari.
猶大為長子珥娶妻,名叫她瑪。
7 Asi Eri, dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha, saka Jehovha akamuuraya.
猶大的長子珥在耶和華眼中看為惡,耶和華就叫他死了。
8 Ipapo Judha akati kuna Onani, “Vata nomukadzi womukoma wako uye umuitire zvawakafanira kuita kwaari somununʼuna, kuti uberekere mukoma wako vana.”
猶大對俄南說:「你當與你哥哥的妻子同房,向她盡你為弟的本分,為你哥哥生子立後。」
9 Asi Onani akaziva kuti vana havaizova vake; saka pose paaivata nomukadzi womukoma wake, aiteurira mbeu pasi kuti arege kuberekera mukoma wake vana.
俄南知道生子不歸自己,所以同房的時候便遺在地,免得給他哥哥留後。
10 Zvaakaita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha; saka akamuurayawo.
俄南所做的在耶和華眼中看為惡,耶和華也就叫他死了。
11 Ipapo Judha akati kuna Tamari mukadzi womwana wake, “Gara hako uri chirikadzi mumba mababa vako kusvikira mwanakomana wangu Shera akura.” Nokuti akafunga kuti, “Naiye angafawo, sezvakaita madzikoma ake.” Saka Tamari akaenda akandogara mumba mababa vake.
猶大心裏說:「恐怕示拉也死,像他兩個哥哥一樣」,就對他兒婦她瑪說:「你去,在你父親家裏守寡,等我兒子示拉長大。」她瑪就回去,住在她父親家裏。
12 Shure kwenguva refu mukadzi waJudha, mwanasikana waShua, akafa. Judha akati anyaradzwa kubva pakuchema kwake, akakwidza akaenda kuTimina kuvarume vakanga vachiveura makwai, uye shamwari yake Hira muAdhuramu akaenda naye.
過了許久,猶大的妻子書亞的女兒死了。猶大得了安慰,就和他朋友亞杜蘭人希拉上亭拿去,到他剪羊毛的人那裏。
13 Tamari akati audzwa kuti, “Vatezvara vako vari kuenda kuTimina kuti vandoveura makwai avo,”
有人告訴她瑪說:「你的公公上亭拿剪羊毛去了。」
14 akabvisa nguo dzechirikadzi, akazvifukidza nechifukidzo chokumeso kuti azvivanze, uye ipapo akagara pasi pasuo rinopinda kuEnaimi, uri munzira inoenda kuTimina. Nokuti akaona kuti kunyange zvazvo Shera akanga akura, haana kunge apiwa kwaari kuti ave mukadzi wake.
她瑪見示拉已經長大,還沒有娶她為妻,就脫了她作寡婦的衣裳,用帕子蒙着臉,又遮住身體,坐在亭拿路上的伊拿印城門口。
15 Judha akati amuona, akafunga kuti chifeve, nokuti akanga akafukidza uso hwake.
猶大看見她,以為是妓女,因為她蒙着臉。
16 Asingazivi kuti akanga ari muroora wake, akaenda kwaari parutivi rwenzira akati, “Uya zvino, rega ndivate newe.” Iye akati, “Unozondipei kuti ndivate newe?”
猶大就轉到她那裏去,說:「來吧!讓我與你同寢。」他原不知道是他的兒婦。她瑪說:「你要與我同寢,把甚麼給我呢?」
17 Iye akati, “Ndingakupa mbudzana kubva muboka rangu rembudzi.” Iye akati, “Ungandipa chimwe chinhu here kuti chive chitsidzo kusvikira wazonditumira?”
猶大說:「我從羊群裏取一隻山羊羔,打發人送來給你。」她瑪說:「在未送以先,你願意給我一個當頭嗎?」
18 Iye akati, “Ndingakupa chitsidzo cheiko?” Akapindura akati, “Mhete yako yechisimbiso norutambo rwayo, netsvimbo iri muruoko rwako.” Saka akamupa izvozvo uye akavata naye, uye akava nemimba naye.
他說:「我給你甚麼當頭呢?」她瑪說:「你的印、你的帶子,和你手裏的杖。」猶大就給了她,與她同寢,她就從猶大懷了孕。
19 Shure kwokubva kwake ipapo akabvisa chifukidzo ndokubva apfekazve nguo dzake dzechirikadzi.
她瑪起來走了,除去帕子,仍舊穿上作寡婦的衣裳。
20 Zvichakadaro, Judha akatuma shamwari yake muAdhuramu nembudzana iya kuitira kuti chitsidzo chake chidzoswe kwaari kubva kumukadzi uya, asi haana kumuwana.
猶大託他朋友亞杜蘭人送一隻山羊羔去,要從那女人手裏取回當頭來,卻找不着她,
21 Akabvunza varume vaigara ikoko akati, “Chiripiko chifeve chaigara parutivi rwenzira yeEnaimi?” Ivo vakati, “Hapana kumbova nechifeve pano.”
就問那地方的人說:「伊拿印路旁的妓女在哪裏?」他們說:「這裏並沒有妓女。」
22 Saka iye akadzokerazve kuna Judha akandoti, “Handina kumuwana. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanogara ikoko vakati, ‘Hakuna kumbova nechifeve kuno.’”
他回去見猶大說:「我沒有找着她,並且那地方的人說:『這裏沒有妓女。』」
23 Ipapo Judha akati, “Regai achengete zvaanazvo, kuti arege kuzova chiseko. Zvakadaro ndanga ndamutumira mbudzana iyi, asi hauna kugona kumuwana.”
猶大說:「我把這山羊羔送去了,你竟找不着她。任憑她拿去吧,免得我們被羞辱。」
24 Shure kwemwedzi inenge mitatu, Judha akaudzwa kuti, “Muroora wako Tamari ane mhosva youfeve, uye nokuda kwaizvozvo ava nemimba.” Judha akati, “Mubudisei apiswe afe!”
約過了三個月,有人告訴猶大說:「你的兒婦她瑪作了妓女,且因行淫有了身孕。」猶大說:「拉出她來,把她燒了!」
25 Zvino paakanga achibudiswa, akatumira shoko kuna vatezvara vake akati, “Ndine mimba yomuridzi wezvinhu izvi.” Uye akatizve, “Onai kana mungaziva mwene wemhete yechisimbiso iyi norutambo rwayo, netsvimbo iyi.”
她瑪被拉出來的時候便打發人去見她公公,對他說:「這些東西是誰的,我就是從誰懷的孕。請你認一認,這印和帶子並杖都是誰的?」
26 Judha akazviziva uye akati, “Iye akarurama kupfuura ini, sezvo ndanga ndisingadi kumupa kumwanakomana wangu Shera.” Uye haana kuzovata naye zvakare.
猶大承認說:「她比我更有義,因為我沒有將她給我的兒子示拉。」從此猶大不再與她同寢了。
27 Nguva yake yokupona yakati yasvika, mudumbu make makanga muna vanakomana vaviri.
她瑪將要生產,不料她腹裏是一對雙生。
28 Paakanga achipona, mumwe wavo akabudisa ruoko rwake; saka vanyamukuta vakatora rushinda rutsvuku vakamusunga paruoko rwake uye vakati, “Uyu ndiye atanga kubuda.”
到生產的時候,一個孩子伸出一隻手來;收生婆拿紅線拴在他手上,說:「這是頭生的。」
29 Asi akati adzosera ruoko rwake mukati, mununʼuna wake akabuda, uye vakati, “Saka ndiwo mabudiro awaita nhai!” Uye akatumidzwa zita rokuti Perezi.
隨後這孩子把手收回去,他哥哥生出來了;收生婆說:「你為甚麼搶着來呢?」因此給他起名叫法勒斯。
30 Ipapo mukoma wake akanga ano rushinda rutsvuku paruoko rwake, akabuda uye akatumidzwa zita rokuti Zera.
後來,他兄弟那手上有紅線的也生出來,就給他起名叫謝拉。

< Genesisi 38 >