< Genesisi 16 >

1 Zvino Sarai, mukadzi waAbhurama, akanga asina kumuberekera vana. Asi iye akanga ano murandakadzi wechiIjipita ainzi Hagari; 2 saka akati kuna Abhurama, “Jehovha akandikonesa kubereka vana. Enda hako undovata nomurandakadzi wangu; zvimwe ndingaita mhuri kubudikidza naye.” Abhurama akabvuma zvakanga zvataurwa naSarai. 3 Saka shure kwokugara kwaAbhurama kwamakore gumi muKenani, Sarai mukadzi wake akatora Hagari murandakadzi wake wechiIjipita akamupa kumurume wake kuti ave mukadzi wake. 4 Akavata naHagari uye Hagari akabata pamuviri. Paakaziva kuti akanga ava napamuviri, akatanga kuzvidza tenzikadzi wake. 5 Ipapo Sarai akati kuna Abhurama, “Ndiwe waita kuti nditambudzike. Ndakaisa murandakadzi wangu mumaoko ako, uye zvino zvaava kuziva kuti ava napamuviri, ava kundizvidza. Mwari ngaatonge pakati pangu newe.” 6 Abhurama akati, “Murandakadzi wako ari mumaoko ako. Ita naye zvaunofunga kuti zvakaisvonaka.” Ipapo Sarai akabata Hagari zvakaipa; saka akatiza. 7 Mutumwa waJehovha akawana Hagari ari pedyo netsime raiva murenje; rakanga riri tsime rakanga riri parutivi pomugwagwa unoenda kuShuri. 8 Uye akati, “Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko, uye uri kuendepiko?” Iye akati, “Ndiri kutiza kubva kuna tenzikadzi wangu Sarai.” 9 Ipapo mutumwa waJehovha akati kwaari, “Dzokera kuna tenzikadzi wako undozvininipisa pasi pake.” 10 Mutumwa akatizve, “Ndichawandisa zvizvarwa zvako zvokuti havangaverengeki.” 11 Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari: “Iye zvino wava nemimba uye uchava nomwanakomana. Uchamutumidza zita rokuti Ishumaeri, nokuti Jehovha anzwa nezvokutambura kwako. 12 Achava mbongoro yomusango: ruoko rwake rucharwa navanhu vose uye ruoko rwavanhu vose rucharwa naye, uye achararama mukupesana nehama dzake dzose.” 13 Hagari akapa zita iri kuna Jehovha akataura naye akati: “Ndimi Jehovha anondiona,” nokuti akati, “Zvino ndaona Iye anondiona.” 14 Ndokusaka tsime rakanzi Bheeri Rahai Roi; richiripo, pakati peKadheshi neBheredhi. 15 Saka Hagari akaberekera Abhurama mwanakomana, uye Abhurama akapa zita rokuti Ishumaeri kumwanakomana waakanga abereka. 16 Abhurama akanga ava namakore makumi masere namatanhatu okuberekwa paakaberekerwa mwanakomana naHagari.

< Genesisi 16 >