< 2 Samueri 11 >

1 Munguva yechirimo, madzimambo paanoenda kundorwa, Dhavhidhi akatuma Joabhu navaranda vamambo nehondo yose yeIsraeri. Vakandoparadza vaAmoni uye vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi akasara muJerusarema.
Au retour de l'année, au temps où les rois se mettent en campagne, David envoya Joab avec ses serviteurs et tout Israël, et ils ravagèrent le pays des fils d'Ammon et assiégèrent Rabba. Mais David resta à Jérusalem.
2 Zvino rimwe zuva madekwana Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake akafamba pamusoro pedenga romuzinda. Aripo padenga akaona mukadzi aishamba. Mukadzi uyu akanga akanaka kwazvo,
Un soir que David s'était levé de sa couche et se promenait sur le toit de la maison du roi, il aperçut de dessus le toit une femme qui se baignait, et cette femme était très belle d'aspect.
3 uye Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza nezvomukadzi uyu. Murume akatumwa akati, “Ko, uyu haasi Bhatishebha here mwanasikana waEriamu mukadzi waUria muHiti?”
David fit rechercher qui était cette femme, et on lui dit: « C'est Bethsabée, fille d'Eliam, femme d'Urie le Héthéen. »
4 Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora. Akauya kwaari, iye akarara naye; nokuti akanga azvinatsa pakusachena kwake. Ipapo akadzokera kumba kwake.
Et David envoya des gens pour la prendre; elle vint chez lui et il coucha avec elle. Puis elle se purifia de sa souillure et retourna dans sa maison.
5 Mukadzi uyu akabata pamuviri ndokubva atuma shoko kuna Dhavhidhi achiti, “Ndava nemimba.”
Cette femme fut enceinte, et elle le fit annoncer à David, en disant: « Je suis enceinte. »
6 Saka Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu akati, “Nditumire Uria muHiti.” Saka Joabhu akamutumira kuna Dhavhidhi.
Alors David expédia cet ordre à Joab: « Envoie-moi Urie, le Héthéen. » Et Joab envoya Urie à David.
7 Uria akati asvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti Joabhu aiva akadini hake, zvose navarwi uye kuti hondo yaifamba sei.
Urie s'étant rendu auprès de David, celui-ci demanda des nouvelles de Joab, de l'armée et du combat.
8 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Uria, “Enda hako kuimba yako unoshamba tsoka dzako.” Naizvozvo Uria akabva pamuzinda wamambo, uye achangoenda, mambo akamutumira chipo.
Puis David dit à Urie: « Descend dans ta maison et lave tes pieds. » Urie sortit de la maison du roi, et on porta après lui un don de la table du roi;
9 Asi Uria akarara pasuo romuzinda navaranda vose vatenzi wake akasaenda kumba kwake.
mais Urie se coucha devant la porte de la maison du roi avec tous les serviteurs de son maître, et il ne descendit pas dans sa maison.
10 Zvino Dhavhidhi paakaudzwa kuti, “Uria haana kuenda kumba kwake,” akamubvunza akati, “Hauna kubva parwendo here? Sei usina kuenda kumba kwako?”
On en informa David, en disant: « Urie n'est pas descendu dans sa maison. » Et David dit à Urie: « N'arrives-tu pas de voyage? Pourquoi n'es-tu pas descendu dans ta maison? »
11 Uria akati kuna Dhavhidhi, “Areka navaIsraeri pamwe chete navaJudha vagere mumatende, uye tenzi wangu Joabhu navanhu vaishe wangu vari mumisasa kusango. Ko, ini ndaigozoenda sei kumba kwangu kuti ndidye ndichinwa nokurara nomudzimai wangu? Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, handingaiti chinhu chakadaro!”
Urie répondit à David: « L'arche, et Israël, et Juda habitent sous des tentes, mon seigneur Joab et les serviteurs de mon seigneur campent en rase campagne, et moi j'entrerai dans ma maison pour manger et boire, et pour coucher avec ma femme! Par ta vie et par la vie de ton âme, je n'en ferai rien. »
12 Ipapo Dhavhidhi akati kwaari, “Chigara hako pano kwezuva rimwe chete, mangwana ndigokutendera hangu kuti udzokere.” Naizvozvo Uria akagara muJerusarema zuva iroro neraitevera.
David dit à Urie: « Reste ici encore aujourd'hui, et demain je te renverrai. » Et Urie resta donc à Jérusalem ce jour-là et le suivant.
13 Akakokwa naDhavhidhi, akadya nokunwa naye, uye Dhavhidhi akaita kuti adhakwe. Asi ava madekwana Uria akabuda akandovata panhoo yake pamwe chete navaranda vatenzi wake; haana kuenda kumba kwake.
David l'invita à manger et à boire en sa présence, et il l'enivra; et le soir, Urie sortit pour s'étendre sur sa couche auprès des serviteurs de son maître, mais il ne descendit pas dans sa maison.
14 Chifumi chamangwana Dhavhidhi akanyora tsamba kuna Joabhu akaituma naUria.
Le lendemain matin, David écrivit une lettre à Joab et l'envoya par la main d'Urie.
15 Akanyora mairi achiti, “Isa Uria pamberi paya panorwiwa zvinotyisa zvikuru. Ipapo iwe umusiye ari oga kuti abayiwe afe.”
Il écrivait dans cette lettre: « Placez Urie au plus fort du combat, et retirez-vous de derrière lui, afin qu'il soit frappé et qu'il meure. »
16 Saka Joabhu paakanga akakomba guta, akaisa Uria panzvimbo yaaiziva kuti ndipo paiva navarume voumhare.
Joab, qui faisait le siège de la ville, plaça Urie à l'endroit où il savait que se trouvaient les hommes les plus vaillants.
17 Varume veguta pavakabuda vakarwa naJoabhu, vamwe vevarume vehondo yaDhavhidhi vakakundwa; uye Uria muHiti akafawo.
Les hommes de la ville, ayant fait une sortie pour attaquer Joab, plusieurs tombèrent d'entre le peuple, d'entre les serviteurs de David; Urie le Héthéen mourut aussi.
18 Joabhu akatumira Dhavhidhi mashoko amafambiro akanga aita hondo.
Joab envoya un messager pour informer David de tous les faits du combat;
19 Akarayira nhume achiti, “Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mafambiro aita hondo,
il donna cet ordre au messager: « Quand tu auras achevé de raconter au roi tous les faits du combat, si la colère du roi se soulève et qu'il te dise:
20 hasha dzamambo dzingakwira, uye angangokubvunza achiti, ‘Ko, sei maswedera pedyo zvakadaro neguta muchirwa? Manga musingazivi here kuti vaizokupfurai nemiseve vari parusvingo?
Pourquoi vous êtes-vous approchés de la ville pour livrer combat? Ne saviez-vous pas que les assiégés lanceraient des traits du haut de la muraille?
21 Ndianiko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhesheti? Haasi munhukadzi here akakanda guyo pamusoro pake richibva parusvingo, zvokuti akafira paTebhezi? Sei maswedera pedyo norusvingo?’ Kana akakubvunza izvi, ipapo uti kwaari, ‘Muranda wenyu Uria muHiti afawo.’”
Qui a frappé Abimélech, fils de Jérobaal? N'est-ce pas une femme qui a lancé sur lui du haut de la muraille un morceau de meule, ce dont il est mort à Thébès? Pourquoi donc vous êtes-vous approchés de la muraille? — Alors tu diras: Ton serviteur Urie le Héthéen est mort aussi. »
22 Nhume yakaenda, uye yakati yasvika, yakaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yarayirwa naJoabhu.
Le messager partit et, à son arrivée, il raconta à David tout ce que Joab lui avait ordonné.
23 Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vatikurira vakatibudira pachena, asi isu tavasairira kusvikira vasvika pasuo reguta.
Le messager dit à David: « Ces gens, plus forts que nous, ont fait une sortie contre nous dans la campagne, mais nous les avons repoussés jusqu'à la porte.
24 Ipapo vapfuri vapfura varanda venyu vari parusvingo, uye vamwe vavaranda vamambo vafa. Uyewo, muranda wenyu Uria muHiti afa.”
Alors leurs archers ont tiré du haut de la muraille sur tes serviteurs, et plusieurs des serviteurs du roi sont morts tués, et ton serviteur Urie le Héthéen est mort aussi. »
25 Dhavhidhi akarayira nhume achiti, “Uti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukushungurudza; munondo haubayi rutivi rumwe asi nokunouyawo wabaya. Ramba uchirwisa guta uriparadze.’ Taura izvi kuna Joabhu kuti umukurudzire.”
David dit au messager: « Voici ce que tu diras à Joab: Ne sois pas trop en peine de cette affaire, car l'épée dévore tantôt l'un, tantôt l'autre. Redouble de vigueur contre la ville et renverse-la. Et toi, encourage-le. »
26 Zvino mukadzi waUria paakanzwa kuti murume wake akanga afa, akamuchema.
La femme d'Urie apprit que son mari, Urie, était mort, et elle pleura sur son mari.
27 Zvino mazuva okuchema akati apera, Dhavhidhi akamuuyisa kumba kwake, akava mukadzi wake, uye akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi chakaitwa naDhavhidhi hachina kufadza Jehovha.
Quand le deuil fut passé, David l'envoya chercher et la recueillit dans sa maison. Elle devint sa femme et lui enfanta un fils. Et l'action que David avait faite déplut aux yeux de Yahweh.

< 2 Samueri 11 >