< 2 Makoronike 27 >

1 Jotamu aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Amai vake vainzi Jerusha mwanasikana waZadhoki. 2 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia, asi iye haana kuzopinda zvake mutemberi yaJehovha. Kunyange zvakadaro, vanhu vakaramba vachiita zvakaipa zvavo. 3 Jotamu akavakazve Suo Rokumusoro retemberi yaJehovha akaita basa guru kwazvo parusvingo rwapagomo raOferi. 4 Akavaka maguta muzvikomo zveJudhea, nenhare neshongwe mumatondo. 5 Jotamu akarwa namambo wavaAmoni akavakunda. Mugore iroro vaAmoni vakamuripa matarenda zana esirivha, nezviyero zvegorosi zviuru gumi, nezviyero zvebhari zviuru gumi. VaAmoni vakauyisa zvimwe chetezvo mugore rechipiri nerechitatu. 6 Jotamu akava nesimba kwazvo nokuti aifamba akatendeka pamberi paJehovha Mwari wake. 7 Zvimwe zvakaitwa mukutonga kwaJotamu pamwe chete nehondo dzake dzose dzaakarwa nezvimwe zvinhu zvaakaita, zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri neeJudha. 8 Aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. 9 Jotamu akazorora namadzibaba ake akavigwa muGuta raDhavhidhi. Uye Ahazi mwanakomana wake akamutevera paumambo.

< 2 Makoronike 27 >