< 2 Makoronike 24 >

1 Joashi akanga ane makore manomwe paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Mai vake vainzi Zibhia uye vaibva kuBheerishebha.
Joash was seven years old when he began to reign; and he reigned forty years in Jerusalem; and his mother's name was Zibiah of Beer-sheba.
2 Joashi akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha pamazuva ose aJehoyadha muprista.
And Joash did what was right in the sight of Jehovah all the days of Jehoiada the priest.
3 Jehoyadha akamusarudzira vakadzi vaviri uye akava navanakomana navanasikana.
And Jehoiada took for him two wives; and he begot sons and daughters.
4 Kwapera kanguva Joashi akafunga kuti avandudze temberi yaJehovha.
And it came to pass after this, that Joash was minded to renew the house of Jehovah.
5 Akaunganidza vaprista navaRevhi akati kwavari, “Endai kumaguta eJudha mundotora mari inofanira kupiwa gore negore kubva kuIsraeri, yokugadziridza nayo temberi yaMwari wenyu. Zviitei iye zvino.” Asi vaRevhi havana kubva vazviita ipapo.
And he gathered together the priests and the Levites, and said to them, Go out to the cities of Judah and collect of all Israel money for the repair of the house of your God from year to year, and ye shall hasten the matter. But the Levites hastened it not.
6 Naizvozvo mambo akadaidza Jehoyadha muprista mukuru akati kwaari, “Sei usina kutuma vaRevhi kuti vauyise kubva kuJudha neJerusarema mutero wakarayirwa naMozisi muranda waJehovha neungano yeIsraeri weTende reChipupuriro?”
And the king called for Jehoiada the chief, and said to him, Why hast thou not required of the Levites to bring in out of Judah and out of Jerusalem the tribute of Moses the servant of Jehovah [laid upon] the congregation of Israel, for the tent of the testimony?
7 Zvino vanakomana vaAtaria mukadzi uya akaipa vakanga vamanikidzira kupinda mutemberi yaMwari uye vakanga vashandisa kunyange midziyo yayo inoera mukunamata Bhaari.
For the wicked Athaliah [and] her sons had devastated the house of God; and also all the hallowed things of the house of Jehovah had they employed for the Baals.
8 Mambo akati arayira, bhokisi rakagadzirwa rikaiswa pasuo retemberi yaJehovha.
And the king commanded, and they made a chest, and set it at the gate of the house of Jehovah without,
9 Shoko rakatumwa muJudha neJerusarema kuti vaifanira kuuyisa kuna Jehovha mutero wakanga warayirwa naMozisi muranda waMwari kuti vaIsraeri vape murenje.
and they made a proclamation through Judah and Jerusalem, to bring to Jehovah the tribute of Moses the servant of God [laid upon] Israel in the wilderness.
10 Machinda ose navanhu vose vakauyisa zvipo zvavo nomufaro, vakazvikanda mubhokisi kusvikira razara.
And all the princes and all the people rejoiced, and brought in and cast into the chest, until they had finished.
11 Pose paitakurwa bhokisi richipinzwa mukati navaRevhi kumachinda amambo, uye pavaiona kuti maiva nemari yakawanda, munyori wamambo nomubati womuprista mukuru vaiuya vodurura mari kubva mubhokisi riya voridzorera panzvimbo yaro. Vakaita izvi nguva nenguva uye vakaunganidza mari yakawanda.
And it came to pass at the time the chest was brought for the king's control by the hand of the Levites, and when they saw that there was much money, the king's scribe and high priest's officer came, and they emptied the chest, and took it, and carried it to its place again. Thus they did day by day, and gathered money in abundance.
12 Mambo naJehoyadha akaipa kuvanhu vaizoita basa raidiwa patemberi yaJehovha. Vakaripira vavezi vamatombo navavezi vamatanda kuti vamise pakare temberi yaJehovha, uyewo vapfuri vesimbi nendarira kuti vagadziridze temberi.
And the king and Jehoiada gave it to such as did the work of the service of the house of Jehovah, and they hired masons and carpenters to renew the house of Jehovah, and also such as wrought in iron and bronze, to repair the house of Jehovah.
13 Varume vaibata basa iri vaiva nounyanzvi uye kugadziridza kwose kwakaenderera mberi mumaoko avo. Vakavakazve temberi yaMwari sezvayakanga yakaita pakutanga, vakaisimbisa.
So the workmen wrought, and the work was perfected by them, and they set the house of God in its state, and strengthened it.
14 Pavakapedza vakauyisa imwe mari yose yakanga yasara kuna mambo naJehoyadha, uye yakagadziriswa midziyo yomutemberi yaJehovha: midziyo yokushandisa neyezvipiriso zvinopiswa namadhishi nezvimwe zvegoridhe nesirivha. Jehoyadha paakanga achiri mupenyu, zvipiriso zvinopiswa zvaitopiwa nguva nenguva mutemberi yaJehovha.
And when they had finished, they brought the rest of the money before the king and Jehoiada; and they made of it vessels for the house of Jehovah, utensils to minister, and with which to offer up, and cups, and utensils of gold and silver. And they offered up burnt-offerings in the house of Jehovah continually all the days of Jehoiada.
15 Zvino Jehoyadha akanga akura ava namakore mazhinji, uye akafa ava namakore zana namakumi matatu.
And Jehoiada grew old and was full of days, and he died; he was a hundred and thirty years old when he died.
16 Akavigwa namadzimambo muGuta raDhavhidhi, nokuda kwezvakanaka zvaakanga aitira Mwari muIsraeri nomutemberi yake.
And they buried him in the city of David among the kings, because he had done good in Israel, both toward God and toward his house.
17 Mushure mokufa kwaJehoyadha, vakuru veJudha vakauya kuzopa rukudzo kuna mambo, uye akateerera kwavari.
And after the death of Jehoiada the princes of Judah came and made obeisance to the king; then the king hearkened to them.
18 Vakasiya temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba avo, vakanamata matanda aAshera nezvifananidzo. Nokuda kwokutadza kwavo, kutsamwa kwaMwari kwakauya pamusoro peJudha neJerusarema.
And they forsook the house of Jehovah the God of their fathers, and served the Asherahs and idols; and wrath came upon Judah and Jerusalem for this their trespass.
19 Kunyange zvazvo Jehovha akatumira vaprofita kuvanhu kuti vavadzosere kwaari, uye kunyange vaipupura zvakaipa nezvavo, havana kuteerera.
And he sent prophets among them to bring them again to Jehovah, and they testified against them; but they would not give ear.
20 Ipapo mweya waJehovha wakauya pana Zekaria, mwanakomana waJehoyadha muprista. Akamira pamberi pavanhu akati, “Zvanzi naMwari, ‘Sei musingateereri mirayiro yaJehovha? Hamusi kuzobudirira. Nokuti makasiya Jehovha, iye akusiyaiwo.’”
And the Spirit of God came upon Zechariah the son of Jehoiada the priest; and he stood up above the people and said unto them, Thus saith God: Wherefore do ye transgress the commandments of Jehovah? And ye cannot prosper; for ye have forsaken Jehovah, and he hath forsaken you.
21 Asi ivo vakamupandukira uye nokurayira kwaMambo vakamutaka namabwe kusvikira afa, muchivanze chetemberi yaJehovha.
And they conspired against him, and stoned him with stones at the command of the king in the court of the house of Jehovah.
22 Mambo Joashi haana kurangarira tsitsi dzaJehoyadha baba vaZekaria dzavakanga vamuratidza, asi akauraya mwanakomana wake, uye iye paakanga ava kufa akati, “Jehovha ngaazvione izvi uye aite kuti muzvidavirire.”
And king Joash remembered not the kindness which Jehoiada his father had done to him, but slew his son. And when he died, he said, Jehovah see and require [it]!
23 Pakupera kwegore hondo yeAramu yakauya kuzorwisa Joashi; yakapamba Judha neJerusarema uye ikauraya vatungamiri vose vavanhu. Vakatumira zvavakanga vapamba zvose kuna mambo wavo kuDhamasiko.
And it came to pass at the end of the year [that] the army of Syria came up against him; and they entered into Judah and Jerusalem, and destroyed all the princes of the people from among the people, and sent all the spoil of them to the king at Damascus.
24 Kunyange zvazvo hondo yavaAramu yakanga ine varume vashoma shoma, Jehovha akaisa hondo huru kwazvo mumaoko avo. Nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, kutongwa kwakaiswa pamusoro paJoashi.
Truly with a small company of men came the army of the Syrians, but Jehovah delivered a very great army into their hand, because they had forsaken Jehovah the God of their fathers; and they executed judgment upon Joash.
25 VaAramu pavakazodzokera shure vakasiya Joashi akuvara zvakanyanya. Machinda ake akarangana akamupa mhosva yokuuraya mwanakomana waJehoyadha muprista, vakamuuraya akarara panhoo yake. Saka akafa akavigwa muGuta raDhavhidhi, asi kwete mumakuva amadzimambo.
And when they had departed from him (for they left him in great diseases), his own servants conspired against him for the blood of the sons of Jehoiada the priest, and slew him on his bed, and he died; and they buried him in the city of David, but they did not bury him in the sepulchres of the kings.
26 Avo vakarangana pamusoro pake vaiti Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mudzimai wechiAmoni, naJehozabhadhi, mwanakomana waShimiriti muMoabhu.
And these are they that conspired against him: Zabad the son of Shimeath an Ammonitess, and Jehozabad the son of Shimrith a Moabitess.
27 Nhoroondo dzavanakomana vake, nezvakaprofitwa pamusoro pake nezvakanyorwa pamusoro pokuvandudzwa kwetemberi yaMwari zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.
And as to his sons, and the greatness of the burdens [laid] upon him, and the building of the house of God, behold, they are written in the treatise of the book of the kings. And Amaziah his son reigned in his stead.

< 2 Makoronike 24 >