< 1 Makoronike 29 >

1 Ipapo Mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni uyo asarudzwa naMwari mudiki uye haasati ava kunyatsogona. Basa iri iguru kwazvo nokuti muzinda uyu hausi womunhu asi ndowaJehovha Mwari.
King David said to the whole assembly, “Solomon my son, whom alone God has chosen, is still young and inexperienced, and the task is great. For the temple is not for people but for Yahweh God.
2 Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda pabasa ramatanda, pamwe chete neonikisi, namabwe okuisa mukati namatombo amavara akasiyana-siyana, namamwe mabwe akaurungana amarudzi ose namamwe machena, zvose izvi zvakawanda kwazvo.
So I have done my best to provide for the temple of my God. I am giving gold for the things to be made of gold, silver for the things to be made of silver, bronze for the things to be made of bronze, iron for the things to be made of iron, and wood for the things to be made of wood. I am also giving onyx stones, stones to be set, stones for inlaid work of various colors—all kinds of precious stones—and marble stone in abundance.
3 Pamusoro pezvo mukuzvipira kwangu kutemberi yaMwari wangu zvino ndava kupa upfumi hwangu pachangu hwegoridhe nesirivha kutemberi yaMwari wangu, ndichiwedzera pamusoro pezvose zvandakapa kutemberi iyi tsvene zvinoti:
Now, because of my delight in the house of my God, I am giving my personal treasure of gold and silver for it. I am doing this in addition to all that I have prepared for this holy temple:
4 Matarenda zviuru zvitatu egoridhe (goridhe reOfiri) namatarenda zviuru zvinomwe esirivha yakanatswa yokufukidza madziro edzimba,
three thousand talents of gold from Ophir, and seven thousand talents of refined silver, in order to overlay the walls of the buildings.
5 kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!”
I am donating gold for the things to be made of gold, and silver for the things to be made of silver, and things for all kinds of work to be done by craftsmen. Who else wants to make a contribution to Yahweh today and give himself to him?”
6 Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda.
Then freewill offerings were made by the leaders of their ancestors' families, the leaders of the tribes of Israel, the commanders of thousands and hundreds, and by the officials over the king's work.
7 Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanu namadhariki zviuru gumi egoridhe, matarenda zviuru gumi esirivha, matarenda zviuru gumi nezvisere endarira, namatarenda zviuru zana esimbi.
They gave for the service of God's house five thousand talents and ten thousand darics of gold, ten thousand talents of silver, eighteen thousand talents of bronze, and 100,000 talents of iron.
8 Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni.
Those who had precious stones gave them to the treasury of Yahweh's house, under the supervision of Jehiel, a descendant of Gershon.
9 Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru.
The people rejoiced because of these freewill offerings, because they had contributed wholeheartedly to Yahweh. King David also rejoiced greatly.
10 Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti, “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi.
David blessed Yahweh in front of all the assembly. He said, “May you be praised, Yahweh, God of Israel our ancestor, forever and ever.
11 Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha, kukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.
Yours, Yahweh, is the greatness, the power, the glory, the victory, and the majesty. For all that is in the heavens and on the earth is yours. Yours is the kingdom, Yahweh, and you are exalted as ruler over all.
12 Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose.
Both riches and honor come from you, and you rule over all people. In your hand is power and might. You possess the strength and might to make people great and to give strength to anyone.
13 Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.
Now then, our God, we thank you and praise your glorious name.
14 “Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivanaaniko kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu.
But who am I, and who are my people, that we should be able to offer so willingly these things? Indeed, all things come from you, and we have simply given back to you what is yours.
15 Tiri vatorwa navapfuuri pamberi penyu, sezvakanga zvakaita madzibaba edu ose. Mazuva edu panyika akaita somumvuri, asina tariro.
For we are strangers and travelers before you, as all our ancestors were. Our days on the earth are like a shadow, and there is no hope of remaining on earth.
16 Imi Jehovha, Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda kudai zvatapa kuti temberi yenyu ivakwe nokuda kweZita renyu Dzvene zvinobva muruoko rwenyu uye zvose ndezvenyu.
Yahweh our God, all this wealth that we have collected in order to build a temple to honor your holy name—it comes from you and belongs to you.
17 Ndinoziva, Mwari wangu, kuti munoedza mwoyo uye munofadzwa nokururama. Zvinhu zvose izvi ndakupai ndichida uye nomwoyo wakatendeka. Uye zvino ndaona ndikafadzwa namapiro aita vanhu venyu vari pano kwamuri nomwoyo unoda.
I know also, my God, that you examine the heart and have pleasure in uprightness. As for me, in the uprightness of my heart I have willingly offered all these things, and now I look with joy as your people who are present here willingly offer gifts to you.
18 Imi Jehovha, Mwari wamadzibaba edu Abhurahama, Isaka, naIsraeri, chengetedzai kudokwairira kwakadai mumwoyo yavanhu venyu nokusingaperi, uye muite kuti mwoyo yavo irambe yakazvipira kwamuri.
Yahweh, the God of Abraham, Isaac, and Israel—our ancestors—keep this forever in the thoughts of the minds of your people. Direct their hearts toward you.
19 Uye ipai mwanakomana wangu Soromoni mwoyo wakaperera kuti achengete mirayiro yenyu, zvose zvamunoda nemitemo yenyu uye kuti aite zvose kuti avake muzinda wandagadzirira zvose izvi.”
Give to Solomon my son a wholehearted desire to keep your commandments, your covenant decrees, and your statutes, and to carry out all these plans to build the palace for which I have made provision.”
20 Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu.” Saka vose vakarumbidza Jehovha, Mwari wamadzibaba avo; vakakotamira pasi vakawira pasi nezviso pamberi paJehovha naMambo.
David said to all the assembly, “Now bless Yahweh your God.” All the assembly blessed Yahweh, the God of their ancestors, bowed their heads and worshiped Yahweh and prostrated themselves before the king.
21 Zuva raitevera vakapa zvipiriso kuna Jehovha vakapa zvipiriso zvinopiswa kwaari zvinoti: hando chiuru, makondobwe chiuru, namakwayana makono chiuru, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvokunwa, nezvimwe zvibayiro zvakawanda zveIsraeri.
On the next day, they made sacrifices to Yahweh and offered burnt offerings to him. They offered a thousand bulls, a thousand rams, and a thousand lambs, with their drink offerings and sacrifices in abundance for all Israel.
22 Vakadya uye vakanwa nomufaro mukuru pamberi paJehovha zuva iroro. Ipapo vakazogamuchira Soromoni mwanakomana waDhavhidhi samambo kechipiri, vakamuzodza pamberi paJehovha kuti ave mutongi, uye Zadhoki ave muprista.
On that day, they ate and drank before Yahweh with great celebration. They made Solomon, David's son, king a second time, and anointed him with Yahweh's authority to be ruler. They also anointed Zadok to be priest.
23 Saka Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha samambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi. Akabudirira uye Israeri yose yakamuteerera.
Then Solomon sat on Yahweh's throne as king instead of David his father. He prospered, and all Israel obeyed him.
24 Vatungamiri vose pamwe chete navarume voumhare, pamwe chete navanakomana vose vaMambo vaDhavhidhi vakavimbisa kuzviisa pasi paMambo Soromoni.
All the leaders, soldiers, and King David's sons gave allegiance to King Solomon.
25 Jehovha akasimudzira Soromoni kwazvo pamberi peIsraeri yose akaisa paari kukudzwa kwoumambo kusina kumbopiwa mumwe mambo weIsraeri akamutangira.
Yahweh greatly honored Solomon before all Israel and bestowed on him greater power than he had ever given to any king before him in Israel.
26 Dhavhidhi mwanakomana waJese aiva mambo pamusoro peIsraeri yose.
David son of Jesse reigned over all Israel.
27 Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni uye makumi matatu namatatu muJerusarema.
David had been king of Israel for forty years. He ruled for seven years in Hebron and for thirty-three years in Jerusalem.
28 Akafa akwegura zvikuru ararama upenyu hurefu, hune upfumi nokukudzwa. Mwanakomana wake Soromoni akamutevera paumambo.
He died at a good old age, after enjoying a long life, wealth and honor. Solomon his son succeeded him.
29 Kana zviri zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaMambo Dhavhidhi kubva pakutanga kusvika kumagumo, zvakanyorwa muzvinyorwa zvaSamueri muoni, zvinyorwa zvaNatani muprofita, uye nomuzvinyorwa zvaGadhi muoni,
King David's accomplishments are written in the history of Samuel the prophet, in the history of Nathan the prophet, and in the history of Gad the prophet.
30 pamwe chete nenhoroondo dzokutonga kwake, uye nesimba, nezvinhu zvakaitika kwaari iye neIsraeri noumambo hwedzimwe nyika dzose.
Recorded there are the deeds of his rule, his accomplishments and the events that affected him, Israel, and all the kingdoms of the other lands.

< 1 Makoronike 29 >