< 2 Књига Самуилова 8 >

1 После тога разби Давид Филистеје, и покори их, и узе Давид Метег-Аму из руку филистејских.
Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia vakava pasi pake, uye akatora Metegi Ama kubva mumaoko avaFiristia.
2 Разби и Моавце, и измери их ужем поваљавши их по земљи, и измери их два ужа да се погубе а једно уже да се оставе у животу. И Моавци посташе слуге Давидове, и плаћаху му данак.
Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu. Akavavatisa pasi akavayera netambo. Aiti akaera kaviri netambo vanhu ivavo vourayiwa, asi avo vaipinda pachiero chikamu chimwe chete kubva muzvitatu vaitenderwa kurarama. Naizvozvo vaMoabhu vakaitwa varanda naDhavhidhi uye vakabvisiswa mutero.
3 Давид разби и Адад-Езера сина Реововог цара совског, изашав да рашири власт своју до реке Ефрата.
Pamusoro paizvozvo, Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha, paakaenda kundotorazve nyika yaiva mujinga morwizi Yufuratesi.
4 И зароби их Давид хиљаду и седам стотина коњаника и двадесет хиљада пешака, и подреза Давид жиле свим коњима колским, само остави за сто кола.
Dhavhidhi akamutorera ngoro dzamabhiza chiuru, vachairi vengoro zviuru zvinomwe navarwi vaifamba netsoka zviuru makumi maviri. Akaremadza makumbo eshure amabhiza ose kusiya kwezana rimwe chete raikweva ngoro.
5 И беху дошли Сирци из Дамаска у помоћ Адад-Езеру цару совском, и Давид поби двадесет и две хиљаде Сираца.
Zvino vaAramu veDhamasiko vakati vauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya zviuru makumi maviri nezviviri pakati pavo.
6 И намести Давид војску у Сирији што је под Дамаском, и Сирци посташе слуге Давидове плаћајући му данак. И Господ чуваше Давида куда год иђаше.
Akaisa mapoka avarwi munyika yavaAramu yeDhamasiko, vaAramu vakava varanda vake vakabvisiswa mutero. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwose kwaakaenda.
7 И Давид узе златне штитове које имаху слуге Адад-Езерове, и донесе их у Јерусалим.
Dhavhidhi akatora nhoo dzegoridhe dzakanga dziri dzamakurukota aHadhadhezeri, akauya nadzo kuJerusarema.
8 И из Ветаха и из Виротаја, градова Адад-Езерових, однесе цар Давид силну бронзу.
Mambo Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo kubva paTebha neBherotai, maguta akanga ari aHadhadhezeri.
9 А кад чу Тоја, цар ематски, да је Давид побио сву војску Адад-Езерову,
Zvino Tou mambo weHamati akati anzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda hondo yose yaHadhadhezeri,
10 Посла Тоја Јорама сина свог к цару Давиду да га поздрави и да му честита што је војевао на Адад-Езера и убио га, јер Тоја имаше рат с Адад-Езером; и донесе Јорам закладе златне и сребрне и бронзане.
akatuma mwanakomana wake Joramu kuna Mambo Dhavhidhi kundomukwazisa nokumukorokotedza pamusoro pokukunda kwaakanga aita Hadhadhezeri pakurwa, uye akanga amborwisana naTou. Joramu akauya nemidziyo yesirivha neyegoridhe neyendarira.
11 Па и то цар Давид посвети Господу са сребром и златом што беше посветио од свих народа које покори,
Mambo Dhavhidhi akakumikidza midziyo iyi kuna Jehovha, sezvaakanga aita nesirivha negoridhe yakanga yabva kundudzi dzose dzaakanga akunda dzinoti:
12 Од Сираца и од Моаваца и од синова Амонових и од Филистеја и од Амалика, и од плена Адад-Езера сина Реововог, цара совског.
Edhomu neMoabhu, vaAmoni navaFiristia, neAmareki. Akakumikidzazve zvaakanga apamba kubva kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha.
13 И Давид стече име кад се врати побивши Сирце, осамнаест хиљада у сланој долини.
Uye Dhavhidhi akava nomukurumbira paakadzoka kundouraya gumi rezviuru nezviuru zvisere zvavaEdhomu paMupata weMunyu.
14 И намести војску по Идумеји, по свој Идумеји намести војску, и сви Едомци посташе слуге Давидове. И Господ чуваше Давида куда год иђаше.
Akaisa mapoka avarwi munyika yose yeEdhomu, vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwaakaenda.
15 Тако царова Давид над свим Израиљем, судећи и дајући правду свему народу свом.
Dhavhidhi akabata ushe pamusoro peIsraeri yose, achiita zvakarurama nezvakanaka kuvanhu vose.
16 И Јоав син Серујин беше над војском; а Јосафат син Ахилудов паметар;
Joabhu mwanakomana waZeruya aiva mukuru wehondo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva muchengeti wemidziyo,
17 А Садок син Ихитовов и Ахимелех син Авијатаров свештеници; а Сераја писар;
Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vaprista; Seraya aiva munyori;
18 А Венаја син Јодајев беше над Херетејима и Фелетејима; а синови Давидови кнезови.
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutariri wavaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vapi vamazano vamambo.

< 2 Књига Самуилова 8 >