< Псалтирь 82 >

1 Псалом Асафа. Бог стал в сонме богов; среди богов произнес суд:
Pisarema raAsafi. Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti,
2 доколе будете вы судить неправедно и оказывать лицеприятие нечестивым?
“Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera
3 Давайте суд бедному и сироте; угнетенному и нищему оказывайте справедливость;
Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.
4 избавляйте бедного и нищего; исторгайте его из руки нечестивых.
Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.
5 Не знают, не разумеют, во тьме ходят; все основания земли колеблются.
“Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.
6 Я сказал: вы - боги, и сыны Всевышнего - все вы;
“Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’
7 но вы умрете, как человеки, и падете, как всякий из князей.
Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.”
8 Восстань, Боже, суди землю, ибо Ты наследуешь все народы.
Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.

< Псалтирь 82 >