< Иезекииль 26 >

1 В одиннадцатом году, в первый день первого месяца, было ко мне слово Господне:
Mugore regumi nerimwe, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 сын человеческий! за то, что Тир говорит о Иерусалиме: “а! а! он сокрушен - врата народов; он обращается ко мне; наполнюсь; он опустошен”, -
“Mwanakomana womunhu, nokuda kwokuti Tire yakati kuJerusarema, ‘Toko waro! Suo rokundudzi raputsika, uye makonhi aro azarukira kwandiri; zvino zvarava dongo ini ndichabudirira,’
3 за то, так говорит Господь Бог: вот, Я - на тебя, Тир, и подниму на тебя многие народы, как море поднимает волны свои.
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kukurwisa, iwe Tire, uye ndichauyisa marudzi mazhinji kuti azorwa newe, segungwa rinorasa mafungu aro.
4 И разобьют стены Тира и разрушат башни его; и вымету из него прах его и сделаю его голою скалою.
Vachaparadza masvingo eTire uye vachaondomora shongwe dzaro; ndichakukurira marara aro kure ndigoriita dombo risina chinhu.
5 Местом для расстилания сетей будет он среди моря; ибо Я сказал это, говорит Господь Бог: и будет он на расхищение народа.
Richava nzvimbo yokuruka mimbure yehove kugungwa ikoko, nokuti ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Richava chinhu chinopambwa chendudzi,
6 А дочери его, которые на земле, убиты будут мечом, и узнают, что Я Господь.
uye ugaro hwaro hwokumaruwa huchaparadzwa nomunondo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.
7 Ибо так говорит Господь Бог: вот, Я приведу против Тира от севера Навуходоносора, царя Вавилонского, царя царей, с конями и с колесницами, и со всадниками, и с войском, и с многочисленным народом.
“Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisira Tire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva nechokumusoro, ana mabhiza nengoro, navatasvi vamabhiza nehondo huru.
8 Дочерей твоих на земле он побьет мечом и устроит против тебя осадные башни, и насыплет против тебя вал, и поставит против тебя щиты;
Achaparadza ugaro hwamaruwa ako nomunondo, achakuvakira nhare dzokurwa newe, uye achavaka mirwi yokurwa pamasvingo ako agosimudza nhoo dzokukurwisa nadzo.
9 и к стенам твоим придвинет стенобитные машины и башни твои разрушит секирами своими.
Achatuma zvokuparadza nazvo masvingo ako agokoromora shongwe dzako nezvombo zvake.
10 От множества коней его покроет тебя пыль, от шума всадников и колес и колесниц потрясутся стены твои, когда он будет входить в ворота твои, как входят в разбитый город.
Mabhiza ake achawanda kwazvo zvokuti muchafukidzwa neguruva rawo. Masvingo ako achadengenyeka nomubvumo wamabhiza ehondo, nengoro dzamavhiri mana nengoro dzamavhiri maviri paanenge achipinda pamasuo ako somunhu anopinda muguta rina masvingo akaondomoka.
11 Копытами коней своих он истопчет все улицы твои, народ твой побьет мечом и памятники могущества твоего повергнет на землю.
Mahwanda amabhiza ake achatsika-tsika nzira dzako dzomumisha dzose; achauraya vanhu vako nomunondo, uye mbiru dzako dzakasimba dzichawira pasi.
12 И разграбят богатство твое, и расхитят товары твои, и разрушат стены твои, и разобьют красивые домы твои, и камни твои и дерева твои, и землю твою бросят в воду.
Vachapamba pfuma yako uye vachaba zvaunotengesa: vachakoromorera pasi masvingo ako uye vachaputsa dzimba dzako dzakaisvonaka uye vacharasa matombo ako nematanda namarara ako mukati megungwa.
13 И прекращу шум песней твоих, и звук цитр твоих уже не будет слышен.
Ndichagumisa mheremhere yenziyo dzako, uye kurira kwembira dzako hakuchazonzwikwazve.
14 И сделаю тебя голою скалою, будешь местом для расстилания сетей; не будешь вновь построен: ибо Я, Господь, сказал это, говорит Господь Бог.
Ndichakuita dombo risina chinhu, uye uchava nzvimbo yokuyanika mimbure yehove. Hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15 Так говорит Господь Бог Тиру: от шума падения твоего, от стона раненых, когда будет производимо среди тебя избиение, не содрогнутся ли острова?
“Zvanzi naIshe Jehovha kuTire: Ko, zviwi hazvichadengenyeki here pakunzwa mubvumo wokuwa kwako, vakakuvadzwa pavanenge vachigomera uye kuuraya kuchiitika mauri?
16 И сойдут все князья моря с престолов своих, и сложат с себя мантии свои, и снимут с себя узорчатые одежды свои, облекутся в трепет, сядут на землю, и ежеминутно будут содрогаться и изумляться о тебе.
Ipapo machinda ose omuzviwi achaburuka pazvigaro zvawo zvoushe vagoisa nhumbi dzavo dzoushe parutivi uye vagobvisa vachidedera nguva dzose, vashamiswa newe.
17 И поднимут плач о тебе и скажут тебе: как погиб ты, населенный мореходцами, город знаменитый, который был силен на море, сам и жители его, наводившие страх на всех обитателей его!
Ipapo vachachema pamusoro pako vagoti kwauri: “‘Wakaparadzwa sei, iwe guta romukurumbira, wakanga uzere navanhu vomugungwa! Wakanga uri simba pamusoro pamakungwa, iwe navanhu vako; wakaisa kutya kwako pamusoro pavo vose vaigara ikoko.
18 Ныне, в день падения твоего, содрогнулись острова; острова на море приведены в смятение погибелью твоею.
Zvino zviwi zvinodengenyeka pazuva rokuwa kwako; zviwi zviri mugungwa zvavhundutswa nokuwa kwako.’
19 Ибо так говорит Господь Бог: когда Я сделаю тебя городом опустелым, подобным городам необитаемым, когда подниму на тебя пучину, и покроют тебя большие воды;
“Zvanzi naIshe Jehovha: Pandichaita kuti guta rako rive dongo, samamwe maguta asingachagarwi uye pandinouyisa kudzika kwegungwa pamusoro pako uye mvura zhinji dzaro dzikakufukidza,
20 тогда низведу тебя с отходящими в могилу к народу давно бывшему, и помещу тебя в преисподних земли, в пустынях вечных, с отшедшими в могилу, чтобы ты не был более населен; и явлю Я славу на земле живых.
ipapo ndichakuburutsa pamwe chete navaya vanoburukira kugomba, kuvanhu vakarekare.
21 Ужасом сделаю тебя, и не будет тебя, и будут искать тебя, но уже не найдут тебя вовеки, говорит Господь Бог.
Ndichakusvitsa kumagumo anotyisa uye hauchazovapozve. Uchatsvakwa, asi haungawanikwizve, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

< Иезекииль 26 >