< Gálatas 5 >

1 Para a liberdade Cristo nos libertou; portanto, estai firmes, e não volteis a vos prender com o jugo da escravidão.
Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa.
2 Eis que eu, Paulo, vos digo, que se vos deixardes circuncidar, Cristo vos será útil em nada.
Batai mashoko angu! Ini, Pauro, ndinokuudzai kuti kana muchidzingiswa, Kristu haachakosheswi kwamuri napaduku.
3 E de novo atesto que todo homem que se deixar circuncidar está obrigado a obedecer a toda a Lei.
Uyezve, ndinotaura kumunhu wose anoda kudzingiswa kuti anofanira kuteerera murayiro wose.
4 Desligados estais de Cristo, vós que [quereis] ser justos pela Lei; da graça caístes.
Imi munoedza kururamisirwa nomurayiro makaparadzaniswa naKristu; makabva panyasha.
5 Pois, por meio do Espírito, pela fé, aguardamos a esperança da justiça;
Asi nokutenda tinoshinga kwazvo kumirira kururama, kunova ndiko kwatine tariro nako kubudikidza noMweya.
6 porque, em Cristo Jesus, nem a circuncisão nem a incircuncisão tem valor algum; mas sim a fé, que opera por meio do amor.
Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo. Chinhu chinokosha chete ndiko kutenda kunozviratidza kubudikidza norudo.
7 Estáveis correndo bem; quem vos impediu de obedecerdes à verdade?
Makanga muchimhanya nhangemutange yakanaka. Ndianiko akakudzivisai uye akakukonesai kuteerera chokwadi?
8 Esta persuasão não parte daquele que vos chama.
Kugombedzera ikoko hakuna kubva kuna iye anokudanai.
9 Um pouco de fermento leveda toda a massa.
Mbiriso shoma inovirisa chikanyiwa chose chakakanyiwa.
10 Acerca de vós, confio no Senhor de que não mudareis a vossa mentalidade; mas aquele que vos perturba, seja quem for, sofrerá o julgamento.
Ndinovimba muna She kuti hamuchazogamuchiri dzimwe pfungwa. Iyeye anokunyonganisai achazviripira mhaka yake, angava ani zvake.
11 Mas se eu, irmãos, ainda prego a circuncisão, por que, então, sou perseguido? Então a ofensa da cruz está anulada!
Hama dzangu, kana ndichiri kuparidza nezvokudzingiswa, ko, ndichiri kutambudzirwei hangu? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa.
12 Gostaria que aqueles que estão vos perturbando castrassem a si mesmos.
Kana vari vaya vanokukuchidzirai, ndaida hangu kuti vazvigure zvinhu zvavo.
13 Pois vós, irmãos, fostes chamados para a liberdade. Somente não [useis] a liberdade como oportunidade para a carne; em vez disso, servi-vos uns aos outros pelo amor.
Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo.
14 Pois toda a Lei se cumpre em uma só regra, que é: Amarás ao teu próximo como a ti mesmo.
Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.”
15 Se, porém, mordeis e devorais uns aos outros, cuidado para não vos destruirdes mutuamente.
Kana muchiramba muchirumana uye nokudyana, chenjererai kuti murege kuparadzana mumwe nomumwe wenyu.
16 Mas eu digo: andai no Espírito, e não executeis o mau desejo da carne.
Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo.
17 Pois a carne deseja contra o Espírito, e o Espírito contra a carne; pois estes se opõem mutuamente, para que não façais o que quereis.
Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda.
18 Mas, se sois guiados pelo Espírito, não estais debaixo da Lei.
Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro.
19 As obras da carne são evidentes. São elas: pecado sexual, impureza, devassidão,
Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere;
20 idolatria, feitiçaria, inimizades, brigas, ciúmes, iras, rivalidades egoístas, desavenças, facções,
kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka
21 invejas, bebedices, orgias, e coisas semelhantes a essas, das quais eu havia vos dito anteriormente; assim como eu também haviavos dito antes que os que praticam tais coisas não herdarão o Reino de Deus.
nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.
22 Mas o fruto do Espírito é: amor, alegria, paz, paciência, benignidade, bondade, fidelidade,
Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka,
23 mansidão, domínio próprio. Contra essas coisas não há lei.
kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.
24 Os que são de Cristo Jesus crucificaram a carne com as paixões e os maus desejos.
Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva.
25 Se vivemos no Espírito, também no Espírito andemos.
Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya.
26 Não nos tornemos presunçosos, irritando uns aos outros, e invejando uns aos outros.
Ngatiregei kuzvikudza, tichitsamwisana kana kuchiva zvevamwe.

< Gálatas 5 >