< Ezechiela 11 >

1 Potem duch uniósł mnie i zaprowadził do wschodniej bramy domu PANA, która jest zwrócona na wschód. A oto u wejścia tej bramy [było] dwudziestu pięciu mężczyzn, wśród których zobaczyłem Jaazaniasza, syna Azzura, i Pelatiasza, syna Benajasza, książąt ludu.
Ipapo Mweya wakandisimudza ukaenda neni pasuo reimba yaJehovha rakatarira kumabvazuva. Pamukova wesuo ipapo, pakanga pane varume makumi maviri navashanu, uye ndakaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri naPeratia mwanakomana waBhenaya, vatungamiri vavanhu.
2 Wtedy powiedział mi: Synu człowieczy, to są mężczyźni, [którzy] obmyślają nieprawość i dają złe rady w tym mieście;
Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanorangana zvakaipa nokupa mano akaipa muguta rino.
3 Mówią: To nie tak blisko, budujmy domy. Oto [miasto] jest kotłem, a my – mięsem.
Vanoti, ‘Ko, nguva haisati yasvika here yokuvaka dzimba? Guta rino ihari yokubikira, uye isu tisu nyama.’
4 Dlatego prorokuj przeciwko nim, prorokuj, synu człowieczy!
Naizvozvo profita pamusoro pavo; profita, mwanakomana womunhu.”
5 Wtedy zstąpił na mnie Duch PANA i powiedział do mnie: Mów: Tak mówi PAN: Tak mówiliście, domu Izraela. Znam bowiem wszystko, co wam przychodzi na myśl.
Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pangu, iye akanditaurira kuti nditi: “Zvanzi naJehovha: Ndizvo zvamunotaura, imi imba yaIsraeri, asi ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu.
6 Zabiliście wielkie mnóstwo [ludzi] w tym mieście i napełniliście ulice zabitymi.
Makauraya vanhu vazhinji muguta rino uye mukazadza nzira dzaro nevakafa.
7 Dlatego tak mówi Pan BÓG: Wasi zabici, których położyliście w środku miasta, są mięsem, a miasto – kotłem. Lecz wyprowadzę was z niego.
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvitunha zvamakandamo ndiyo nyama uye guta rino ndiyo hari, asi ini ndichakubudisai mariri.
8 Baliście się miecza, a ja sprowadzę na was miecz, mówi Pan BÓG.
Munotya munondo, zvino munondo ndiwo wandichauyisa kuzokurwisai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9 A wyprowadzę was z niego, wydam was w ręce obcych i wykonam nad wami sądy.
Ndichakubudisai kunze kweguta ndigokuisai mumaoko avatorwa uye ndichakurangai.
10 Padniecie od miecza, osądzę was na granicy Izraela i dowiecie się, że ja jestem PANEM.
Muchaurayiwa nomunondo, uye ini ndichakutongai pamiganhu yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
11 Miasto nie będzie dla was kotłem ani wy nie będziecie w nim mięsem; na granicy Izraela osądzę was.
Guta rino haringavi hari kwamuri, nemi hamungavi nyama mariri; ndichakutongai ini pamiganhu yeIsraeri.
12 I dowiecie się, że ja jestem PANEM, ponieważ nie postępowaliście według moich ustaw, nie wykonaliście moich sądów, ale czyniliście według sądów tych pogan, którzy [są] dokoła was.
Uye muchaziva kuti ndini Jehovha, nokuti hamuna kutevera mitemo yangu kana kuchengeta mirayiro yangu asi makafamba netsika dzendudzi dzakakupoteredzai.”
13 A gdy prorokowałem, umarł Pelatiasz, syn Benajasza. Wtedy upadłem na twarz i zawołałem donośnym głosem: Ach, Panie BOŻE! Czy doszczętnie wyniszczysz resztkę Izraela?
Zvino ndakati ndichiprofita, Peratia mwanakomana waBhenaya akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso ndikachema zvikuru ndichiti, “Haiwa Ishe Jehovha! Ko, muchaparadza chose vakasara vaIsraeri here?”
14 I doszło do mnie słowo PANA mówiące:
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
15 Synu człowieczy, twoi bracia, [właśnie] twoi bracia, twoi krewni i cały dom Izraela [są tymi], do których mówili mieszkańcy Jerozolimy: Oddalcie się od PANA. Nam została dana ta ziemia w posiadanie.
“Mwanakomana womunhu, hama dzako, hama dzako dzeropa neimba yose yaIsraeri, ndivo vainzi navanhu veJerusarema, ‘Vari kure kwazvo naJehovha; nyika ino takaipiwa kuti ive yedu.’
16 Dlatego mów: Tak mówi Pan BÓG: Chociaż wygnałem ich daleko pomiędzy pogan i chociaż rozproszyłem ich po krajach, jednak przez krótki czas będę dla nich świątynią w krajach, do których przybędą.
“Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kunyange ndakavaendesa kure pakati pendudzi uye ndikavaparadzira pakati penyika, asi kwechinguva chiduku ndakanga ndiri nzvimbo yavo tsvene munyika dzavakaenda.’
17 Dlatego mów: Tak mówi Pan BÓG: Zgromadzę was z pogan i zbiorę was z krajów, do których zostaliście rozproszeni, i dam wam ziemię Izraela.
“Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuunganidzai kubva kundudzi ndigokudzosai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa uye ndichakupaizve nyika yaIsraeri.’
18 Wejdą tam i usuną z niej wszystkie jej plugastwa i wszystkie jej obrzydliwości.
“Vachadzokera kwairi vagobvisa zvifananidzo zvayo zvose zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza.
19 I dam im jedno serce, i włożę nowego ducha w wasze wnętrze; usunę z ich ciała serce kamienne, a dam im serce mięsiste;
Ndichavapa mwoyo mumwe uye ndichaisa mweya mutsva mukati mavo; ndichabvisa mwoyo webwe mukati mavo ndigovapa mwoyo wenyama.
20 Aby postępowali według moich ustaw i strzegli moich sądów oraz czynili je. I będą moim ludem, a ja będę ich Bogiem.
Ipapo vachatevera mitemo yangu uye vachachenjerera kuchengeta mirayiro yangu. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.
21 Ale co do tych, których serce chodzi za żądzami ich plugastw i obrzydliwości, złożę im na głowę ich własną drogę, mówi Pan BÓG.
Asi kana vari vaya vane mwoyo inotevera zvakaumbwa zvavo zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza, ndichaburutsa pamisoro yavo chaiyo zvavakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
22 Wtedy cherubiny podniosły swoje skrzydła i wraz z nimi koła, a chwała Boga Izraela [była] nad nimi u góry.
Ipapo makerubhi namavhiri parutivi pawo akatambanudza mapapiro awo, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo.
23 I odeszła chwała PANA z pośrodku miasta, i stanęła na górze, która [jest] na wschód od miasta.
Kubwinya kwaJehovha kwakakwira kuchibva mukati meguta kukandomira pamusoro pegomo nechokumabvazuva kwaro.
24 A duch uniósł mnie i przyprowadził w widzeniu przez Ducha Bożego do ziemi Chaldei, do pojmanych. I odeszło ode mnie widzenie, które miałem.
Mweya wakandisimudza ukaenda neni kuna vakatapwa vari muBhabhironi muchiratidzo chakapiwa noMweya waMwari. Ipapo chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa kubva pandiri,
25 Następnie opowiedziałem pojmanym te wszystkie rzeczy, które PAN mi ukazał.
uye ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.

< Ezechiela 11 >