< II Samuela 3 >

1 A wojna między domem Saula a domem Dawida trwała długo. Dawid jednak stawał się mocniejszy, a dom Saula stawał się coraz słabszy.
Hondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi yakatora nguva refu isati yapera. Dhavhidhi akaramba achisimba asi imba yaSauro yakaramba ichipererwa nesimba.
2 I Dawidowi w Hebronie urodzili się synowie. Jego pierworodnym był Amnon z Achinoam Jizreelitki;
Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni: Dangwe rake raiva Amunoni mwanakomana waAbhinoami weJezireeri;
3 Drugim był Kilab z Abigail, [dawnej] żony Nabala z Karmelu, trzecim – Absalom, syn Maaki, córki Talmaja, króla Geszur;
wechipiri, Kiriabhu mwanakomana waAbhigairi chirikadzi yaNabhari weKarimeri; wechitatu, Abhusaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri;
4 Czwartym [był] Adoniasz, syn Chaggity, piątym – Szefatiasz, syn Abitali;
wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti; wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari;
5 I szóstym [był] Jitream z Egli, żony Dawida. Ci urodzili się Dawidowi w Hebronie.
uye wechitanhatu, Itireamu mwanakomana womukadzi waDhavhidhi Egira. Ava ndivo vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni.
6 I dopóki trwała wojna między domem Saula a domem Dawida, Abner wzmacniał się w domu Saula.
Munguva yehondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akanga achisimbisa chinzvimbo chake muimba yaSauro.
7 A Saul miał nałożnicę, której na imię [było] Rispa, córkę Aji. [Iszboszet] zapytał Abnera: Czemu wszedłeś do nałożnicy mego ojca?
Zvino Sauro aiva nomukadzi womurongo ainzi Rizipa mwanasikana waAiya. Uye Ishi-Bhosheti akati kuna Abhineri, “Wakararirei nomurongo wababa vangu?”
8 Wtedy Abner bardzo się rozgniewał z powodu słów Iszboszeta i powiedział: Czy jestem głową psa? Dziś okazałem przeciw Judzie miłosierdzie domowi Saula, twego ojca, jego braciom i przyjaciołom, i nie wydałem cię w ręce Dawida, a ty dziś obciążasz mnie winą z powodu tej kobiety.
Abhineri akatsamwa zvikuru nezvakanga zvataurwa naIshi-Bhosheti ndokupindura achiti, “Ko, ndiri musoro wembwa kurutivi rwaJudha here? Nhasi uno ndakatendeka, kuimba yababa vako Sauro nokumhuri yake zvose neshamwari dzake. Handina kukuisa mumaoko aDhavhidhi. Kunyange zvakadaro iye zvino unondipomera mhaka pamusoro pomukadzi uyu!
9 Niech Bóg to uczyni Abnerowi i do tego dorzuci, jeśli nie dokonam tego, co PAN przysiągł Dawidowi;
Mwari ngaarove Abhineri, zvive zvinorwadza kwazvo, kana ndikasaitira Dhavhidhi izvo zvaakapikirwa naJehovha
10 Aby przenieść królestwo z domu Saula i umocnić tron Dawida nad Izraelem i nad Judą, od Dan aż do Beer-Szeby.
nokubvisa umambo muimba yaSauro ndichisimbisa chigaro choushe chaDhavhidhi pamusoro peIsraeri neJudha kubva paDhani kusvikira kuBheerishebha.”
11 I nie mógł odpowiedzieć Abnerowi ani słowa, bo się go bał.
Ishi-Bhosheti haana kuzomboti bufuzve kuna Abhineri, nokuti akanga ava kumutya.
12 Wtedy Abner wyprawił posłańców do Dawida, aby powiedzieli w jego imieniu: Czyja [jest] ziemia? I żeby mówili: Zawrzyj ze mną przymierze, a oto moja ręka będzie z tobą, by sprowadzić do ciebie cały Izrael.
Ipapo Abhineri akatumira nhume kuna Dhavhidhi kuti dzindopa mashoko ake okuti, “Ko, nyika ino ndeyani? Itai sungano neni, uye ini ndichakubatsirai kuti Israeri yose iuye kwamuri.”
13 Odpowiedział: Dobrze, zawrę z tobą przymierze. Ale żądam od ciebie jednej rzeczy: Nie zobaczysz mojej twarzy, dopóki nie przyprowadzisz do mnie Mikal, córki Saula, gdy przyjdziesz mnie zobaczyć.
Dhavhidhi akati, “Zvakanaka, ndichaita sungano newe. Asi ndinoda chinhu chimwe chete kubva kwauri: Usasvika pamberi pangu kunze kwokunge wauya naMikari mwanasikana waSauro paunouya kuzondiona.”
14 I Dawid wyprawił posłańców do Iszboszeta, syna Saula, żądając: Oddaj mi moją żonę Mikal, którą poślubiłem sobie za sto napletków filistyńskich.
Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro, kundoti, “Ndipe Mikari mudzimai wangu, wandakatsidzirana naye nezvikanda zvokudzingiswa zvapamberi zvavaFiristia vane zana.”
15 Iszboszet posłał więc [po nią] i zabrał ją od męża, Paltiela, syna Lajisza.
Naizvozvo Ishi-Bhosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Paritieri mwanakomana waRaishi.
16 Jej mąż szedł z nią i płakał, idąc za nią aż do Bachurim. Wtedy Abner powiedział do niego: Idź, wracaj. I wrócił.
Zvisinei, murume wake akamuperekedza, achichema ari mumashure make dakara vanosvika kuBhahurimi. Ipapo Abhineri akati kwaari, “Dzokera kumba!” iye ndokudzokera hake.
17 Potem Abner prowadził rozmowy ze starszymi Izraela: Już dawno chcieliście, aby Dawid był królem nad wami.
Abhineri akakurukura navakuru veIsraeri akati, “Pava nenguva muchida kugadza Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu.
18 Teraz więc uczyńcie [to]. PAN bowiem powiedział o Dawidzie tak: Przez rękę swojego sługi Dawida wybawię swój lud Izraela z ręki Filistynów i z ręki wszystkich jego wrogów.
Saka chizviitai iye zvino! Nokuti Jehovha akavimbisa Dhavhidhi achiti, ‘Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichanunura vanhu vangu Israeri kubva muruoko rwavavengi vavo vose.’”
19 Abner powiedział to samo do uszu Beniaminitów. Potem Abner poszedł, aby zawiadomić Dawida w Hebronie o wszystkim, co wydało się słuszne Izraelowi i całemu domowi Beniamina.
Abhineri akataura navaBhenjamini pachake. Ipapo akabva akaenda kundoudza Dhavhidhi paHebhuroni zvose zvakanga zvichida kuzoitwa navaIsraeri neimba yose yaBhenjamini.
20 A gdy Abner przybył wraz z dwudziestoma mężczyznami do Dawida do Hebronu, Dawid wyprawił ucztę dla Abnera i dla mężczyzn, którzy z nim byli.
Zvino Abhineri, uyo akanga ana varume makumi maviri, akati asvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni, Dhavhidhi akamugadzirira mabiko pamwe chete navarume vaaiva navo.
21 Wtedy Abner powiedział do Dawida: Wstanę i pójdę, aby zgromadzić przy królu, moim panu, cały Izrael, żeby zawarli z tobą przymierze i żebyś królował nad wszystkim, czego pragnie twoja dusza. Potem Dawid odprawił Abnera, który poszedł w pokoju.
Ipapo Abhineri akati kuna Dhavhidhi, “Nditenderei kuti ndiende iye zvino ndinounganidzira ishe wangu mambo Israeri yose, kuti vaite sungano nemi, uye kuti mubate ushe pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wenyu.” Saka Dhavhidhi akaendesa Abhineri, iye akaenda norugare.
22 A oto słudzy Dawida wraz z Joabem wracali z wyprawy, przynosząc ze sobą obfity łup. Abnera zaś już nie było u Dawida w Hebronie, gdyż go odprawił, i tamten odszedł w pokoju.
Panguva iyoyo varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka kubva kundopamba uye vakauya nezvakawanda zvavakanga vapamba. Asi Abhineri akanga achisiri pamwe naDhavhidhi muHebhuroni, nokuti Dhavhidhi akanga amutendera kuenda, uye akanga aenda norugare.
23 Kiedy przybył Joab wraz z całym wojskiem, które z nim było, doniesiono Joabowi: Abner, syn Nera, przyszedł do króla, lecz on go odprawił, i tamten odszedł w pokoju.
Joabhu paakasvika navarwi vose vaaiva navo, akaudzwa kuti Abhineri mwanakomana waNeri akanga auya kuna mambo uye kuti mambo akanga amutendera kuti aende, uye akanga aenda norugare.
24 Joab przyszedł więc do króla i zapytał: Cóż uczyniłeś? Oto przyszedł do ciebie Abner. Dlaczego go odprawiłeś, aby mógł odejść?
Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo akati, “Ko, chii chamaita? Tarirai, Abhineri akauya kwamuri. Ko, makaregerei achienda? Zvino atoenda zvake!
25 Znasz Abnera, syna Nera, [wiesz], że przyszedł cię zdradzić i poznać twoje wyjścia i wejścia, i dowiedzieć się o wszystkim, co czynisz.
Munomuziva imi Abhuneri mwanakomana waNeri; anga auya kuzokunyengerai uye kuzoongorora mafambiro enyu nokusora zvose zvamuri kuita.”
26 Wtedy Joab wyszedł od Dawida i wyprawił posłańców za Abnerem, którzy zawrócili go od studni Sira. Dawid zaś o tym nie wiedział.
Ipapo Joabhu akabva pana Dhavhidhi ndokutumira nhume kuti dzitevere Abhineri, uye vakadzoka naye kubva patsime reSira. Asi Dhavhidhi haana kuzviziva.
27 A gdy Abner wrócił do Hebronu, Joab odprowadził go na bok do bramy, aby z nim porozmawiać po cichu, i tam przebił go pod piątym żebrem, tak że umarł, za krew swego brata Asahela.
Kuzoti Abhineri adzoka paHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi, pakati pesuo sokunge aida kutaura naye muchivande. Zvino ipapo, kuti atsive ropa raAsaheri mununʼuna wake, Joabhu akamubaya padumbu, ndokubva afa.
28 Kiedy Dawid usłyszał o tym później, powiedział: Ja i moje królestwo jesteśmy niewinni przed PANEM na wieki za krew Abnera, syna Nera.
Shure kwokunge Dhavhidhi anzwa nezvazvo, akati, “Ini noushe hwangu hatina mhosva nokusingaperi pamberi paJehovha pamusoro peropa raAbhuneri mwanakomana waNeri.
29 Niech ona spadnie na głowę Joaba i na cały dom jego ojca i niech nie braknie w domu Joaba człowieka cierpiącego na wyciek ani trędowatego, ani chodzącego o lasce, ani upadającego od miecza, ani niemającego chleba.
Ropa rake ngarive pamusoro waJoabhu nepaimba yababa vake yose! Imba yaJoabhu ngairege kushaya munhu ane ronda risingapori, kana ana maperembudzi, kana anofamba nomudonzvo, kana anourayiwa nomunondo, kana anoshayiwa zvokudya.”
30 Tak to Joab i jego brat Abiszaj zabili Abnera za to, że on zabił ich brata Asahela w bitwie pod Gibeonem.
(Joabhu nomununʼuna wake Abhishai vakaponda Abhineri nokuti akanga auraya Asaheri mununʼuna wavo muhondo paGibheoni.)
31 Potem Dawid nakazał Joabowi i całemu ludowi, który z nim był: Porozdzierajcie wasze szaty, nałóżcie wory i opłakujcie Abnera. A król Dawid szedł za marami.
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu navanhu vose vaiva naye, “Bvarurai nguo dzenyu mupfeke masaga mufambe muchiungudza pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi pachake akafamba ari shure kwengoro yaiva nechitunha.
32 Gdy pogrzebali Abnera w Hebronie, król podniósł swój głos i zapłakał nad grobem Abnera, płakał też cały lud.
Vakaviga Abhineri paHebhuroni, uye mambo akaridza mhere paguva raAbhineri. Vanhu vose vakachemawo.
33 Król lamentował z powodu Abnera i powiedział: Czyż [tak] miał umrzeć Abner, jak umiera nikczemnik?
Mambo akaimba rwiyo urwu rwokuchema Abhineri: “Ko, Abhineri aifanira kufa nomufiro webenzi here?
34 Twoje ręce nie były związane, a twoje nogi nie były skute w kajdany. Padłeś jak ten, który pada przed bezbożnymi. Wtedy cały lud jeszcze mocniej płakał nad nim.
Maoko ako akanga asina kusungwa, makumbo ako akanga asina kuiswa mumatare. Wakafa sokufa kwomunhu anofira pamberi pavanyangadzi.” Uye vanhu vose vakamuchemazve.
35 Gdy cały lud przyszedł, by [skłonić] Dawida do zjedzenia posiłku jeszcze za dnia, Dawid przysiągł: Niech mi Bóg to uczyni i do tego dorzuci, jeśli przed zachodem słońca skosztuję chleba lub czegoś innego.
Ipapo vose vakauya vakagombedzera Dhavhidhi kuti awane chaangadya achiri masikati; asi Dhavhidhi akaita mhiko, achiti, “Mwari ngaandirove, uye zvakanyanyisa, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva risati ravira!”
36 Kiedy cały lud to zobaczył, uznał to za słuszne, podobnie jak wszystko, co czynił król.
Vanhu vose vakazviona uye vakafara; zvirokwazvo, chose chakaitwa namambo chakavafadza.
37 Tego dnia cały lud przekonał się, że nie od króla wyszło, żeby zabić Abnera, syna Nera.
Naizvozvo musi uyu vanhu vose neIsraeri yose, vakaziva kuti mambo akanga asingatenderani nokuurayiwa kwaAbhineri mwanakomana waNeri.
38 I król powiedział do swoich sług: Czyż nie wiecie, że dziś poległ w Izraelu wielki dowódca?
Ipapo mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi kwafa jinda uye munhu anokosha muIsraeri?
39 A ja dziś jestem słaby, choć zostałem namaszczony na króla. Ci zaś ludzie, synowie Serui, są dla mnie zbyt uciążliwi. Niech PAN odpłaci czyniącemu zło według jego niegodziwości.
Uye kuti nhasi, kunyange ndiri mambo akazodzwa, handina simba, uye vanakomana vaZeruya ava vava nesimba kupfuura ini. Jehovha ngaaripire munyangadzi zvinoenderana nokuipa kwamabasa ake!”

< II Samuela 3 >