< مزامیر 15 >

مزمور داود ای خداوند کیست که در خیمه تو فرودآید؟ و کیست که در کوه مقدس توساکن گردد؟ ۱ 1
Pisarema raDhavhidhi. Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene? Ndiani angagara pagomo renyu dzvene?
آنکه بی‌عیب سالک باشد و عدالت را به‌جاآورد، و در دل خویش راست گو باشد، ۲ 2
Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,
که به زبان خود غیبت ننماید؛ و به همسایه خود بدی نکند و درباره اقارب خویش مذمت را قبول ننماید، ۳ 3
uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye,
که در نظر خود حقیر و خوار است وآنانی را که از خداوند می‌ترسند مکرم می‌دارد وقسم به ضرر خود می‌خورد و تغییر نمی دهد. ۴ 4
anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza,
نقره خود را به سود نمی دهد و رشوه بر بی‌گناه نمی گیرد. آنکه این را به‌جا آورد تا ابدالاباد جنبش نخواهد خورد. ۵ 5
anokweretesa mari yake asingarevi mhindu uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva. Munhu anoita izvi haangatongozungunuswi.

< مزامیر 15 >