< پیدایش 20 >

پس ابراهیم از آنجا بسوی ارض جنوبی کوچ کرد، و در میان قادش وشور، ساکن شد و در جرار منزل گرفت. ۱ 1
Zvino Abhurahama akabvapo akapinda mudunhu rokuNegevhi akandogara pakati peKadheshi neShuri. Akagara muGerari kwechinguva,
وابراهیم در خصوص زن خود، ساره، گفت که «اوخواهر من است.» و ابی ملک، ملک جرار، فرستاده، ساره را گرفت. ۲ 2
uye ikoko Abhurahama akati nezvomukadzi wake Sara, “Ihanzvadzi yangu.” Ipapo Abhimereki mambo weGerari akatuma vanhu kuti vandotora Sara.
و خدا در رویای شب، بر ابی ملک ظاهر شده، به وی گفت: «اینک تومرده‌ای بسبب این زن که گرفتی، زیرا که زوجه دیگری می‌باشد.» ۳ 3
Asi Mwari akauya kuna Abhimereki usiku mukurota uye akati kwaari, “Wakangoita somunhu akafa nokuda kwomukadzi wawatora; mukadzi womunhu.”
و ابی ملک، هنوز به اونزدیکی نکرده بود. پس گفت: «ای خداوند، آیاامتی عادل را هلاک خواهی کرد؟ ۴ 4
Zvino Abhimereki akanga asati aswedera kwaari, saka akati, “Ishe, muchaparadza rudzi rusina mhosva here?
مگر او به من نگفت که “او خواهر من است “، و او نیز خود گفت که “او برادر من است؟” به ساده دلی و پاک دستی خود این را کردم.» ۵ 5
Ko, iye haana kuti kwandiri, ‘Ihanzvadzi yangu’ here, naiyewo mukadzi haana kuti kwandiri ‘Ihanzvadzi yangu’ here? Ndakaita izvi nehana yakachena uye namaoko akachena.”
خدا وی را در رویا گفت: «من نیز می‌دانم که این را به ساده دلی خود کردی، و من نیز تو را نگاه داشتم که به من خطا نورزی، و از این سبب نگذاشتم که او را لمس نمایی. ۶ 6
Ipapo Mwari akati kwaari mukurota, “Hongu, ndinozviziva kuti wakaita izvi nehana yakachena, nokudaro ndakukonesa kuti unditadzire. Ndokusaka ndisina kukutendera kuti umubate.
پس الان زوجه این مرد را رد کن، زیرا که او نبی است، وبرای تو دعا خواهد کرد تا زنده بمانی، و اگر او رارد نکنی، بدان که تو و هر‌که از آن تو باشد، هرآینه خواهید مرد.» ۷ 7
Zvino chidzosera mukadzi womurume uyu, nokuti muprofita, uye achakunyengeterera urarame. Asi kana usina kumudzosa, uzive kuti iwe navose vari vako muchafa.”
بامدادان، ابی ملک برخاسته، جمیع خادمان خود را طلبیده، همه این امور را به سمع ایشان رسانید، و ایشان بسیار ترسان شدند. ۸ 8
Mangwanani akatevera Abhimereki akadana varanda vake vose, uye paakavaudza zvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo.
پس ابی ملک، ابراهیم را خوانده، بدو گفت: «به ما چه کردی؟ و به تو چه گناه کرده بودم، که بر من و بر مملکت من گناهی عظیم آوردی و کارهای ناکردنی به من کردی؟» ۹ 9
Ipapo Abhimereki akadana Abhurahama kuti apinde akati, “Waiteiko kwatiri? Ndakakutadzira zvakaita seiko zvawauyisa mhosva huru yakadai pamusoro pangu napamusoro poumambo hwangu? Wandiitira zvinhu zvisingafaniri kuitwa.”
و ابی ملک به ابراهیم گفت: «چه دیدی که این کار را کردی؟» ۱۰ 10
Uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Wakaoneiko chakaita kuti uite izvi?”
ابراهیم گفت: «زیرا گمان بردم که خداترسی در این مکان نباشد، و مرا به جهت زوجه‌ام خواهند کشت. ۱۱ 11
Abhurahama akapindura akati, “Ndakati mumwoyo mangu, ‘Zvirokwazvo munzvimbo ino hamuna kutya Mwari, uye vachandiuraya nokuda kwomukadzi wangu.’
وفی الواقع نیز او خواهر من است، دختر پدرم، اما نه دختر مادرم، و زوجه من شد. ۱۲ 12
Zvisinei hazvo, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mwanasikana wababa vangu kunyange hazvo asina kuberekwa namai vangu; uye akazova hake mukadzi wangu.
و هنگامی که خدا مرا از خانه پدرم آواره کرد، او را گفتم: احسانی که به من باید کرد، این است که هر جابرویم، درباره من بگویی که او برادر من است.» ۱۳ 13
Uye Mwari paakandiita kuti ndifambe kubva paimba yababa vangu, ndakati kwaari, ‘Izvi ndizvo zvaungandiratidza nazvo madiro aunondiita: Kwose kwatinoenda, utaure pamusoro pangu uchiti, “Ihanzvadzi yangu.”’”
پس ابی ملک، گوسفندان و گاوان و غلامان وکنیزان گرفته، به ابراهیم بخشید، و زوجه‌اش ساره را به وی رد کرد. ۱۴ 14
Ipapo Abhimereki akauya namakwai nemombe uye navarandarume navarandakadzi akavapa kuna Abhurahama, uye akadzosa Sara mukadzi wake.
و ابی ملک گفت: «اینک زمین من پیش روی توست، هر جا که پسند نظرت افتد، ساکن شو.» ۱۵ 15
Uye Abhimereki akati, “Nyika yangu iri pamberi pako; gara paunoda.”
و به ساره گفت: «اینک هزار مثقال نقره به برادرت دادم، همانا او برای تو پرده چشم است، نزد همه کسانی که با تو هستند، و نزد همه دیگران، پس انصاف تو داده شد.» ۱۶ 16
Kuna Sara akati, “Ndiri kupa hanzvadzi yako mashekeri chiuru esirivha. Ichi ndicho chichava chifukidzo pamusoro pemhosva yandakaita kwauri pamberi pavose vaunavo; waruramiswa kwazvo.”
و ابراهیم نزدخدا دعا کرد. و خدا ابی ملک، و زوجه او وکنیزانش را شفا بخشید، تا اولاد بهم رسانیدند، ۱۷ 17
Ipapo Abhurahama akanyengetera kuna Mwari, uye Mwari akaporesa Abhimereki, mukadzi wake uye navarandakadzi vake kuti vakwanise kuita vana zvakare,
زیرا خداوند، رحم های تمام اهل بیت ابی ملک را بخاطر ساره، زوجه ابراهیم بسته بود. ۱۸ 18
nokuti Jehovha akanga azarira zvizvaro zvavo zvose muimba yaAbhimereki nokuda kwaSara mukadzi waAbhurahama.

< پیدایش 20 >