< خروج 31 >

و خداوند موسی را خطاب کرده، گفت: ۱ 1
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
«آگاه باش بصلئیل بن اوری بن حور را از سبط یهودا به نام خوانده‌ام. ۲ 2
“Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
و او را به روح خدا پر ساخته‌ام، و به حکمت و فهم ومعرفت و هر هنری، ۳ 3
uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha,
برای اختراع مخترعات، تادر طلا و نقره و برنج کار کند. ۴ 4
kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira,
و برای تراشیدن سنگ و ترصیع آن و درودگری چوب، تا در هرصنعتی اشتغال نماید. ۵ 5
kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha.
و اینک من، اهولیاب بن اخیسامک را از سبط دان، انباز او ساخته‌ام، و دردل همه دانادلان حکمت بخشیده‌ام، تا آنچه را به تو امر فرموده‌ام، بسازند. ۶ 6
Pamusoro paizvozvo ndakagadza Ohoriabhi mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, kuti amubatsire. “Uyezve ndapa unyanzvi kumhizha kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti:
خیمه اجتماع و تابوت شهادت و کرسی رحمت که بر آن است، و تمامی اسباب خیمه، ۷ 7
“Tende Rokusangana, areka yeChipupuriro ine chifukidzo chokuyananisa pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetende,
و خوان و اسبابش و چراغدان طاهر و همه اسبابش و مذبح بخور، ۸ 8
tafura nemidziyo yayo, chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuhwira,
و مذبح قربانی سوختنی و همه اسبابش، و حوض وپایه‌اش، ۹ 9
aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo dzose, mudziyo wokushambira nechigadziko chawo,
و لباس خدمت و لباس مقدس برای هارون کاهن، و لباس پسرانش بجهت کهانت، ۱۰ 10
uyewo nguo yakarukwa, dzose nguo tsvene dzaAroni muprista uye nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista,
و روغن و مسح و بخور معطر بجهت قدس، موافق آنچه به تو امر فرموده‌ام، بسازند.» ۱۱ 11
namafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zveNzvimbo Tsvene. “Vanofanira kudzigadzira sezvandakakurayira iwe.”
و خداوند موسی را خطاب کرده، گفت: ۱۲ 12
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
«و تو بنی‌اسرائیل را مخاطب ساخته، بگو: البته سبت های مرا نگاه دارید. زیرا که این در میان من وشما در نسلهای شما آیتی خواهد بود تا بدانید که من یهوه هستم که شما را تقدیس می‌کنم. ۱۳ 13
“Uti kuvaIsraeri, ‘Munofanira kucherechedza Sabata rangu. Ichi ndicho chichava chiratidzo pakati pangu nemi kuzvizvarwa zvinotevera, kuti mugoziva kuti ndini Jehovha, anokuitai vatsvene.
پس سبت را نگاه دارید، زیرا که برای شما مقدس است، هر‌که آن را بی‌حرمت کند، هرآینه کشته شود، و هر‌که در آن کار کند، آن شخص از میان قوم خود منقطع شود. ۱۴ 14
“‘Cherechedzai Sabata, nokuti idzvene kwamuri. Munhu upi zvake anorizvidza anofanira kuurayiwa; ani naani anobata basa ripi zvaro pazuva iroro anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
شش روز کار کرده شود، و در روز هفتم سبت آرام و مقدس خداونداست. هر‌که در روز سبت کار کند، هرآینه کشته شود. ۱۵ 15
Kwamazuva matanhatu, basa rinofanira kuitwa, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora, idzvene kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro nomusi weSabata anofanira kuurayiwa.
پس بنی‌اسرائیل سبت را نگاه بدارند، نسلا بعد نسل سبت را به عهد ابدی مرعی دارند. ۱۶ 16
VaIsraeri vanofanira kucherechedza Sabata, vachiripemberera kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera sesungano isingaperi.
این در میان من و بنی‌اسرائیل آیتی ابدی است، زیرا که در شش روز، خداوند آسمان و زمین راساخت و در روز هفتمین آرام فرموده، استراحت یافت.» ۱۷ 17
Richava chiratidzo pakati pangu navaIsraeri nokusingaperi, nokuti mukati mamazuva matanhatu Jehovha akasika denga nenyika, uye nomusi wechinomwe akarega kushanda uye akazorora.’”
و چون گفتگو را با موسی در کوه سینابپایان برد، دو لوح شهادت، یعنی دو لوح سنگ مرقوم به انگشت خدا را به وی داد. ۱۸ 18
Jehovha akati apedza kutaura naMozisi paGomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri eChipupuriro, mahwendefa amabwe akanyorwa nomunwe waMwari.

< خروج 31 >